Chinokosha 3: Kushanda Pamwe Chete
“Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete . . . Kana mumwe wavo akawa, mumwe wacho anogona kusimudza mumwe wake.”—Muparidzi 4:9, 10.
Zvakunoreva. Vakaroorana vanobudirira vanoremekedza urongwa hwaMwari hunoratidza kuti musoro ndiani sezvinotaurwa muBhaibheri. (VaEfeso 5:22-24) Kunyange zvakadaro, murume nemudzimai havatauri vachiti “zvangu” uye “ini” asi kuti “zvedu” uye “isu.” Murume nemudzimai pavanoshanda pamwe chete mumwe nemumwe haazvioni semunhu asina kuroora kana kuroorwa. Ivo ‘inyama imwe.’ Mashoko aya omuBhaibheri haangotsananguri chete kusaguma kweukama hwavo asiwo kusimba kwahwo.—Genesisi 2:24.
Nei kuchikosha. Kana iwe nemumwe wako musingashandiri pamwe, nyaya duku dzingakurumidza kuva matambudziko makuru, mumwe achirwisa mumwe pane kurwisa dambudziko racho. Asi, kana iwe nemumwe wako mukashanda pamwe chete, munova somutyairi wendege nemubatsiri wake vari kubatsirana kutyaira pane kuva vatyairi vari mundege mbiri dziri kunobonderana. Pamusingawirirani, munofanira kutsvaka nzira dzinoshanda dzokugadzirisa dambudziko pane kutambisa nguva nesimba muchinakurirana nyoka mhenyu.
Edza kuita izvi. Ona kuti munoshanda pamwe chete zvakadini, nokupindura mibvunzo iri pasi apa.
◼ Ndinoona mari yandinotambira se“yangu yose” here, zvandirini ndinenge ndaishandira?
◼ Ndinodzivisa kuva pedyo nehama dzemumwe wangu here, kunyange zvazvo iye ari pedyo chaizvo nadzo?
◼ Kuti ndinzwe ndakanyatsosununguka, ndinofanira kuva kure nemumwe wangu here?
Sarudza zvokuita, wozviita. Funga nzira imwe chete kana mbiri dzaungaratidza nadzo kuti unonyanya kushanda pamwe chete nemumwe wako.
Wadii kubvunza mumwe wako zvaanofunga kuti mungaita?
[Mufananidzo uri papeji 5]
Kushanda pamwe chete kunoreva kuti makaita somutyairi wendege nemubatsiri wake vari kubatsirana kutyaira