RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 2 pp. 4-6
  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvemashiripiti?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvemashiripiti?
  • Mukai!—2017
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MATANGIRO AZVAKAITA
  • Pane Chakaipa Here Nekuvaraidzwa Nezvinhu Zvemidzimu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Nei Usingafaniri Kuita Zvemidzimu?
    Mukai!—2008
  • Bvuma Kubatsirwa naJehovha Ukunde Satani Nemadhimoni
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Nei Paine Kufarira Kuita Zvemidzimu Kwakapararira?
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—2017
g17 nha. 2 pp. 4-6
Murume nemudzimai vari kutarisa paTV mafirimu ezvemashiripiti achada kuzobudiswa

Kunyange zvazvo mabhuku nemafirimu achibudisa zvinhu zvine chekuita nemadhimoni sezvinhu zvinonakidza, tinofanira kuziva kuti zvine ngozi

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAKAIPA HERE KUONA MAFIRIMU EMASHIRIPITI?

Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvemashiripiti?

KUNYANGE zvazvo vanhu vakawanda vachiti zvemashiripiti ndezvekunyepa kana kuti ndezvemumafirimu chete, Bhaibheri rinoshora zvakajeka zvinhu izvozvo. Semuenzaniso, Dheuteronomio 18:10-13 inoti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa . . . munhu anoshopera, anoita zvemashiripiti kana munhu anotenda mashura kana muroyi, kana munhu anotsinga vamwe nezvitsinga, kana anobvunza svikiro, kana vafemberi, kana anobvunza vakafa.” Nemhaka yei? “Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanosemesa Jehovha . . . Unofanira kuva asina mhosva kuna Jehovha Mwari wako.”

Nemhaka yei Bhaibheri richirambidza kuita zvese zvataurwa izvi?

MATANGIRO AZVAKAITA

Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari asati asika nyika, akasika mamiriyoni engirozi. (Jobho 38:4, 7; Zvakazarurwa 5:11) Ngirozi dzose idzi dzakasikwa dziine rusununguko rwekusarudza zvakanaka kana kuti zvakaipa. Dzimwe dzacho dzakasarudza kupandukira Mwari, dzichibva dzauya panyika kuzokonzera nyonga nyonga. Zvakabva zvaita kuti panyika ‘pazare nechisimba.’​—Genesisi 6:2-5, 11; Judha 6.

Bhaibheri rinoti ngirozi dzakaipa idzodzo dzine simba uye dziri kutsausa mamiriyoni evanhu. (Zvakazarurwa 12:9) Dzinoziva kuti vanhu vanoda kuziva nezveramangwana ravo, saka dzinoshandisa izvozvo kuvatsausa.​—1 Samueri 28:5, 7; 1 Timoti 4:1.

Dzimwe ngirozi dzakaipa dzinoita sedzinobatsira vanhu. (2 VaKorinde 11:14) Asi chinangwa chadzo ndechekupofumadza pfungwa dzevanhu kuti vasaziva chokwadi nezvaMwari.​—2 VaKorinde 4:4.

Bhaibheri rinoratidza kuti kuita zvinhu zvechidhimoni haisi nyaya yekutamba nayo. Ndokusaka pavanhu vakanga vadzidziswa chokwadi nezvenyaya idzi, vamwe vacho “vaiita zvemashiripiti vakaunganidza mabhuku avo, vakaapisa pamberi pevanhu vose,” kunyange zvazvo mabhuku acho aidhura.​—Mabasa 19:19.

Mukadzi ari kuverenga bhuku rezvemashiripiti

“Vasikana vakawanda vava kutenda zvinhu zveuroyi uye izvi zvinogona kunge zvichikonzerwa nekuona kwavanoita tsvarakadenga dzevaroyi dzinobudiswa paTV, mumafirimu uye mumabhuku.”​—Gallup Youth Survey, 2014

Mazuva ano, vanhu vakawanda vakaregawo kuita zvinhu zvine chekuita nemashiripiti kana kuvaraidzwa nazvo. Semuenzaniso, Mariaa paaiva nemakore 12, aikwanisa kufembera. Aiva nemakadhi aaishandisa aimubatsira pakuudza vaaidzidza navo zvaizoitika kwavari. Sezvo zvaaitaura zvaibva zvaitika, akabva atanga kunakidzwa nazvo.

Maria aifunga kuti kufembera kwaaiita chipo chaakapiwa naMwari chekuti abatsire vanhu. “Asi pane chaindinetsa,” anodaro. “Ndaikwanisa kufembera nezveupenyu hwevamwe, asi ndaisakwanisa kufembera nezveupenyu hwangu.”

Maria paakashaya mhinduro dzemibvunzo yaaiva nayo, akanyengetera kuna Mwari uye Zvapupu zvaJehovha zvakazomushanyira achibva atanga kudzidziswa Bhaibheri. Zvaakadzidza muBhaibheri zvakamuratidza kuti simba raimuita kuti afembere raisabva kuna Mwari. Akadzidzawo kuti vanhu vanoda kufarirwa naMwari vanofanira kurasa zvinhu zvine chekuita nemadhimoni. (1 VaKorinde 10:21) Zvii zvakazoitwa naMaria? Akarasa mabhuku nezvinhu zvese zvaaishandisa pakufembera. Iye zvino ava kuudzawo vamwe chokwadi chaakadzidza muBhaibheri.

Michael paakanga achiri kuyaruka, aifarira chaizvo kuverenga mabhuku anotaura nezvevanhu vanoita zvinhu zvisinganzwisisiki uye zvinotyisa. “Ndaifarira vanhu vezera rangu vandaiverenga nezvavo vaienda kunzvimbo dzisinganzwisisiki, dzinotyisa,” anodaro Michael. Zvishoma nezvishoma akatanga kuverenga mabhuku anotaura nezvevanhu vanenge vachiita zvemasaramusi uye mamwe mabasa aSatani. Anoti, “Chaiita kuti ndide kuverenga mabhuku nekuona mafirimu ezvinhu izvi ndechekuti ndaida kuziva kuti chii chinenge chichimboitika.”

Asi kudzidza Bhaibheri kwaiita Michael kwakamubatsira kuti asiye mabhuku anotaura nezvemashiripiti. Anoti, “Ndakanyora pasi zvinhu zvese zvandaiva nazvo zvaiva nechekuita nemashiripiti, ndichibva ndazvirasa. Ndine chinhu chinokosha chandakadzidza. Pana 1 VaKorinde 10:31, Bhaibheri rinoti: ‘Itai zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.’ Iye zvino ndinozvibvunza kuti, ‘Bhuku iri randiri kuda kuverenga rine chimwe chinhu chingaita kuti Mwari asakudzwa here?’ Kana chiripo, ndinobva ndatorisiya.”

Mukadzi ari kutarisa pajw.org

Bhaibheri rinofananidzwa nerambi. Ndiro bhuku rinonyatsojekesa kuti kuita zvemashiripiti kwakaipa. (Pisarema 119:105) Asi haringogumiri ipapo. Rinotaura kuti mune remangwana, madhimoni achange asisiko. Vanhu vachange vava kurarama upenyu hwakanaka. Semuenzaniso, Pisarema 37:10, 11 inoti: “Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve; uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”

a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

Nzira Dzinoshandiswa naSatani

Vanhu vakawanda vanofarira zvinhu zveuroyi, zvemashiripiti uye kududzira upenyu hwevanhu pachishandiswa nyeredzi. Munyika dzakawanda, vanhu vanoedza kutaura nemadhimoni vachishandisa vafemberi kana kuti n’anga. Vakawanda vanoenda kunoshoperwa kuti vazive zvichaitika muupenyu hwavo. Vamwe vanotenda mashura uye vamwe vacho vanodudzira mitsetse iri muruoko uye vamwe ndivo vanotoenda kuti vanodudzirwa.

Zvinhu izvi zvinobudiswa mumabhuku nemumafirimu zvichiita sekuti hazvina kuipa. Dzimwe nyanzvi dzinoona nezvekubudiswa kwezvinhu zvinovaraidza dzinoti kubudiswa kunoitwa zvinhu zvechidhimoni paTV nemumafirimu ndiko kuri kuita kuti vanhu vazvifarire.

Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

Kuti unzwe zvimwe, verenga chitsauko 10 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha uye unogona kuridhaunirodha pajw.org. Unogonawo kushandisa QR code iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe