RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 2 p. 7
  • Kumhara Kunoita Nyuchi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kumhara Kunoita Nyuchi
  • Mukai!—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2017
  • Zvipuka Zvinobaka Chiedza
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • Ndege Dzakachengeteka Zvakadini?
    Mukai!—1999
  • Muswe weChidhambakura
    Mukai!—2013
Mukai!—2017
g17 nha. 2 p. 7
Nyuchi iri kumhara paruva

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kumhara Kunoita Nyuchi

NYUCHI inogona kumhara nyore nyore chero painoda. Inozviita sei?

Chimbofunga izvi: Kuti nyuchi ikwanise kumhara, inofanira kuderedza speed yayo isati yasvika pairi kuda kumhara. Asi haikwanisi kuona kuti pairi kuda kumhara kure zvakadii.

Maziso evanhu anokwanisa kuona kuti chinhu chiri kure zvakadii, asi nyuchi haikwanisi kuzviita. Nyuchi painoswedera pedyo nechinhu chainenge ichida kumhara, chinhu chacho chinoita sechiri kukura. Ongororo dzakaitwa paAustralian National University dzakaratidza kuti nyuchi inoderedza speed yayo kuitira kuti chinhu chairi kuona chisaita sekuti chiri kuramba chichikura. Painozosvika pachinhu chacho, inenge yanyatsoderedza speed zvekuti inobva yakwanisa kumhara zviri nyore.

Magazini inonzi Proceedings of the National Academy of Sciences inoti: “Kuongorora kumhara zviri nyore kunoita nyuchi . . . kuchabatsira pakuvandudza mashandiro emaflying robots.”

Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti nyuchi dzikwanise kumhara saizvozvo, kana kuti pane akaita kuti dzikwanise kudaro?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe