RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 9/14 p. 13
  • Kurwara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurwara
  • Mukai!—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUKUNDA DAMBUDZIKO RACHO
  • Kufirwa
    Mukai!—2014
  • Ndingaitei Kana Ndichirwara? (Chikamu 3)
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Mugwagwa Unoenda Kukunaya
    Mukai!—1996
  • Zvapupu zvaJehovha Chishandiswa Mukufambira Mberi Kwokuvhiya Mwoyo
    Mukai!—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—2014
g 9/14 p. 13
Mubhedha womuchipatara
Mubhedha womuchipatara

UNGAITEI KANA WAWIRWA NETSAONA?

Kurwara

KuArgentina mumwe mukadzi anonzi Mabel, aiva noupenyu hwake hwakanaka achishanda basa rakanaka rokuitisa varwere maekisesaizi. Muna 2007, akatanga kutemwa nomusoro uye kunzwa kurukutika. “Ndakaenda kunanachiremba vakasiyana-siyana uye ndakapiwa mishonga yakawanda,” anodaro, “asi hapana chakabatsira.” Mabel akazotorwa scan achibva aonekwa kuti ane bundu muuropi. Anoti: “Ndakapererwa. Ndakatadza kuzvibvuma.

Mabel
Mabel

“Handina kumbofunga kuti raiva dambudziko rakakura kusvikira ndazoitwa oparesheni. Pandakapepuka ndapedza kuoparetwa hapana chandakanga ndichagona kuita kunze kwokungobwaira. Ndisati ndaoparetwa ndaizviitira zvinhu zvangu. Asi zvakanga zvachinja. Ndiri muchipatara ndaigara ndakavhiringidzika ndichingonzwa ruzha rwezvaiitika zvakadai semaaramu, varwere vaichema nezvimwewo. Ndainyatsonzwa kuti nzvimbo yandiri haina kumira zvakanaka.

“Iye zvino ndava nani. Ndava kugona kufamba ndoga. Asi handichanyatsoona uye muviri wangu unononoka kuita zvimwe zvinhu.”

KUKUNDA DAMBUDZIKO RACHO

Usanyanya kufunga. Bhaibheri pana Zvirevo 17:22 rinoti: ‘Mwoyo unofara mushonga wakanaka, asi kushushikana kunopedza simba.’ Mabel anoyeuka kuti: “Maekisesaizi andaiita airwadza zvokuti ndakatombofunga zvokusiyana nawo, asi ndakayeuka kuti ndizvo zvaiitikawo pandaiitisa varwere maekisesaizi saka ndakashingirira nokuti ndaiziva kuti kuaita kuchandibatsira.”

Ramba uine tariro. “Ndinoziva kuti Bhaibheri rinotaura chikonzero nei tichisangana nematambudziko,” anodaro Mabel. “Asi ndinozivawo kuti panovira zuva rimwe nerimwe tinenge tichiswedera pedyo nenguva iyo Mwari achabvisa matambudziko ose atiri kuona.”a

Ziva kuti Mwari ane hanya newe. (1 Petro 5:7) Mabel anoti kuziva izvozvo kwakamubatsira. Anoti, “Pandakaenda kunoitwa oparesheni, ndakayeuka mashoko aIsaya 41:10, Mwari paanoti: ‘Usatya, nokuti ndinewe.’ Ndakanyatsonzwa kugadzikana ndichiziva kuti Jehovha Mwari ane hanya neni.”

Waizviziva here? Bhaibheri rinodzidzisa kuti ichasvika nguva pakunenge kusina munhu achange achitambudzwa chero nechirwere chipi zvacho.​—Isaya 33:24; 35:5, 6.

a Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvenyaya iyi verenga chitsauko 11 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe