RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 9/14 p. 14
  • Kufirwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufirwa
  • Mukai!—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUKUNDA DAMBUDZIKO RACHO
  • Ungaitei Kana Wawirwa Netsaona?
    Mukai!—2014
  • Mazano Anonyatsobatsira Vakafirwa
    Mukai!—2018
  • Rubatsiro Kune Vaya Vanochema
    Mukai!—2011
  • Kubvuma Kuti Chokwadi Wakafirwa
    Mukai!—2011
Ona Zvimwe
Mukai!—2014
g 9/14 p. 14
Tsaona yemota
Tsaona yemota

UNGAITEI KANA WAWIRWA NETSAONA?

Kufirwa

Ronaldo wokuBrazil, akafirwa nehama dzake 5 kusanganisira baba vake namai mutsaona yemota. Iye aivamowo mutsaona yacho asi akapona. “Ndakazoudzwa papera mwedzi miviri ndiri muchipatara kuti vamwe vose vakafira mutsaona,” anodaro.

Ronaldo
Ronaldo

“Ndakazviramba. Vose here vakomana? Pandakazoona kuti chaiva chokwadi, ndakavhunduka. Ndakarwadziwa zvandisati ndamboita. Ndakanga ndisingachaoni chikonzero chokurarama. Ndakapedza mwedzi yakawanda ndichichema! Ndaingoti chandakapira mumwe munhu kuti adhiraivhe chii. Zvimwe dai ndiri ini ndaidhiraivha tisina kumboita tsaona.

“Patova nemakore 16 kubvira tsaona iyi yaitika zvokuti ndikazvifunga zvichiri kundirwadza. Asi iye zvino zvinenge zvava nani.”

KUKUNDA DAMBUDZIKO RACHO

Hazvina kuipa kuchema kana wafirwa. Bhaibheri rinoti pane nguva yokuchema. (Muparidzi 3:1, 4) Ronaldo anoti: “Pose pandainzwa ndichida kuchema ndaichema uye ndainzwa ndarerukirwa. Kuedza kuda kuzvishingisa hakuna zvakunobatsira.” Tose tinochema nenzira dzakasiyana-siyana. Saka kana usina misodzi hazvirevi kuti uri kudzvanyirira shungu mukati kana kuti unofanira kuzvimanikidza kuti misodzi ibude.

Usazviita zindoga. (Zvirevo 18:1) Ronaldo anoti, “Ndainzwa ndichida kugara ndiri ndoga asi ndairwisa mafungiro iwayo. Ndaifara chaizvo vanhu pavaindishanyira. Ndaiudzawo mudzimai wangu neshamwari pandainyanya kurwadziwa.”

Usanyanya kubatikana nemashoko anorwadza anotaurwa nevamwe. Vamwe vanogona kuti “Mwari aita kuda kwake.” Ronaldo anoyeuka kuti, “Mamwe mashoko aitaurwa nechinangwa chokunyaradza aitowedzera marwadzo.” Panzvimbo pokufunga nezvemashoko anorwadza, ita zvinotaurwa neBhaibheri kuti: “Mwoyo wako ngaurege kuva nehanya nemashoko ose angataurwa nevanhu.”​—Muparidzi 7:21.

Dzidza Bhaibheri kuti uone kuti chii chinoitika kana munhu afa. Ronaldo anoti: “Pana Muparidzi 9:5 Bhaibheri rinoti kana munhu afa hapana kwaanoenda achinotambudzwa uye kuziva izvozvo kunonyaradza. Bhaibheri rinodzidzisawo kuti vakafa vachamutswa vorarama nokusingaperi. Saka pandinofunga nezvehama neshamwari dzakafa ndine chokwadi chokuti ndichazovaona vamutswa.”​—Mabasa 24:15.

Waizviziva here? Bhaibheri rinoti kana nguva yaMwari yasvika “achaparadza rufu nokusingaperi.”a​—Isaya 25:8.

Nyaya dziri papeji 11-14 dzinotaura nezvokuti ungaita sei kana wawirwa nedambudziko. Kana uchida kuziva kuti Bhaibheri rinoti kudii nezvematambudziko atinoona, verenga magazini inonzi Nharireyomurindi yaJuly 1, 2014 panyaya inoti “Sei Zvakaipa Zvichiitika Kuvanhu Vakanaka?”

a Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvenyaya iyi verenga chitsauko 7 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe