RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 3/14 pp. 13-14
  • Mwanasikana Wenyu Paanenge Aine Zvinomunetsa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwanasikana Wenyu Paanenge Aine Zvinomunetsa
  • Mukai!—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DAMBUDZIKO
  • CHINOZVIKONZERA
  • ZVAMUNOGONA KUITA
  • Ndoitei Kana Ndichitemeswa Musoro Kuchikoro?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Kukunda Dambudziko Rekushushikana
    Mukai!—2020
  • Zvinokonzera Kushushikana Mupfungwa uye Zvinozovapo
    Mukai!—2005
  • Funganyo Yakanaka, Funganyo Yakaipa
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—2014
g 3/14 pp. 13-14
Amai vari kunyaradza mwana wavo ari kunetseka

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Mwanasikana Wenyu Paanenge Aine Zvinomunetsa

DAMBUDZIKO

Amai vari kutarisa mwana wavo ari kunetseka

Mwana wenyu anokuudzai kuti ane zviri kumunetsa. Munozvibvunza kuti ‘Chii chiri kumunetsa pazera remakore 13? Achiri mwana muduku zvokuti angava nezvinhu zvaangati zviri kukunetsa!’ Asi musati mamuudza izvozvo, tangai maona kuti chingava chii chiri kuita kuti anetseke kudaro.

CHINOZVIKONZERA

Kuchinja kunoita muviri. Vasikana pavanopinda mumakore okuyaruka miviri yavo inochinja uye izvi zvinoita kuti vati netsekei kunyanya kana vakakurumidza kana kunonoka kuchinja kupfuura vamwe. “Pavasikana vezera rangu ndini ndakatanga kupfeka bra, uye ndainzwa kunyara,” anodaro Anna,a iye zvino ava nemakore 20. “Ndichizvienzanisa nevezera rangu ndaiona ndakasiyana navo!”

Kunzwa uchifara asi wozongoerekana wasurukirwa. Karen, ane makore 17, anoyeuka kuti: “Zuva rose ndaiswera ndichifara asi kana ava manheru ndairara ndichichema uye ndainetseka kuti chii chiri kuitika kwandiri. Ndakanga ndisingazivi kuti zvaikonzerwa nei. Ndakanga ndisingachakwanisi kuzvidzora.”

Kutanga kuenda kumwedzi. “Amai vangu vakanga vagara vandiudza nezvekuenda kumwedzi asi musi wangu wokutanga wazvakazoitika ndakanga ndisingazvitarisiri,” anodaro musikana anonzi Kathleen. “Ndaigeza kasingaperi pazuva nemhaka yokuti ndaizviona sokunge ndakasviba nguva dzose. Uye hanzvadzi dzangu dzainditsvinyira zvisingaiti. Vaiona sechinhu chinosekesa kunzwa kuti musikana ari kuenda kumwedzi.”

Shamwari. Marie, uyo ane makore 18, anoyeuka kuti: “Pandaiva pakati pemakore 12 ne14, ndainzwa ndichida kuita zvaiitwa neshamwari dzangu. Vana vepachikoro chandaidzidza vaiti vakakuona uchiita zvakasiyana nevamwe vaikuitira utsinye.” Anita ane makore 14 anoti: “Pazera rangu iri zvinorwadza kusava neshamwari saka unotoita zvose zvaunogona kuti uwane shamwari dzokutamba nadzo.”

ZVAMUNOGONA KUITA

Kurudzirai mwana wenyu kuti ataure zviri kumunetsa. Pakutanga, anogona kuzeza kutaura. Asi ivai nemwoyo murefu moita zvinotaurwa neBhaibheri parinoti ‘kurumidzai kuteerera, mononoka kutaura.’—Jakobho 1:19.

Musaona kunetseka kwemwana wenyu sechinhu chidiki. Yeukai kuti mwana wenyu haana ruzivo neupenyu sezvamunoita uye haazivi kuti kana akasangana nedambudziko anorigadzirisa sei.—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaRoma 15:1.

Musawanzira mwana wenyu zvokuita. Maererano nebhuku rinonzi Teach Your Children Well, kana vana vari kuyaruka vakava nezvinhu zvakawanda zvokuita “kazhinji kacho vanowanzova nezviratidzo zvemunhu ari kunetseka zvakadai sekutemwa nemusoro uye kurwadziwa nemudumbu.”—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaFiripi 1:9, 10.

Mwana wenyu ngaave nenguva yakakwana yekuzorora. Vechiduku vakawanda havawanzorari zvakakwana. Kana mwana wenyu akasava nenguva yakakwana yekunyatsorara maitiro aanoita zvinhu anodzikira zvobva zvamutadzisa kukunda dambudziko rokunetseka.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Muparidzi 4:6.

Batsirai mwana wenyu kuziva nzira dzakanaka dzokupedza nadzo kunetseka. Vamwe vasikana vanoita maekisesaizi kuti vaderedze dambudziko rokunetseka. “Kusimbisa muviri kunobatsira,” rinodaro Bhaibheri. (1 Timoti 4:8) Vamwewo vasikana vanoona zvichibatsira kuva nekabhuku kavanonyora matambudziko avari kusangana nawo kuitira kuti vasanyanya kunetseka nedambudziko ravanenge vanaro. Brittany ane makore 22 anoti: “Ndichiri mudiki ndaiti ndikasangana nematambudziko andakanga ndisingakwanisi kugadzirisa ndaianyora pasi. Kuita izvozvo kwaindibatsira kuti ndinyatsonzwisisa zvakaita dambudziko racho uye kuti ndorigadzirisa here kana kuti ndongosiya zvakadaro.”

Ratidzai muenzaniso nezvamunoita. Munoita sei kana muine zvinokunetsai? Munoedza kuita zvinhu zvakawanda kupfuura zvamunokwanisa here mozopedzisira mava kunetseka kuti mozvipedza sei? Munozviuraya nekushanda here muchitadza kuwana nguva yokuita zvinokosha muupenyu? “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe,” inodaro VaFiripi 4:5. Zivai kuti mwana wenyu anocherechedza zvamunoita uye anodzidza kubva kwamuri, uye zvaanodzidza zvacho zvinogona kumubatsira kana kumukanganisa.

a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

MAGWARO ANOKOSHA

  • “Isu takasimba tinofanira kutakura kushayiwa simba kwevaya vasina kusimba.”—VaRoma 15:1.

  • ‘Ivai nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.’—VaFiripi 1:9, 10.

  • “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.”—Muparidzi 4:6.

MUENZANISO WEVABEREKI

Musikana anonzi Laura anoti, “Pasinei nekuti baba vangu vanogara vakabatikana, havambonyanyi kuratidza kuti pane zviri kuvanetsa. Panomuka dambudziko, vanowanzobvunza kuti ‘Tingagadzirisa sei dambudziko iri?’ Baba vangu vanowanzoti kana pakaitika chimwe chinhu chausingafariri wobva wanyanya kugumbuka zvinozokutadzisa kuita zvimwe zvinhu zvakatowanda nepfungwa dzakagadzikana. Baba vangu munhuwo akafanana nevamwe hazvirevi kuti havana zvinovanetsa. Asi havabvi vavhiringika zvokushaya zvokuita. Maitiro avanoita zvinhu ndinoafarira chaizvo.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe