RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 1/14 pp. 3-6
  • Unovimba Here Nezvinobudiswa Munhau?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unovimba Here Nezvinobudiswa Munhau?
  • Mukai!—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Hazvidi Kurerekera Divi Rimwe
  • Kushandisa Social Media Kuri Kundikanganisa Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndingaita Sei Kana Vabereki Vangu Vasingandibvumidze Kushandisa Social Media?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Vana neSocial Media—Chikamu 1: Mwana Wangu Anofanira Kuenda paSocial Media Here?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Nyika Yese Iri Kutyira Vechidiki Pakushandisa Kwavari Kuita Social Media
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Mukai!—2014
g 1/14 pp. 3-6
Mufananidzo uri papeji 6

NYAYA IRI PAKAVHA

Unovimba Here Nezvinobudiswa Munhau?

VANHU vakawanda havavimbi nhau dzavanoverenga kana kuti dzavanonzwa. Somuenzaniso, pane imwe ongororo yakaitwa kuUnited States mugore ra2012 vanhu pavaibvunzwa kuti vanovimba zvakadini nezvinobudiswa munhau, mungava mumapepanhau, mumaTV, uye mumaredhiyo. Pavanhu 10 voga voga 6 vacho vaiti havanyanyi kuvimba nadzo kana kuti havatombovimbi nadzo. Chii chinoita kuti zvidaro?

Vatori venhau vakawanda uye masangano avanoshandira vanotaura kuti vakazvipira kuburitsa nhau dzakarurama uye dzinobatsira vanhu kuziva zviri kuitika. Asi pane zviri kuitika zviri kuita kuti vanhu vasavimba nenhau. Zvimwe zvacho ndeizvi:

  • Mufananidzo uri papeji 3

    VANHU VANE MUKURUMBIRA PAKUBUDISWA KWEMASHOKO. Kune masangano mashoma asi ane mukurumbira chaizvo ayo ane nzira dzaanoshandisa dzokusvitsa mashoko kuvanhu nokukurumidza. Nzira ichabudiswa nayo mashoko ndiyo ichatema kuti ndezvipi zvichabudiswa, uye kuti zvichabudiswa sei. Nemhaka yokuti masangano akawanda anenge achida kuita purofiti, zvisarudzo zvichaitwa nevachazobudisa mashoko acho zvinobva pakuti zvinhu zvacho zvichazodzosa marii. Nyaya dzinoita kuti sangano rinobudisa nhau risaita purofiti hadzibudiswi.

  • Mufananidzo uri papeji 3

    HURUMENDE. Nyaya zhinji dzatinonzwa munhau dzine chokuita nevanhu uye mafambisirwo ari kuitwa zvinhu muhurumende. Hurumende dzinoda kuti vanhu vatsigire zvirongwa zvadzo nevakuru vakuru. Sezvo vanobudisa nhau vachiwana mamwe mashoko kuhurumende, dzimwe nguva vatori venhau nevashandi vomuhurumende vanoshanda pamwe chete.

  • Mufananidzo uri papeji 3

    KUSHAMBADZIRA. Munyika dzakawanda, kuti vanobudisa nhau varambe vari mubhizimisi vanofanira kuita mari, uye yakawanda yacho inobva pakushambadzira. KuUnited States, vanoshambadzira vachishandisa maredhiyo nemaTV mari yavo yose inobva pakushambadzira ipapo, vanoshandisa magazini vanowana 80 muzana uye vemapepanhau inenge 60 muzana pakushambadzira. Ndosaka vanoshambadzira vasingadi kuti zvinhu zvavo zvishambadzirwe papurogiramu inobudisa zvinhu zvinopesana nezvido zvavo. Kana vakasafarira mashoko ari kubudiswa papurogiramu yacho, vanonoshambadzira kumwe. Saka vanobudisa nhau vakaona kuti nyaya yakati inogona kukanganisa chinhu chiri kuda kushambadzirwa havabudisi nyaya yacho.

  • Mufananidzo uri papeji 4

    KUSATENDESEKA. Havasi vose vatori venhau vakatendeseka. Vamwe vanotoita zvekugadzira nyaya. Somuenzaniso, makore mashoma apfuura, mumwe mutori wenhau wokuJapan aida kuratidza kuti vanoshandira pasi pegungwa vari kuparadza sei zvimwe zvinhu zviri mugungwa kuOkinawa. Akashaya umboo hwacho, achibva aparadza zvinhu zvacho ndokubva azvitora mapikicha. Mapikicha anogona kutambwa nawo zvokuti anogona kunyengera vanhu. Unyanzvi hwokutamba nemapikicha hwawedzera zvokuti dzimwe nguva unotobvuma kuti zvauri kuona ndizvo chaizvo.

  • Mufananidzo uri papeji 4

    KUHWANDA NECHIGUNWE. Chokwadi chinogona kunge chiri pachena asi mabudiro azvinozoita anosiyana zvichienderana nemaonero omutori wenhau. Zvii zvinofanira kutaurwa uye zvii zvisingafaniri kutaurwa? Somuenzaniso timu yebhora inogona kunge yakundwa zviri pachena nezvibodzwa zviviri. Asi vatori venhau vanogona kutsanangura nenzira dzakasiyana-siyana chikonzero chaita kuti timu yacho idyiwe.

  • Mufananidzo uri papeji 4

    KUSIYIRIRA MAMWE MASHOKO. Vatori venhau pavanoronga mashoko achazobudiswa, kazhinji vanowanzosiya zvinhu zvakaoma kunzwisisa kana kuti zvinomutsa mibvunzo. Izvi zvinobva zvaita kuti vawedzeredze uye vasataura zvimwe zvinhu. Zvimwe zvinoita kuti vanotepfenyura uye vatori venhau dzepaTV vasiye mamwe mashoko imhaka yokuti nyaya yacho inenge ichifanira kutaurwa muminiti imwe chete.

  • Mufananidzo uri papeji 5

    MAKWIKWI. Nemhaka yekuwanda kuri kuita mastation epaTV, vanhu vakawanda havachapedzi nguva vachiona station imwe chete. Izvi zviri kuita kuti mastation anobudisa nhau atoshanda zvakanyanya kuti vabudise zvinhu zvakasiyana nezvevamwe kana kuti zvinoita kuti vanhu vade kuramba vachiona. Bhuku rinonzi Media Bias richitaura nezvenyaya iyi, rinoti: “Nhau [dzepaTV] dzazara nemapikicha, uye mapikicha acho anenge achityisa kana kuti achiita kuti unzwe uchida kunzwa nezvenyaya yacho, uye nyaya dzacho dzakapfupikiswa kuti vanhu vasatora gore vachiteerera.”

  • Mufananidzo uri papeji 5

    KUKANGANISA. Vatori venhau vanhuwo vakafanana nesu vanogonawo kukanganisa asi vasingazviiti nemaune. Mashoko anogona kuchinja zvaanoreva nemhaka yokunyora chiperengo chisina kururama, kutadza kuronga mashoko, uye kuisa turabefu pasipo. Nyaya yacho inogona kunge isina kunyatsoongororwa kuti ionekwe kuti ndeyechokwadi here. Pamusana pekumhanya-mhanya mutori wenhau anogona kutadza kunyora nhamba zvakarurama oti 10 000 iye anga achida kuti 100 000.

  • Mufananidzo uri papeji 5

    KUCHINJA KWEMAFUNGIRO. Kubudisa nhau dzakarurama hakusi nyore. Matsanangurirwo anga achiitwa chinhu nhasi anogona kufuma achinja. Somuenzaniso, kare zvaifungidzirwa kuti zuva ndiro rinotenderera nyika. Asi iye zvino zvakazoonekwa kuti nyika ndiyo inofamba ichitenderera zuva.

Hazvidi Kurerekera Divi Rimwe

Kunyange zvazvo kuri kuratidza kuchenjera kusangobvuma zvose zvatinonzwa munhau, hazvirevi kuti zvose zvinobudiswa hazvina kururama. Chinokosha ndechokuti usarerekera divi rimwe panyaya dzaunonzwa.

Bhaibheri rinoti: “Nzeve haiedzi mashoko sokuravira kunoita rurimi zvokudya here?” (Jobho 12:11) Pazasi apa pane zvinogona kutibatsira kuziva kana chimwe chinhu chakarurama pane zvatinonzwa kana zvatinoverenga:

  • ANOPA MASHOKO: Mashoko acho abva kumunhu kana kuti sangano rinovimbwa naro here, kana kuti rinoremekedzwa? Vari kubudisa mashoko acho vanhu vanozivikanwa nekutaura zvinhu zvechokwadi here? Mari dzokuti vawane mashoko okubudisa dzinobvepi?

  • KUNOBVA MASHOKO: Pane umboo here hunoratidza kuti nyaya yacho yakanyatsoongororwa? Pane vamwe vanotsigira nyaya yacho here? Kunobva mashoko acho kwakavimbika, uye kunobudisa mashoko echokwadi here? Mashoko acho anobata mativi ose here, kana kuti anongorerekera divi rimwe?

  • CHINANGWA: Zvibvunze kuti: ‘Chinangwa chenhau idzi ndechekubatsira vanhu kuti vazive here kana kuti ndechokuda kungovavaraidza? Pane chinhu chavari kutengesa here kana kuti chavari kutsigira?’

  • MABUDIRO EMASHOKO ACHO: Kana mashoko ari kubudiswa panhau achiratidza kuti ndeekushora zvakanyanya, ehasha, uye eutsinye zvinogona kuratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

  • KUPINDIRANA KWENYAYA YACHO: Nyaya yacho inoenderana here nezviri mune dzimwe nhau? Kana ukaona nyaya imwe chete ichitaurwa zvakasiyana, ngwarira!

  • NGUVA YAKABUDA MASHOKO ACHO: Nyaya yacho haisi yekare kare here zvokuti vanhu havana chokwadi nayo? Chinhu chaionekwa sechakarurama makore 20 apfuura chinogona kunge chisisiri kugamuchirwa. Nerimwewo divi nyaya ichangoburwa munhau inogona kunge isina mashoko akakwana uye akajeka.

Saka unogona here kuvimba nezvinobudiswa munhau? Pane zano rinobatsira rakanyorwa naSoromoni rinoti: “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.”—Zvirevo 14:15.

Mashoko Nezvemagazini Ino

Magazini yeMukai!

Mashoko ari mumagazini yeMukai! akanyatsotsvakurudzwa. Tinoedza kunyora mashoko, manhamba, uye mashoko akataurwa nevamwe vanhu sezvazviri. Zvakanyorwa mumagazini ino hazvitsigiri vematongerwo enyika, vemabhizimisi, kana hurumende ipi zvayo. Magazini ino inotsigirwa nemari yezvipo yokuzvidira. Vabudisi vayo vanobvuma kuti Bhaibheri iShoko raMwari uye kuti zvarinotaura ndezvechokwadi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe