Zvokukurukura Semhuri
Zvii Zvakasiyana Pamifananidzo Iyi?
Ndezvipi zvinhu zvitatu zvakasiyana zviri pamufananidzo A nemufananidzo B? Nyora mhinduro dzako pazasi apa, uye pedzisa mifananidzo iyi nekuipenda.
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 1 Samueri 16:1-3, 6-13.
1. ․․․․․
2. ․․․․․
3. ․․․․․
4. Ndeupi mufananidzo wakarurama, A kana kuti B?
ZVOKUKURUKURIRANA:
Zvii zvinotariswa naJehovha pamunhu? Bhaibheri rinorevei parinoti ‘Jehovha anoona mwoyo?’
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Jeremiya 17:10.
Chitarisiko chomunhu chinokosha here pamberi paJehovha?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Zvirevo 11:22; 31:30; 1 Petro 3:3, 4.
Unhu hupi huchaita kuti ufarirwe naMwari?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Ruka 10:27; 2 Petro 1:5-8.
ZVOKUITA SEMHURI:
Verengai VaGaratiya 5:22, 23. Chekai tumapepa 9, uye pakapepa kamwe nekamwe nyorai unhu humwe chete hunoumba chibereko chomudzimu. Pavanhu vari mumhuri yenyu sarudzai mumwe chete momunamira kapepa kamwe chete kumusana neserotepi. Anenge anamirwa kapepa kacho haafaniri kuona kuti kakanyorwa kuti chii. Ngaaedze kufungidzira kuti kapepa kakanamirwa kumusana kwake kakanzi chii. Kuti apindure munofanira kumubvunza mibvunzo inogona kumubatsira kuziva unhu hwakanyorwa kumusana kwake. Akagona munoti ehe, akatadza munoti aiwa.
Chengeta Udzidze
Cheka, peta nepakati, uye chengeta
KADHI REBHAIBHERI 13 JOBHO
MIBVUNZO
A. Vanakomana vose vakaberekwa naJobho vaiva ․․․․․ uye vanasikana vose vaiva ․․․․․.
B. Jobho akarasikirwa nei?
C. Pedzisa mashoko akataurwa naJobho: “Handizorasi kuvimbika kwangu . . . ”
[Chati]
4026 B.C.E. Adhamu anosikwa
Akararama munenge muna 1600 B.C.E.
1 C.E.
98 C.E. Bhuku rokupedzisira romuBhaibheri rinonyorwa
[Mepu]
Aigara kuUzi
NYIKA YAKAPIKIRWA
IJIPITI
UZI?
JOBHO
NHOROONDO YOUPENYU
‘Murume asina chaanopomerwa uye akarurama’ pamberi paMwari. (Jobho 1:8) Mudzimai wake neshamwari dzake vakamumanikidza kuramba Mwari asi iye haana kusiya Mwari wake. (Jobho 1:20-22; 2:9, 10) Kutsungirira kwaakaita uye mubayiro waakazowana zvinotikurudzira kuti titsungirire miedzo yatinosangana nayo nyangwe zviome sei.—Jobho 42:12-17; Jakobho 5:11.
MHINDURO
A. 14, 6.—Jobho 1:2; 42:13.
B. Zvipfuwo zvake, vashandi, vana, uye utano hwake.—Jobho 1:13-19; 2:4-7.
C. “. . . kusvikira ndafa!”—Jobho 27:5.
KADHI REBHAIBHERI 14 SAMUERI
MIBVUNZO
A. Vabereki vaSamueri vainzi ․․․․․ na ․․․․․.
B. Jehovha akashandisa Samueri kuti anyore mabhuku api eBhaibheri?
C. Pedzisa mashoko aya ari muBhaibheri: “Asi mukomana wacho Samueri akaramba . . . ”
[Chati]
4026 B.C.E. Adhamu anosikwa
Akararama munenge muna 1100 B.C.E.
1 C.E.
98 C.E. Bhuku rokupedzisira romuBhaibheri rinonyorwa
[Mepu]
Akaberekerwa muRama—ndokuzoenda kuShiro
Rama
Shiro
Jerusarema
SAMUERI
NHOROONDO YOUPENYU
Vabereki vake ‘vakamupa kuna Jehovha’ uye vakamukurudzira kuti ashumire Mwari kweupenyu hwose kubvira achiri muduku. (1 Samueri 1:24, 28) Kunyange zvazvo akaona vapristi vaiita uori vachishandisa zvinzvimbo zvavaiva nazvo kuti vawane zvavaida, Samueri akaramba akavimbika, akatendeseka uye akashinga.—1 Samueri 2:22-26; 3:18, 19; 12:2-5, 17, 18.
MHINDURO
A. Erikana naHana.—1 Samueri 1:19, 20.
B. Vatongi, Rute, uye chimwe chikamu chaSamueri Wokutanga.
C. “. . . achikura Jehovha ainaye.”—1 Samueri 2:21.
Kana muchida kupirinda dzimwe nyaya dzakanzi “Zvokukurukura Semhuri,” endai paIndaneti pawww.jw.org
MHINDURO DZEMIBVUNZO IRI PAPEJI 30
1. Mumwe mufananidzo une mbudzi asi mumwe une mombe.
2. Mufananidzo wokutanga une mwanasikana asi mumwe wacho hauna. 3. Mumwe mufananidzo une hombodo yewaini asi mumwe wacho une nyanga ine mafuta.
4. B.