“Bhuku Iri Rakanaka Chaizvo”
● Unoda here kuziva nezveupenyu hwaJesu Kristu paaiva pasi pano, dzidziso dzake dzinobatsira vanhu uye mifananidzo yaaitaura isingakanganwiki? Kana uchida, unogona kuverenga bhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama.
Mumwe murume paakaverenga bhuku iri akanakidzwa naro, akabva ataura kuti: “Rakanyorwa zvinonzwisisika uye rinonyatsotaura zvose zvakaitwa naIshe wedu paaiva pano panyika, bhuku iri rakanaka chaizvo.”
Nyaya dziri mubhuku iri dzakanyorwa dzichitevedzana semaitikiro adzakaita. Dzakatorwa mumabhuku mana akafemerwa naMwari akanyorwa nevaEvhangeri vana vakararama mumazuva aJesu, vanoti Mateu, Mako, Ruka naJohani. Mateu naJohani vakanga vari vaapostora uye vakafamba pamwe chete naJesu. Mako akanga ari shamwari yepedyo yaPetro uyo aiva mumwe wevaapostora vaJesu. Uye chiremba Ruka aifamba nemuapostora Pauro.
Kana uchida bhuku iri, chinongodiwa kuzadza kuponi woritumira uchishandisa kero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Pasina chandinovimbisa, ndinokumbira bhuku rakaratidzwa pano.
□ Ndapota ndionei nezvekudzidza Bhaibheri ndisingabhadhari.