RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 January pp. 12-31
  • Zvokukurukura Semhuri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokukurukura Semhuri
  • Mukai!—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvii Zvakasiyana Pamifananidzo Iyi?
  • Chengeta Udzidze
  • MHINDURO DZEMIBVUNZO IRI PAPEJI 29
  • Zvokukurukura Semhuri
    Mukai!—2012
  • “Ndaisa Mashoko Angu Mumuromo Mako”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Zvokukurukura Semhuri
    Mukai!—2011
  • Kadhi reBhaibheri 19
    Mukai!—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 January pp. 12-31

Zvokukurukura Semhuri

Zvii Zvakasiyana Pamifananidzo Iyi?

Ndezvipi zvinhu zvitatu zvakasiyana zviri pamufananidzo A nemufananidzo B? Nyora zvinhu zvacho pamitsetse mitatu iri pasi apa, uye pedzisa mifananidzo iyi nekuipenda.

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Eksodho 25:23, 30, 31, 37; 30:1-7; Revhitiko 24:5, 6.

1. ․․․․․

2. ․․․․․

3. ․․․․․

4. Ndeupi mufananidzo wakarurama, A kana kuti B?

ZVOKUKURUKURIRANA:

Vapristi vaifanira kuitei vasati vashanda mutebhenekeri?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Eksodho 30:17-21.

Sei zvichikosha kuti ugare wakachena kana uchida kufadza vabereki vako naJehovha? Kunze kwokugeza uye kupfeka hembe dzakachena, unofanira kuva wakachena pane zvimwe zvipi?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 1 VaKorinde 6:9-11; 2 VaKorinde 7:1.

ZVOKUITA SEMHURI:

Itai kuti mumwe nemumwe wemumhuri atsvakurudze zvinotaurwa nezve“Nzvimbo Tsvene” yemutebhenekeri. (VaHebheru 9:2) Kana mapedza, mumwe nemumwe ngaataure chinhu chitsva chaadzidza.

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Pisarema 119:105; 141:2; Mateu 4:4; Johani 4:34; Zvakazarurwa 8:4.

Chengeta Udzidze

Cheka, peta nepakati, uye chengeta

KADHI REBHAIBHERI 9 JEREMIYA

MIBVUNZO

A. Jehovha akashandisa Jeremiya kunyora mabhuku mana api eBhaibheri?

B. Ichokwadi here kana kuti inhema? Jeremiya haana kumboroora.

C. Pedzisa mashoko akataurwa naJeremiya okuti: “Mumwoyo mangu [shoko raMwari rakava]  . . . ”

[Chati]

4026 B.C.E. Adhamu anosikwa

Akararama munenge muna 650 B.C.E.

1 C.E.

98 C.E. Bhuku rokupedzisira romuBhaibheri rinonyorwa

[Mepu]

Aigara kuJerusarema. Akafamba achienda kurwizi rwaYufratesi uye kuIjipiti​—Jeremiya 13:1-9; 43:8-13

Jerusarema

Yufratesi

IJIPITI

JEREMIYA

NHOROONDO YOUPENYU

Akasarudzwa asati aberekwa kuti aizova muprofita. (Jeremiya 1:1-5) Jeremiya akashumira Mwari akatendeka kwemakore anopfuura 65. Kunyange zvazvo Jeremiya ainzwa sekuti hapana chaaiziva uye aitya kutaura, Jehovha akamuudza kuti: “Usatya . . . , nokuti ‘Ini ndinewe kuti ndikununure.’”​—Jeremiya 1:6-8.

MHINDURO

A. Bhuku rekutanga nerechipiri raMadzimambo, Jeremiya, uye Mariro.

B. Ichokwadi.​—Jeremiya 16:1-4.

C. “. . . somoto unobvira wakavharirwa mumapfupa angu.”​—Jeremiya 20:9.

KADHI REBHAIBHERI 10 SOROMONI

MIBVUNZO

A. Soromoni haana kunyengeterera kuti awane upfumi kana kuti ararame makore akawanda, saka akakumbirei?

B. Zadzisa pasina kunyorwa. Soromoni aigona kutaura zvirevo ․․․․․, uye nziyo dzake dzaiva ․․․․․.

C. Nderipi rimwe zita raakapiwa?

[Chati]

4026 B.C.E. Adhamu anosikwa

Akararama munenge muna 1000 B.C.E.

1 C.E.

98 C.E. Bhuku rokupedzisira romuBhaibheri rinonyorwa

[Mepu]

Mambokadzi wekuShebha akafamba makiromita anosvika 2 400 kuti azonzwa uchenjeri hwaSoromoni

SHEBHA

Jerusarema

SOROMONI

NHOROONDO YOUPENYU

Mwanakomana wechipiri waDhavhidhi naBhatishebha. Soromoni akatonga vaIsraeri kwemakore 40. Akavaka imba hombe yokunamatira Jehovha. (1 Madzimambo 5:2-5) Jehovha akashandisa Soromoni kuti anyore bhuku raZvirevo, Muparidzi uye Rwiyo rwaSoromoni. Kuroora kwaakaita vakadzi vakanga vasiri vaIsraeri ndiko kwakaita kuti apedzisire asingachanamati Jehovha.​—1 Madzimambo 11:1-6.

MHINDURO

A. Mwoyo unoteerera.​—1 Madzimambo 3:5-14.

B. 3 000, 1 005.​—1 Madzimambo 4:29, 32.

C. Jedhidhiya kureva kuti “Anodiwa naJehovha.”​—2 Samueri 12:24, 25.

KADHI REBHAIBHERI 11 JOSEFA

MIBVUNZO

A. Zadzisa pasina kunyorwa. Vakoma vaJosefa vakamuti “․․․․․ uya,” uye vakamutengesa nemasirivha ․․․․․ kuti ave nhapwa.

B. Paakamanikidzwa nomudzimai waPotifari kuti arare naye, Josefa haana kuti pamunhondo pamusasa, akabva ati, “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa kwazvo, . . . ”

C. Nemhaka yei Farao akagadza Josefa kuti ave mutevedzeri wake pakutonga Ijipiti?

[Chati]

4026 B.C.E. Adhamu anosikwa

Akararama kunenge kuma1700 B.C.E.

1 C.E.

98 C.E. Bhuku rokupedzisira romuBhaibheri rinonyorwa

[Mepu]

Anotorwa kubva kuDhotani kuenda kuIjipiti

Dhotani

IJIPITI

JOSEFA

NHOROONDO YOUPENYU

Dangwe raJakobho naRakeri. (Genesisi 35:24) Vakoma vake avo vaiva neshanje vakamutengesa somuranda kuIjipiti, akapedza makore anenge 13 ari muranda kana kuti musungwa. Pane kuti atsive, Josefa akakanganwira vakoma vake vakanga vapfidza. (Genesisi 50:15-21) Kunyange zvazvo aiva kure nokumusha, akaramba achikudza Jehovha ndokuramba aine tsika dzakanaka, achishanda nesimba uye akavimbika.​—Genesisi 39:1-23.

MHINDURO

A. Muroti, 20.​—Genesisi 37:19, 28.

B. “. . . nditadzire Mwari?”​—Genesisi 39:9.

C. Aiziva kuti Mwari ndiye apa Josefa simba rokuti ave akangwara uye akachenjera.​—Genesisi 41:38-41.

KADHI REBHAIBHERI 12 ISAYA

MIBVUNZO

A. Ndiani akaenda naIsaya kunotaura naMambo Ahazi?

B. Jehovha paakabvunza kuti, “Ndichatuma ani?” Isaya akati kudii?

C. Isaya akafanotaura kuti: “Nyika ichazara . . . ”

[Chati]

4026 B.C.E. Adhamu anosikwa

Akararama kunenge kuma700 B.C.E.

1 C.E.

98 C.E. Bhuku rokupedzisira romuBhaibheri rinonyorwa

[Mepu]

Aigara muJerusarema

Jerusarema

ISAYA

NHOROONDO YOUPENYU

Muprofita aiva akatendeseka aikoshesa kunamata Mwari ari pamwe chete nemhuri yake. Maitiro aaiita ushumiri hwake akaita kuti mhuri yake imutevedzere. Mudzimai wake aiva “muprofitakadzi.” (Isaya 7:3; 8:3, 18) Isaya akashumira Mwari kwemakore anopfuura 46. Zita rake raireva kuti “Ruponeso rwaJehovha.”

MHINDURO

A. Mwanakomana wake Sheyari-jashubhu.​—Isaya 7:3.

B. “Ndiri pano! Nditumei.”​—Isaya 6:8.

C. “. . . nokuziva Jehovha.”​—Isaya 11:9.

● “ZVOKUKURUKURA SEMHURI” mhinduro dziri papeji 12

MHINDURO DZEMIBVUNZO IRI PAPEJI 29

1. Nhamba yemarambi ari pachigadziko chemarambi.

2. Nhamba yezvingwa zvokuratidzira.

3. Imwe atari ine nyanga imwe haina.

4. A.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe