Uchenjeri hwaMambo Soromoni
● Mumwe mudzidzisi akabvunza vana vegiredhi 4 kana pane zvavaiziva nezvaMambo Soromoni anotaurwa muBhaibheri. Sheena ane makore 9 akataura kuti aiva mambo akachenjera chaizvo uye akatsanangura magadzirisiro aakaita nyaya yevakadzi vaviri vairwirana mwana. Pakutanga vaaidzidza navo vakashamisika nemagadzirisiro akaita Soromoni nyaya yacho, asi mudzidzisi wavo akati yaiva nzira yakanaka yaakagadzirisa nayo nyaya yacho.
Sheena akataura kuti akanga azvidzidza mubhuku rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Sheena akati: “Vamwe 6 vandinodzidza navo vakakumbira bhuku iri uyewo mudzidzisi wangu akati anoridawo. Saka mabhuku ose andakagovera aiva 7.”
Unogona kukumbira bhuku rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, iro rine nyaya 116 dzinotaura nezvevanhu nezviitiko zvemuBhaibheri. Kuti uwane rako, chinongodiwa kuzadza kuponi woritumira uchishandisa kero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Pasina chandinovimbisa, ndinokumbira bhuku rakaratidzwa pano.
□ Ndapota ndionei nezvekudzidza Bhaibheri ndisingabhadhari.