Zvaungatarisira Kana Wabatwa neKenza Yemazamu Uye Mararamiro Aungazoita
HAPANA chairatidza kuti Conchita angabatwa nechirwere ichi.a Aiva nemakore 40, akagwinya, uye mumhuri mavo hapana aiva ambobatwa nekenza yemazamu. Aigara achiongororwa mazamu asi hapana chairatidza kuti aiva nechirwere. Asi rimwe zuva paaigeza akaongorora mazamu ake ndokunzwa kanhu kakaita sekabundu. Zvakazoonekwa kuti yaiva kenza. Chiremba paaivatsanangurira nzira dzakasiyana-siyana dzokurapwa, Conchita nemurume wake vakanga vakati zii kuratidza kupererwa.
Makore achangopfuura, vanhukadzi vaiti vakabatwa nekenza yemazamu chiremba aitaura kuti hapana chimwe chaigona kuitwa kunze kwekuvhiyiwa vobviswa zamu racho, tumabhora tunonzi tumalymph nodes turi muchipfuva nemuhapwa, uye mutsandanyama dzepachipfuva. Kurapwa nemishonga (chemotherapy) uye kupiswa kwemasero ane kenza (radiation) kazhinji zvaiita kuti munhu atore nguva yakareba achirwadziwa. Ndokusakawo vakawanda vaitya kurapwa kudarika kubatwa nechirwere ichi.
Kurwisa zvine simba kenza yemazamu uye kugadzira mishonga inoita kuti munhu asaremadzwa pakurapwa uye asazosara achirwadziwa, ihondo iri kuenderera mberi. Sezvakaudzwa Conchita, mazuva ano varwere vakawanda vekenza yemazamu vane nzira dzakasiyana-siyana dzokurapwa dzavanogona kusarudza.b Vezvokurapa uye vanobudisa nhau vane tariro yekuti pachawanika mishonga inonyatsorapa chirwere ichi zvachose, kana kuti nzira dzekufanoona chirwere ichi chisati chadzika midzi uye mhando yezvokudya zvingaita kuti munhu asabatwa nechirwere ichi.
Pasinei nekufambira mberi pane zvokurapa, pazvirwere zvose zvinouraya vanhukadzi, kenza yemazamu ndiyo iri pamberi.c Nyika dzakabudirira dzekuNorth America neWestern Europe dzine nhamba yakakura chaizvo yevanhu vanofa. MuAsia neAfrica maiva nevanhu vashoma vaifa asi mazuva ano nhamba yacho iri kuwedzera. Kutaura chokwadi, pavanhu vari kubatwa nechirwere ichi muAsia neAfrica, nhamba yevanhu vari kufa yakakura. Nemhaka yei? Mumwe chiremba wemuAfrica akati: “Varwere vakawanda vanouya kuzorapwa chirwere ichi chatokomba.”
Mikana yekubatwa nechirwere ichi inowedzerawo nekukura pazera. Pavanhukadzi 100 vanobatwa nechirwere ichi, vanosvika 80 vanenge vari pazera remakore anopfuura 50. Asi chinofadza ndechekuti pakenza dzose dziripo, kenza yemazamu ikakurumidza kubatwa unomboti raramei. Chokwadi ndechekuti pavanhukadzi 100 vanokurumidza kurapwa kuti kenza isapararire, 97 vavo vanorarama makore anopfuura mashanu pashure pokunge vabatwa nechirwere chacho. Conchita achangopfuura makore mashanu abatwa nekenza.
Zvatinofanira Kuziva Nezvekenza Yemazamu
Kufanana nezvakaitika kuna Conchita, kazhinji zvinozoonekwa kuti munhu ane kenza yemazamu kana achinge atanga kuona kabundu kasinganzwisisiki. Asi hazvirevi kuti kungoona bundu zvotoreva kuti ikenza nokuti mamwe mapundu haana dambudziko raanokonzera kana kuti anozongopera oga uye mazhinji acho anonzi cysts anenge achingova nemvura mukati.
Kenza yemazamu inotanga apo sero rinopatsanuka zvisina kutsarukana, zvishoma nezvishoma ropedzisira raita bundu. Bundu iri rinozoipa kana kuti kukonzera kenza kana rava kupinda mune dzimwe nzvimbo dzomuviri. Mamwe mapundu anokura nokukurumidza asi mamwe anotora makore anosvika ku10 asati aonekwa.
Chiremba waConchita paaida kuona kana ane kenza akashandisa tsono nhete kuti atore zvimwe zvinyama zviri mubundu. Muzvinyama izvi makaonekwa kuti mune kenza. Saka akavhiyiwa kuti abviswe bundu nedzimwe nyama dzakatenderedza zamu kuti paonekwe kuti bundu iri rakanga rakura zvakadini uye riri remhando ipi uye rapararira kusvika kupi.
Varwere vakawanda vanoti kana vavhiyiwa vane kumwe kurapwa kwavanozoitwa kuti kenza isadzoka kana kuti isapararira. Masero ane kenza anogona kubva pabundu riya ofamba nemuropa kana kuti mulymphatic system otanga kukura zvekare. Kupararira kwekenza kune dzimwe nhengo dzakadai seuropi, chiropa, mumwongo kana kuti mapapu ndiko kunozoita kuti chirwere ichi chiuraye.
Conchita akapiwa mushonga uye akapiswa masero ane kenza kuti vauraye masero ose ane kenza aiva mumuviri wake. Sezvo masero ekenza yake airarama nokudya homoni inonzi estrogen, akapiwa mushonga unoita kuti muviri wake usagadzira homoni iyi zvobva zvaita kuti masero ane kenza afe.
Vezvokurapa iye zvino vava nenzira dzakawanda idzo murwere anogona kusarudza zvichienderana nokuti ane zera ripi, utano hwake hwakamira sei uye akambobatwa nekenza here muupenyu hwake kana kuti pane womumhuri akamborwara nayo. Somuenzaniso mumwe mukadzi anonzi Arlette akabatwa kenza isati yapararira mutsinga dzinofamba nemukaka. Akabviswa bundu racho zvikabva zvaita kuti asabviswa zamu. Alice akapiwa mishonga asati avhiyiwa kuitira kuti bundu racho ritange raita duku. Chiremba waJanice akamubvisa bundu uye lymph node raaifungidzira kuti ringangova nekenza sezvo raiva pedyo nebundu iri. Sezvo chiremba akaona kuti lymph node yaakabvisa yakanga isina kenza, akabva azosiya mamwe malymph node. Dai Janice akabviswa malymph node akawanda aizozvimba ruoko, saka kusabviswa kwaakaitwa kwakabatsira.
Pava nezvizhinji zvava kuzivikanwa nezvekenza yemazamu, asi mubvunzo unoramba uripo ndewekuti, Chii chinokonzera kenza yemazamu uye inotanga sei?
Chii Chinokonzera Kenza Yemazamu?
Kusvika iye zvino hazvisati zvanyatsojeka kuti kenza yemazamu inokonzerwa nei. Vamwe vanoti vanhu vanoongorora uye vanorapa kenza vari kuita mazakwatira emari nebasa ravo iri panzvimbo pokuongorora kuti kenza inokonzerwa nei uye ingadzivirirwa sei. Asi pane zvimwe zvakawanikwa nevesayenzi zvingangovabatsira kuziva chinokonzera kenza. Vamwe vanofunga kuti matangiro anoita kenza haanyatsonzwisisiki uye ine matanho akawanda. Zvinowanzokonzerwa negene rinenge rakakanganisika iro rinoita kuti masero atange kupatsanuka zvisina kutsarukana achipinda zvisinganyatsooneka munhengo dzomuviri achidzirwisa, uye masoja omuviri anenge asingachakwanisi kurwisa masero aya.
Magene akakanganisika aya anobvepi? Pavakadzi 100 voga voga, vanenge 5 kusvika ku10 vanoberekwa vaine magene anozoita kuti vabatwe nekenza yemazamu. Asi kazhinji zvinoita sokuti zvimwe zvinhu zvakadai sechiedza chemagetsi (radiation) nemakemikari zvinogonawo kukanganisa magene akagara akazvinakira. Zvimwe nokufamba kwenguva vanoongorora vachazoratidza kuti ichi ichokwadi.
Chimwe chinofungidzirwa kuti chinokonzera kenza dzemazamu ihomoni inonzi estrogen, iyo inonzi inokonzera dzimwe mhando dzekenza yemazamu. Saka zvinhu zvinowedzera mikana yokuti munhukadzi abatwe nekenza yemazamu ndeizvi: kukurumidza kana kuti kunonoka kutevera, kunonoka kubata pamuviri kana kuti kusatombobata zvachose, kana kuti kuita zvokuwedzerwa homoni inonzi estrogen. Vanhukadzi vanenge vapfuura nguva yokutevera vane mikana yokubatwa nekenza yemazamu kana vakafutisa nemhaka yokuti masero anogadzira uye anochengeta mafuta anogadzirawo estrogen. Zvimwewo zvinogona kukonzera chirwere ichi kuva nehomoni yakawanda inonzi insulin uye kuva nehomoni shoma inodiwa kuti munhu arare inonzi melatonin, izvo zvinowanzoitika kuvanhu vanoshanda usiku.
Pane tarisiro here yokuti pachazova nenzira dzisingarwadzi uye dzinobudirira pakurapa kenza yemazamu? Vaongorori vari kugadzira mishonga yokuti ibatsirane nemasoja emumuviri pakurapa uye yokuuraya magene anoita kuti kenza ipararire. Kuvandudzwa kuri kuitwa michina yokuvheneka kunogona kubatsira vanachiremba kuti vapise masero ane kenza chete.
Imwe hondo iri kurwiwa nevesayenzi ndeyokuda kunzwisisa kuti chii chinomboita kuti kenza ipararire, mishonga ipi ingarapa masero anoramba kurapwa neimwe mishonga, vangavhiringidza sei masero anoratidza kuti ava kuda kubata kenza uye vangarapa sei bundu rimwe nerimwe rinokonzera kenza.
Pasinei nezvose zviri kuitwa izvi, hatigoni kupedza zvirwere munyika yanhasi uye vanhu vachatoramba vachifa. (VaRoma 5:12) Musiki wedu chete ndiye achagona kupedza zvirwere. Asi ichokwadi here ichocho? Hongu, nokuti Bhaibheri rinotaura kuti pachasvika nguva yokuti “hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”d (Isaya 33:24) Ichange iri nguva inozorodza chaizvo!
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
b Mukai! haitauri kuti marapiro akati ndiwo akanaka kupfuura marapiro akati.
c Kenza yemazamu hainyanyi kubata vanhurume.
d Vimbiso iyi inonyatsotsanangurwa mubhuku rinoshandiswa pakudzidza Bhaibheri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24, 25]
ZVAUNOFANIRA KUTARISA
Vanoongorora vanoti zvakanaka chaizvo kukurumidza kuonekwa kenza isati yapararira, asiwo vanoyambira kuti dzimwe nguva zvinobuda pakuongorora kunoitwa vanhukadzi vechiduku zvinenge zvisiri izvo, zvopedzisira zvaita kuti vatange kunetseka kana kuti kurapwa ipo pasina chirwere. Asi nyanzvi dzinoongorora dzinokurudzira chaizvo vakadzi kuti vagare vachiongorora zviri kuitika pamazamu avo uye mabhora anonzi malymph nodes. Zvimwe zvokutarisa ndeizvi:
● Kabundu kana kuzvimba muhapwa kana pazamu
● Zvimwe zvinobuda pamunyatso zvisiri mukaka
● Kuchinja ruvara kweganda kana kuti kupfava nokuomarara kwaro
● Munyatso unenge wakadzvanyika kana kuti uchirwadza
[Bhokisi riri papeji 25]
KANA UKABATWA NEKENZA YEMAZAMU
● Tarisira kuti zvichakutorera gore kana kupfuura nguva zhinji uchirapwa uye kuti upore.
● Kana zvichiita, tsvaka chiremba anogona uye anoremekedza zvido zvako uye zvaunotenda.
● Kurukurai semhuri kuti ndiani wamuchaudza nezvekenza yauinayo uye kuti muchazviita riini. Kuita izvi kuchaita kuti shamwari dzako dzide kukubatsira, kukunyengeterera uye kunyengetera newe.—1 Johani 3:18.
● Verenga Bhaibheri, nyengetera, uye fungisisa zvaunenge waverenga kuti usanyanyonetseka.—VaRoma 15:4; VaFiripi 4:6, 7.
● Taura nevamwe vakambova nekenza yemazamu uye vanogona kukukurudzira.—2 VaKorinde 1:7.
● Usanyanya kunetseka nokufunga kuti zvino mangwana ndichazodii nokuti Jesu akati: “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro.”—Mateu 6:34.
● Usaita zvinhu zvinokusiya warukutika. Unofanira kuwana nguva yakakwana yokuzorora.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 26]
PAUNENGE UCHITAURA NACHIREMBA
● Ziva mashoko anoshandiswa pakutsanangura chirwere chekenza yemazamu.
● Usati waenda kuna chiremba, nyora mibvunzo yaunoda kuzobvunza, uye kumbira wawakaroorana naye kana mumwe munhu kuti muende mose kuitira kuti azonyora zvinenge zvichikurukurwa.
● Kana chiremba akataura chimwe chinhu chausinganzwisisi, mukumbire kuti akutsanangurire.
● Bvunza chiremba wako kuti vanhu vangani vaakarapa vane mhando yekenza yaunayo.
● Kana zvichiita, inzwawo pfungwa dzemumwe chiremba.
● Kana zvataurwa navanachiremba vacho zvichipesana, ona kuti vane nguva yakareba zvakadini vachirapa mhando yekenza yaunayo. Vakumbire kuti vakurukure pamwe chete nezvechirwere chako.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 27]
ZVIMWE ZVAUNGAITA PAUNENGE UCHIRAPWA
Zvimwe zvinogona kuitika pakurapwa kenza zvinosanganisira kunzwa kuda kurutsa, kudonha vhudzi, kugara wakaneta, kurwadziwa, kuita chiveve kana kuswinyiwa maoko nemakumbo, uye ganda rinogona kukanganisika. Kuti uderedze matambudziko aya ita zvinotevera:
● Idya zvokudya zvakakwana uye zvine utano kuti usimbise masoja ari mumuviri mako.
● Ona kuti simba rako rinochinja-chinja zvakadini uye kuti muviri wako unoita sei kana wadya zvimwe zvinhu.
● Kuti uderedze marwadzo nekunzwa uchida kurutsa, edza kushandisa mishonga, nzira yokurapa inonzi acupuncture uye kubatwa-batwa nyama dzomuviri kuti unzwe kunyevenuka.
● Kuekisesaiza kune mwero kunogona kusimbisa muviri wako, uye kuita kuti uve neuremu hwakanaka, nokuita kuti masoja ari mumuviri wako ashande zvakanaka.e
● Iva nenguva yakawanda yokuzorora, asi ziva kuti kurara kwenguva yakareba kunogona kuita kuti uwedzere kurukutika.
● Ganda rako ngarigare rakapfava. Usapfeka mbatya dzinobata. Geza nemvura inodziya.
[Mashoko Omuzasi]
e Varwere vekenza vanofanira kutanga vataura nachiremba vasati vatanga kuekisesaiza.
[Bhokisi riri papeji 28]
KANA HAMA YAKO IINE KENZA
Ungatsigira sei hama yako inenge iine kenza? Ita zvinotaurwa nemashoko aya ari muBhaibheri anoti: “Farai nevanhu vanofara; chemai nevanhu vanochema.” (VaRoma 12:15) Ratidza hanya norudo nekumufonera, kumunyorera tsamba, kumutumira kadhi, kumutumira mashoko pakombiyuta, uye kupota uchimushanyira kwenguva pfupi. Nyengeterai pamwe chete, uye verengai magwaro anonyaradza kubva muBhaibheri. Mumwe mukadzi anonzi Beryl anokurudzira kuti: “Panzvimbo pokutaura kuti nhingi nanhingi vakafa nekenza, taura vanhu vari kurarama nayo.” Janice, mumwe akamborwara nekenza anopa zano rekuti: “Mumwe chaanongoda kumbundirwa. Kana achida kutaura nezvazvo, achataura.” Varume ndivo vanofanira kunyanya kuratidza kuti vachiri kuda madzimai avo.
Geoff anoyeuka kuti: “Taisangotaura nezvekenza mazuva ose. Mudzimai wangu akanga asingadi kuti nyaya yourwere hwake ipedzisire yangova rwiyo mumba. Saka takasarudza kuti dzimwe nguva tisambotaura nezvekenza zuva rose. Asi taifunga nezvezvakanaka zvataiona muupenyu hwedu. Zvaiita kuti timbokanganwa nezvechirwere ichi.”
[Bhokisi riri papeji 28]
ZVINOTAURWA NEVAMWE
Paakaudzwa Kuti Ane Kenza
Sharon: Upenyu hwangu hwakabva hwangoerekana hwachinja. Ndakangoti, “Ndokufaka uku!”
Panguva Dzakaomesesa
Sandra: Kunetseka mupfungwa kunorwadza kudarika kurapwa.
Margaret: Wabva kunorapwa kechipiri unoti “Handifi ndakadzokera futi.” Asi unozongopedzisira wadzokera chete.
Nezveshamwari
Arlette: Takakumbira shamwari dzedu kuti dzitinyengeterere.
Jenny: Kunyemwerera, kugutsurira musoro, kana kuti kungoti makadini zvingaita sezvinhu zviduku asi zvinokosha chaizvo.
Nezvevarume Vanotsigira
Barbara: Ndakasarudza kugera vhudzi rangu risati radonha. Colin akati, “Ende une musoro wakazonaka!” Akandisetsa chaizvo.
Sandra: Taitarisa mugirazi pamwe chete. Ndaibva ndaona chiso chaJoe kuti achiri kundida uye achiri kunditsigira.
Sasha: Karl paaiudza vamwe nezvekenza yangu aizvibatanidzawo achiti, “Tine kenza.”
Jenny: Rudo rwaGeoff rwanga rwakadzama, kuvimba kwake naMwari kwaindikurudzira uye kwaiita kuti ndive nechivimbo.
[Dhiagramu/Mufananidzo uri papeji 27]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Masero ekenza anopatsanurana zvisina kutsarukana achipararira nemuviri
[Dhiagramu]
Tsinga yemukaka isina kenza
Tsinga yemukaka ine kenza isati yapararira
Tsinga yemukaka yava nekenza yapararira
[Mufananidzo uri papeji 28]
Chinonyanya kukosha kumurwere wekenza rutsigiro rwemhuri uye rweshamwari