RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 4/8 pp. 6-10
  • Zvinhu Zvinokosha Kukupukunyuka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinhu Zvinokosha Kukupukunyuka
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dziviriro uye Zvokudya
  • Kuwana Kwokukurumidza
  • Kurapa
  • Funganyo neKenza Yamazamu
  • Icho Vakadzi Vanofanira Kuziva Pamusoro Pekenza Yamazamu
    Mukai!—1994
  • Zvaungatarisira Kana Wabatwa neKenza Yemazamu Uye Mararamiro Aungazoita
    Mukai!—2012
  • Zvinhu Zvinokosha Zvokuyamwisa
    Mukai!—1994
Mukai!—1994
g94 4/8 pp. 6-10

Zvinhu Zvinokosha Kukupukunyuka

KUDAI waizonzwa mushumo wenhau kuti muurayi akanga achipinda muchivande munharaunda yenyu, waizotora matanho here kuzvidzivirira umene nemhuri yako? Sezvinobvira waizokiya ndokuisa zvihuri mumasuo ako kuti urege kubvumira kupinda kuri nyore mumusha mako. Waizorindawo nokuda kwavaenzi vanoratidzika kuva vanopanikirika ndokuvashuma pakarepo.

Vakadzi vanofanira kuita zvishoma here pamusoro pehosha inouraya, kenza yamazamu? Matanhoi avanogona kutora kuzvidzivirira vamene ndokuwedzera mabanza avo okupukunyuka?

Dziviriro uye Zvokudya

Kunofungidzirwa kuti kenza imwe chete munhatu muUnited States inoparirwa nezvokudya. Zvokudya zvakanaka izvo zvichabetsera kuchengeta gadziriro yedziviriro yomuviri zvingava dziviriro inokosha zvikurusa. Nepo pasina zvokudya zvinozivikanwa zvinogona kurapa kenza, kudya zvokudya zvakati uye kuderedza zvimwe kunogona kuva nhanho dzinodzivirira. “Kutevera zvokudya zvakarurama kunogona kuderedza ngozi yako yokuwana kenza yamazamu neinosvika 50 muzana,” akadudza kudaro Dr. Leonard Cohen weAmerican Health Foundation muValhalla, New York.

Zvokudya zvakamhazhika, zvakadai sezvingwa zvinogadzirwa nohupfu hwakamhazhika nemacereal, zvingabetsera kuderedza chitsama chokugadzirwa kwomukaka neoestrogen, sezvinobvira kupfurikidza nokubatanidza aya mahormone uye kuabudisa kunze kwomuviri. Mukuwirirana nemagazini inonzi Nutrition and Cancer, “idzi tapuro dzinogona kukurira rutivi rwokuenderera mberi rwokuvamba kwekenza.”

Kuderedza mafuta akanyanyisa kungaderedza ngozi. Magazini inonzi Prevention yakakarakadza kuti kurega mukaka wakakwana ndokudya wakabviswa mafuta, kuderedza kudya bhata, kudya nyama isina mafuta, uye kubvisa ganda rehuku kunogona kuderedza kudyiwa kwamafuta akanyanyisa kusvika kumwero yakakotsekana zvikuru.

Mirivo ine vhitamini A yakawanda, yakadai samakarotsi, manhanga, mbambaira, uye mirivo yakasvibira, yakadai sespinachi necollard nebhinzi nyoro, ingava yebetsero. Kunofungwa kuti vhitamini A inodzivisa kuitika kwechinjo dzinoparira kenza. Uye mirivo yakadai sebroccoli, nhungirwa dzamaBrussel, cauliflower, kabheji, uye hanyanisi dzakasvibira dzine makemikoro anowedzera maenzyme anodzivirira.

Mubhuku rinonzi Breast Cancer—What Every Woman Should Know, Dr. Paul Rodriguez anotaura kuti gadziriro yedziviriro yomuviri, iyo inoziva ndokuuraya masero asiri omuzvarirwo, inogona kusimbiswa kupfurikidza nezvokudya. Anokarakadza kudya zvokudya zvine ayoni yakawanda, zvakadai senyama isina mafuta, mashizha emirivo yakasvibira, shellfish, uye michero nemirivo ine vhitamini C yakawanda. Michero nemirivo zvine vhitamini C yakawanda zvinoderedza ngozi yekenza yamazamu, inoshuma kudaro Journal of the National Cancer Institute. Soyabhinzi nezvinhu zvakagadzirwa nesoyabhinzi zvisina mbiriso zvine genistein, inozivikanwa kudzivisa kukura kwekenza mukuedza kwomumarabhoritari, asi budiriro yacho muvanhu ichigere kusimbiswa.

Kuwana Kwokukurumidza

“Kuwana kwokukurumidza kwekenza yamazamu kunoramba kuri nhanho inokosha zvikurusa mukudzivisa nzira yekenza yamazamu,” rinodaro bhuku rinonzi Radiologic Clinics of North America. Muna ikoku nhanho nhatu dzinokosha ndiko kuzvinzvera mazamu nguva dzose, kunzverwa kwegore negore nachiremba, uye kutorwa X-ray yekenza.

Kuzvinzvera kwamazamu kunofanira kuitwa nguva dzose mwedzi mumwe nomumwe, sezvo mukadzi achifanira kuva anongwarira pakutarira chinhu chipi nechipi chingave chichipanikirika muchitarisiko kana kuti kunzwika kwamazamu ake, zvakadai sokuomarara kana kuti bundu. Hazvinei kuti kuwana kwake kungaratidzika kuva kuduku sei, anofanirwa kuona chiremba wake nokukurumidza. Kana bundu rikakurumidza zvikuru kunzverwa, anogona kuva nokudzora kukuru panguva yake yemberi. Mushumo unobva Sweden wakaratidza kuti kana kenza yamazamu isingachinji nzvimbo yakanga ichiti pfuurei mamirimita 15 kana kuti duku muukuru uye yakabviswa mukuvhiya, kariro youpenyu hwamakore 12 yakanga ichibvira ne 94 muzana.

Dr. Patricia Kelly anotsinhira kuti: “Kana usati wava nezviratidzo zvenguva dzose zvekenza yamazamu mumakore 12 1/2, kungasabvira zvikuru kuti kudzoke zvakare. . . . Uye vakadzi vanogona kudzidziswa kutsvaka kenza dzamazamu duku kupfuura sendimita muukuru nokungoshandisa bedzi zvigunwe zvavo.”

Kunorumbidzwa kuti kunzverwa kwomuviri nenyanzvi kana kuti chiremba kunofanira kuitwa somuitiro gore rimwe nerimwe, zvikurukuru pashure pokunge mukadzi asvika zera ramakore 40. Kana bundu rikawanikwa, kwaizova kwakanaka kuwana murangariro wechipiri kubva kunyanzvi yamazamu kana kuti nyanzvi yokuvhiya.

National Cancer Institute iri muUnited States inotaura kuti chombo chakanaka chokurwisa kenza yamazamu kunzverwa mazamu neX ray yekenza nguva dzose. Uru rudzi rweX ray runogona kuziva mota zvichida kusvikira kumakore maviri risati ragona kunzwiwa. Muitiro wacho unorumbidzwa kuvakadzi vapfuura makore 40. Zvisinei, Dr. Daniel Kopans anotizivisa kuti: “Uri kure zvikuru nokuva wakakwana.” Haugoni kuwana kenza dzose dzamazamu.

Dr. Wende Logan-Young wekiriniki yamazamu muNew York State anoudza Mukai! kuti kana mukadzi kana kuti chiremba wake akawana chisiri chomuzvarirwo asi X ray yekenza isingaratidzi chiratidzo chayo, muitiro ungava kufuratira zviwanwa zvomuviri ndokudavira X ray. Anotaura kuti ichi ndicho “chikanganiso chikuru icho tinoona mazuva ano.” Anopa zano vakadzi kuva nokuzengurira kwakati pamusoro pokutsamira chose chose pakukwanisa kunzvera kweX-ray yekenza yamazamu kuwana kenza ndokutsamira zvikurukuru pakunzverwa kwezamu.

Nepo X-ray yekenza ichigona kuwana mamota, haingagoni kunzvera chaizvoizvo kana angava akanaka (asina kenza) kana kuti akashata (ane kenza). Ikoko kunogona kuitwa bedzi kupfurikidza nokubviswa kwenyama duku nokuda kwokunzverwa. Rangarira chinoitika chaIrene, uyo akaenda nokuda mufananidzo wezamu weX ray. Kuchivakirwa pafirimu reX-ray, chiremba wake akawana bundu muzamu rake sehosha yamazamu isina kenza uye akati: “Ndine chokwadi kuti hauna kenza chose chose.” Mukoti akatora mufananidzo wezamu weX ray akanetseka, asi Irene akati: “Ndakanzwa kuti kana chiremba wacho akanga aine chokwadi, zvichida ndakanga ndichiva ane rutyo zvikuru.” Nokukurumidza bundu racho rakakura, naizvozvo Irene akaona mumwe chiremba. Nyama duku yakatorwa nokuda kwokunzverwa ndokuratidza kuti akanga aine inflammatory carcinoma, kenza inokura nokukurumidza. Kuziva kana mota risina kenza (inenge 8 kubva mu 10 iri) kana kuti rine kenza, nyama duku inofanira kubviswa nokuda kwokunzverwa. Kana bundu racho richiratidzika kana kuti kunzwika serinopanikirika kubva mukurangarirwa kwezvinoratidza kana kuti richikura, nyama duku inofanira kutorwa nokuda kwokunzverwa.

Kurapa

Pari zvino, kuvhiya, kufambisa mwaranzi, kurapa nomurimo ndiko kurapa kuri kutenderwa zvikuru nokuda kwekenza yamazamu. Mashoko pamusoro porudzi rwemota, ukuru hwaro, muitiro waro wokupararira, kana ringava rakapararira kumalymph node, uye chimiro chokuguma kuenda kumwedzi kwako zvinogona kukubetsera iwe nachiremba wako kuziva mutoo wokurapa.

Kuvhiya. Kwamakumi amakore kubviswa tsandanyama dzechipfuva, kubviswa kwezamu pamwe chete netsandanyama dzapasi namalymph node, kwave kuchishandiswa zvakafara. Asi mumakore achangobva kupfuura aya kurapa kunochengetedza zamu uko kunobatanidza bedzi kubviswa kwemota namalymph node, kubatanidza kufambisa mwaranzi, zvave zvichishandiswa nomwero yokupukunyuka inoenzana neiyo yokubviswa kwezamu. Izvi zvakapa vamwe vakadzi rugare rwakawanda rwendangariro pakurangarira kuti mota duku ribviswe, ikoko kuchiva kunoshatisa chitarisiko zvishoma. Asi British Journal of Surgery inotaura kuti vakadzi vaduku, avo vane kenza munzvimbo dzinoverengeka muzamu rimwe chete kana kuti vane mota rakakura kupfuura masendimita matatu, vane ngozi huru yokudzokazve nokurapa kunochengetedza.

Chisakiso chinokosha mukupukunyuka pasina kudzokazve kwekenza yamazamu chinocherekedzwa neCleveland Clinic Journal of Medicine: “Kuisirwa ropa kune tapuro yakashata pamwero wokupukunyuka kudzokazve kwekenza . . . pashure pokubviswa kwezamu kwakavandudzwa.” Mushumo wacho wakaratidza kuti mwero wokupunyuka wamakore mashanu wakanga uri 53 muzana nokuda kweboka rimwe chete iro rakagamuchira kuisirwa ropa, richipesana ne 93 muzana nokuda kweboka risina kuisirwa ropa.

Imwe yamuro kukupukunyuka inoshumwa neThe Lancet, umo Dr. R. A. Badwe akati: “Kurongwa kwenguva yokuvhiya mukuwirirana nenhambo yenguva yokuenda kumwedzi kune tapuro huru pamuuyo wenguva refu nokuda kwavarwere vasati vaguma kuenda kumwedzi vane kenza yamazamu.” Mushumo wacho wakataura kuti vakadzi vakava nokubviswa kwemota mukati menhambo yokunyandurwa kweoestrogen vakava nemiuyo yakashata kupfuura avo vakavhiiwa mukati medzimwe nhambo dzenguva dzokuenda kumwedzi—54 muzana yakapukunyuka makore gumi mukupesana ne 84 muzana nokuda kweboka rapashure. Kurongwa kwenguva kwakanaka kwokuvhiya vakadzi vasati vaguma kuenda kumwedzi vane kenza yamazamu kwakataurwa kuva mazuva anenge mazuva 12 pashure penhambo yokuenda kumwedzi yokupedzisira.

Kurapa Kwokufambisa Mwaranzi. Kurapa kwokufambisa mwaranzi kunouraya masero ekenza. Muchinoitika chokurapa kunochengetedza mazamu, tumamota tudukusa twekenza twunogona kupukunyuka banga rachiremba wokuvhiya sezvaanoedza kuchengetedza zamu racho. Kurapa kwokufambisa mwaranzi kunogona kuuraya masero anosaririra. Asi nokufambisa mwaranzi pane ngozi duku yokuparira kenza dzechipiri mune rimwe zamu. Dr. Benedick Fraass anorumbidza kuderedza kuratidzirwa kwekufambisa mwaranzi kune rimwe zamu. Anodudza, kuti: “Nokushandiswa kwakapfava kushomanene kunobvira kuderedza zvikurukuru mushonga unogamuchirwa nerimwe zamu mukati mokurapa nokufambisa mwaranzi kwokutanga kwezamu.” Anokarakadza kuti chidzitiro chine upamhi hwamasendimita maviri nehafu chiiswe kune rimwe zamu.

Kurapa noMurimo. Pasinei zvapo nenhamburiko dzokubvisa kenza yamazamu kupfurikidza nokuvhiya, 25 kusvikira ku 30 muzana yavakadzi vane kenza yamazamu ichangobva kunzverwa vachava nokuchinja nzvimbo kwehosha kwakavanzika kuduku zvikuru zvokusagona kubudisa zviratidzo pakutanga. Chemotherapy kurapa uko kunoshandisa makemikoro kuedza kuuraya masero ayo anovhozhokera mamwe mativi omuviri.

Chemotherapy yakaganhurirwa mutapuro dzayo nemhaka yokuti mamota ane kenza anoumbwa namarudzi akasiana-siana amasero zvokuti rumwe norumwe rune kuita kwarwo kumirimo. Masero iwayo anopukunyuka kurapwa angamutsa chizvarwa chitsva chamamota asingarapwi nomurimo. Asi chinyorwa chaJanuary 1992 cheThe Lancet chakapa ufakazi hwokuti chemotherapy yakawedzera ne 5 kusvika ku 10 muzana banza romukadzi rokupukunyuka gumi ramakore rokuwedzera, zvichitsamira pazera rake.

Dzimwe tapuro dzechemotherapy dzingabatanidza kusemburwa, kurutsa, kurasikirwa nevhudzi, kubuda ropa, kuvadziko yomwoyo, kukurirwa kwegadziriro yedziviriro yomuviri, kusabereka, uye leukemia. John Cairns, achinyora muScientific American, akatsinhira, kuti: “Izvi zvingaratidzika sokunge ngozi duku zvikuru nokuda kwomurwere uyo ane kenza yakura uye inokurumidza kukura zvikuru, asi dzaizova rangariro dzakakomba zvikuru nokuda kwomukadzi uyo ane kenza [sendimita imwe] duku uye inoratidzika kuva kenza yapanzvimbo imwe chete yezamu. Bviro yokufa nekenza yake mukati mamakore mashanu inongova 10 muzana kunyange kana akasagamuchira kurapa kwokuwedzera pashure pokuvhiyiwa.”

Kurapa naMahormone. Kurapa kunorwisana neoestrogen kunoderedza tapuro dzinonyandura kukura kweoestrogen. Ikoku kunowanwa kupfurikidza nokuderedza mwero yeoestrogen muvakadzi vasati vaguma kuenda kumwedzi kupfurikidza nokubviswa kwezvizvaro kana kuti zvimwe nemirimo, yakadai setamoxifen. The Lancet yakashuma mwero wokupukunyuka wamakore gumi nokuda kwavakadzi 8 kusvikira ku 12 vari vose muvane 100 vakarapwa nomumwe kana kuti zvimwe nomumwe wacho.

Kuitira hanya kwokutevera nokuda kwomukadzi upi noupi ane kenza yamazamu kuedza kwenduramo. Kusanonzvera kunoda kuchengetwa, nokuti kana mumwe mutoo ukakundikana uye kenza ikavambazve, mamwe marudzi okurapa nawo angagovera chombo chinodikanwa.

Rumwe rudzi rwokurapa kenza urwo runoshandisa mutoo wakasiana runorambira pasyndrome inonzi cachexia. Magazini inonzi Cancer Research inotsanangura kuti zvikamu zviviri zvezvitatu zvenzufu dzose dzekenza zvinoparirwa necachexia, shoko rinoshandiswa kurondedzera kupera kwetsandanyama neimwe nyama. Dr. Joseph Gold, weSyracuse Cancer Research Institute muUnited States, anoudza Mukai!, kuti: “Tinonzwa kuti bundu remota harigoni kuzvitambanudza iro rimene nomumuviri kutoti bedzi nzira dzamakemikoro dzecachexia dzakazaruka.” Imwe fundo yapakiriniki, ichishandisa murimo usingadhaki hydrazine sulfate, yakaratidza kuti dzimwe dzeidzi nzira dzinogona kuvharwa. Kudzikamiswa kwakawanwa mu 50 muzana yavarwere vane kenza yamazamu iri munhanho yokupedzisira vanobatanidzwa.

Zvinotsiva zvinozivikanwa somushonga isingagamuchirwi zvikuru navanachiremba zvakavimbwa nazvo navamwe vakadzi kuti zvigovere kusavhiya kana kuti kurapa kusingadhaki nokuda kwekenza yamazamu. Kurapa kunosiana, vamwe vachishandisa zvokudya nemishonga, somukurapa kwaHoxsey. Asi fundo dzakabudiswa dzinogonesa munhu kuwana budiriro youku kurapa ishoma.

Nepo iyi nyaya yakagadzirirwa kupa zvinhu zvinokosha kukupunyuka, hausati uri muitiro waMukai! kutendera kurapa kupi nokupi. Tinokurudzira vose kufunga nokungwarira iyi mitoo yakasiana-siana mukurapwa kweiyi hosha.—Zvirevo 14:15.

Funganyo neKenza Yamazamu

Mumagazini inonzi Acta neurologica, Dr. H. Baltrusch anotsanangura kuti funganyo yakanyanyisa kana kuti inopfuuridzirwa ingaderedza dziviriro dzinorwisa mamota mugadziriro yedziviriro yokutapurwa noutachiona. Vakadzi vari vakaneteswa, vanotambura kuora mwoyo, kana kuti vanoshaya tsigiro yemirangariro vangava negadziriro yavo yedziviriro yokutapurwa noutachiona inoiswa pangozi nekazhinji kane 50 muzana.

Nokudaro, Dr. Basil Stoll, achinyora muMind and Cancer Prognosis, akasimbisa kuti: “Nhamburiko iri yose inofanira kuitwa kuderedza kuvadziko yomuviri nendangariro inowanwa navarwere vekenza mukati napashure pokurapwa kwehosha yavo.”

Unogona kufungidzira nyika isina kenza yamazamu, kutaura idi, isitongorina kurwara here? Iyi ndiyo vimbiso yakaitwa naMwari wokunyaradza kwose, Jehovha. Isaya 33:24 inotaura pamusoro penguva apo pasina munhu papasi achazombotaura kuti anorwara. Tariro iyoyo ichazadzikwa nokukurumidza apo Umambo hwaMwari hunodzorwa noMwanakomana wake, Kristu Jesu, hunounza kutonga kwahwo kwakazara kupasi, huchiparadza zvinoparira zvose zvokurwara, rusuruvaro, uye rufu! Kuregererei kurava iyi tariro inoshamisa pana Zvakazarurwa 21:3 kusvikira ku 5? Shinga kutarisana nenguva yemberi netsigiro iyo inopa nyaradzo yechokwadi.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

Nepo pasina zvokudya zvinozivikanwa zvinogona kurapa kenza, kudya zvokudya zvakati uye kuderedza zvimwe kunogona kuva nhanho dzinodzivirira. ‘Kutevera zvokudya zvakarurama kunogona kuderedza ngozi yekenza yako nekanosvika 50 muzana,’ akadudza kudaro Dr. Leonard Cohen

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

“Kuwana kwokukurumidza kwekenza yamazamu kunoramba kuri nhanho inokosha zvikurusa mukudzivisa nzira yekenza yamazamu,” rinodaro bhuku rinonzi “Radiologic Clinics of North America.” Muna ikoku nhanho nhatu dzinokosha ndeidzi: kuzvinzvera mazamu nguva dzose, kunzverwa kwegore negore nachiremba, uye kutorwa X-ray yekenza

[Bhokisi riri papeji 9]

Kuzvinzvera—Nzvero Yomwedzi Nomwedzi

KUZVINZVERA zamu kunofanira kuitwa mazuva mana kusvikira kumanomwe pashure penhambo yokuenda kumwedzi. Vakadzi vakaguma kuenda kumwedzi vanodawo kunzvera mwedzi uri wose pazuva rakafanana.

Zviratidzo Zvokutarira nokuda Kwomwedzi Uri Wose paZuva Rakafanana

• Bundu roukuru hupi nohupi (duku kana kuti hombe) kana kuti kuomarara muzamu.

• Kuunyana, kuita buri, kana kuti kuchinja ruvara kweganda rezamu.

• Kupinda mukati kana kuti kunyura kwenyatso.

• Tumhezi kana kuti kufunuka kwemunyatso kana kuti mvura dzinobuda.

• Mashwashwa akakura muhapwa.

• Chinjo muruvara rweganda kana kuti kuchekeka kwezamu.

• Kusiana kunocherekedzwa kwamazamu uko kuri chinjo kubva mumuzvarirwo.

Kuzvinzvera

Wakamira, simudza ruoko rworuboshwe. Uchishandisa ruoko rworudyi uye uchivambira kumugumo wokunze wezamu, dzvanyidzira rutivi rwakati sandara rweminwe mukutenderera kuduku, uchitenderera zvishoma nezvishoma zamu uye uchienda kumunyatso. Ipa ngwarirowo kunzvimbo iri pakati pehapwa nezamu.

Wakazvambarara, isa piro pasi pepfudzi roruboshwe, uye isa ruoko rworuboshwe pamusoro kana kuti kuseri kwomusoro. Shandisa kufamba kwokutenderera kwatsanangurwa pamusoro apa. Dzokorora nokuda kworutivi rworudyi.

Svina munyatso zvinyoronyoro kunzvera zvinobuda zvipi nezvipi. Dzokorora nokuda kwezamu rorudyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe