RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g11 April pp. 29-31
  • Zvokukurukura Semhuri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokukurukura Semhuri
  • Mukai!—2011
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chakakanganisika Pamufananidzo Uyu?
  • Chengeta Udzidze
  • MHINDURO DZEMIBVUNZO IRI PAPEJI 30
  • Zvakayeukwa naJoshua
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Joshua 1:9—“Shinga, Usimbe”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Anoda Kuti Tibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 6—Joshua
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Mukai!—2011
g11 April pp. 29-31

Zvokukurukura Semhuri

Chii Chakakanganisika Pamufananidzo Uyu?

Verenga Johani 6:5-13. Ndezvipi zvinhu zvitatu zvakakanganisika pamufananidzo uyu? Nyora mhinduro dzako pamitsetse iri pasi apa, uye pedzisa mufananidzo wacho nokuisa makara.

1. ․․․․․

2. ․․․․․

3. ․․․․․

ZVOKUKURUKURIRANA:

Jesu akaita kuti vadzidzi vaunganidze chii, uye nei? Izvi zvinokudzidzisei nezvaJesu? Ungaitei kuti usapambadza?

ZVOKUITA SEMHURI:

Verengai nyaya yacho muBhaibheri pamwe chete. Kana zvichiita, itai kuti mumwe munhu averenge chikamu chemurondedzeri, wechipiri overenga chikamu chaJesu, wechitatu overenga chikamu chaFiripi uye wechina overenga chikamu chaAndreya.

Chengeta Udzidze

Cheka, peta nepakati, uye chengeta

KADHI REBHAIBHERI JOSHUA

MIBVUNZO

A. Joshua neuto rake vakaparadza sei masvingo eJeriko?

B. Pedzisa mashoko aJoshua: “Ini neimba yangu, . . . ”

C. Joshua aizivikanwa nemamwe mazita api?

[Chati]

4026 B.C.E. 1 C.E. 98 C.E.

Adhamu anosikwa Akararama kunenge Bhuku

kuma1500 B.C.E. rokupedzisira romuBhaibheri rinonyorwa

[Mepu]

Vakabva kuIjipiti vachienda kuNyika Yakapikirwa

IJIPITI

NYIKA YAKAPIKIRWA

JOSHUA

NHOROONDO YOUPENYU

Mwanakomana waNuni. Akashumira Mosesi uye akazogadzwa kuti atungamirire vaIsraeri. (Eksodho 33:11; Dheuteronomio 34:9; Joshua 1:1, 2) Noushingi, Joshua akatungamirira vanhu vaMwari kupinda muNyika Yakapikirwa. Akavimba nezvipikirwa zvaJehovha, akamuteerera uye akamushumira akatendeka.

MHINDURO

A. Vakateerera Mwari nokufamba vachitenderera guta.—Joshua 6:1-27.

B. “. . . tichashumira Jehovha.”—Joshua 24:15.

C. Hoshea uye Jehoshua.—Numeri 13:8, 16.

KADHI REBHAIBHERI 2 DHANIERI

MIBVUNZO

A. Nei Dhanieri akakandwa mugomba reshumba?

B. Shamwari nhatu dzaDhanieri dzaiva nemazita api echiHebheru?

C. Masimba api maviri edzimwe nyika akatonga panguva yaishumira Dhanieri?

[Chati]

4026 B.C.E. Adhamu anosikwa

Akararama kunenge kuma600 B.C.E.

1 C.E.

98 C.E. Bhuku rokupedzisira romuBhaibheri rinonyorwa

[Mepu]

Vanotorwa kubva kuJerusarema kuenda kuBhabhironi

Jerusarema

Bhabhironi

DHANIERI

NHOROONDO YOUPENYU

Angangodaro aiva wemuimba youmambo, akaberekerwa mudzinza raJudha. Aiva muprofita akatendeka akafuridzirwa kuti anyore bhuku romuBhaibheri rine zita rake. Dhanieri anofanira kunge aiva nemakore ari pakati pe13 ne19 apo iye nevamwe vomuimba youmambo uye machinda vakatapwa naNebhukadhinezari ndokuenda kuBhabhironi.

MHINDURO

A. Akanyengetera kuna Jehovha kunyange zvazvo akanga arayirwa kuti asanyengetere.—Dhanieri 6:6-17.

B. Hananiya, Mishaeri, Azariya.—Dhanieri 1:6, 7.

C. Bhabhironi uye Medhiya nePezhiya.—Dhanieri 5:30; 6:8.

● Mhinduro dziri papeji 29

MHINDURO DZEMIBVUNZO IRI PAPEJI 30

1. Panofanira kuva nemukomana muduku akatakura zvokudya, kwete musikana.

2. Panzvimbo pemaapuro mashanu, panofanira kuva nezvingwa zvishanu.

3. Panzvimbo pemiguri miviri yechibage, panofanira kuva nehove mbiri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe