RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g11 April p. 32
  • Havasi Vaduku Zvakanyanya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Havasi Vaduku Zvakanyanya
  • Mukai!—2011
Mukai!—2011
g11 April p. 32

Havasi Vaduku Zvakanyanya

● Izvi ndizvo zvakanyorwa nevamwe amai vokuCalifornia, U.S.A., vachitaura nezvenyaya iri mubhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Vakatsanangura kuti, “Vhiki ichangobva kupfuura, patakaenda nemwanakomana wedu Javan, ane makore 3 kunoona chiremba wake, chiremba wacho akatibvunza ini nemurume wangu kana takanga takurukura naJavan nezvokuzvichengetedza panhengo dzakavandika dzemuviri. Ndakafara zvikuru kumutaurira nezvebhuku rinonzi Mudzidzisi, rinotsanangura kuti hazvina kunaka kuti munhu atambe nenhengo dzakavandika dzemumwe munhu. Chiremba wacho akafara zvikuru kuti takanga takurukura nezvazvo.”

Amai vacho vakawedzera kuti: “Bhuku racho rinokurukura nyaya idzi dzinokosha nenzira yakanaka zvikuru.” Chitsauko chavaitaura nezvacho chine musoro unoti, “Nzira Iyo Jesu Akadzivirirwa Nayo.” Chinotsanangura nezvokudzivirirwa kwakaitwa Jesu naBaba vake vokudenga kuti asakuvadzwa naMambo Herodhi, paakanga achiri muduku zvikuru zvokuti aisagona kuzvidzivirira. (Mateu 2:7-23) Bhuku racho rinoratidza kuti kunyange vana vaduku vangadzidziswa sei kuzvidzivirira kana mumwe munhu akaedza kushinha navo.

Unogona kukumbira bhuku iri rine mapeji 256, rine mifananidzo yakanaka zvikuru uye rine mapeji akakura seemagazini ino. Chingozadza kopani riri pasi apa, uye ritumire kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

□ Ndinokumbira kuti munditumirewo bhuku rakaratidzwa pano, pasina zvandinovimbisa.

□ Ndapota ndionei nezvekudzidza Bhaibheri ndisingabhadhari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe