RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 10/15 p. 32
  • “Rinondibatsira Kutaura Nevanhu Zvavanonzwisisa”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Rinondibatsira Kutaura Nevanhu Zvavanonzwisisa”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • “Basa Rapera”
    Mukai!—2010
  • Vanhu Vanoti Kudii Nezvekunyengetera?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Mashoko Akanaka Evanhu Vemarudzi ose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kubatsira Ndima Yevanotaura Mutauro Wekune Imwe Nyika
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 10/15 p. 32

“Rinondibatsira Kutaura Nevanhu Zvavanonzwisisa”

MUPORTO ALEGRE, rimwe guta riri kumaodzanyemba kweBrazil, makamboitwa musangano mukuru wenyika dzakawanda waikurukurwa nezvemagariro evanhu. Kwakauya makumi ezviuru aibva kunyika 135 kuchiitiko ichi. Panguva dzokumbozorora, rimwe boka reZvapupu raibva muungano iri muPorto Alegre rakauya kuzotaura nenhume dzomusangano uyu dzakati wandei richida kuvaudza shoko roUmambo riri muBhaibheri. Vaitaura navo sei?

“Taishandisa kabhuku kaGood News for People of All Nations,” anodaro mumwe piyona anonzi Elizabete. Vakawanda vevanhu ivavo vakanga vasati vambonzwa nezvemashoko akanaka oUmambo, asi vakafarira shoko redu. Takataura nevanhu vakanga vabva kuBolivia, China, France, India, Israel, neNigeria. Vamwe vacho taiva nemabhuku emitauro yavo zvokuti vakaagamuchira nomufaro.”

MuMexico, mumwe piyona anonzi Raúl anobudirirawo achishandisa kabhuku aka. Mazuva akapfuura aya akataura nevamwe sekuru vechiArabhu vakanga vachangofirwa nomudzimai. Murume wacho paakaverenga papeji iri mukabhuku kacho inotaura nezveshoko roUmambo muchiArabic, akabudisa misodzi nokufara. Aifarirei? Chipikirwa chaMwari chokuti rufu ruchabviswa, chinowanika pana Zvakazarurwa 21:3, 4, chakamubaya mwoyo paakachiverenga mumutauro wake. Mumwe musi achiparidza zvake zvisina kurongwa, Raúl akasangana nomumwe murume aitaura chiPutukezi. Murume wachowo akanga afirwa nemwanakomana wake. Raúl akaita kuti murume wacho averenge peji yechiPutukezi iri mukabhuku kacho. Paakanga averenga, murume wacho akaratidza kuti aida kudzidza zvakawanda nezveBhaibheri akabvuma kudzidza.

Raúl ari kushandisa Good News for People of All Nations kupupurira kuvanhu vanotaura chiArmenian, chiChina, Chirungu, chiFrench, chiJerimani, chiHindi, chiKorean, chiMixe, chiPersian, chiRussian, nechiZapotec. Anoti: “Ndiri kuona kukosha kwazvakaita kushandisa bhuku iri muushumiri. Rinondibatsira kutaura nevanhu zvavanonzwisisa kunyange ndisingatauri mitauro yavo.”

Sezvo vanhu vakawanda vachienda kunogara kunze kwenyika, tine mikana yakawanda yokusangana nevaya vanotaura mumwe mutauro. Tichakwanisa kuvaudza shoko roUmambo tichishandisa kabhuku kaGood News for People of All Nations. Unofamba nako here?

[Mifananidzo iri papeji 32]

Raúl aine kabhuku kanomubatsira kutaura nevanhu zvinovabaya mwoyo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe