RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 July pp. 10-11
  • Zvokukurukura Semhuri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokukurukura Semhuri
  • Mukai!—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakaitikira Kupi?
  • UNOZIVEI NEZVAMAMBO HEZEKIYA?
  • ZVIRI MUMAGAZINI INO
  • Mhinduro Dzemibvunzo Iri Papeji 10
  • Ungapindura Sei?
    Mukai!—2010
  • Zvokukurukura Semhuri
    Mukai!—2010
  • Ungapindura Sei?
    Mukai!—2009
  • Ungapindura Sei?
    Mukai!—2008
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 July pp. 10-11

Zvokukurukura Semhuri

Zvakaitikira Kupi?

1. Izvi zvakaitikira pedyo neguta ripi?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Mabasa 6:7-9; 7:54-60. Tenderedza mhinduro yako pamepu.

Dhamasiko

Jerusarema

Bhetrehema

2. Stefani ari kutemerwei nematombo?

․․․․․

3. Stefani anokumbira Mwari kuti aitei kuvanhu vari kumutema?

․․․․․

ZVOKUKURUKURIRANA:

Iwe unoona sei zvakaitwa naStefani kuvanhu vaimutema? Kudai waiva Stefani, ungadai wakaitei, uye nei?

UNOZIVEI NEZVAMAMBO HEZEKIYA?

4. Baba vaHezekiya vaiva ani?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 2 Madzimambo 18:1.

․․․․․

5. Kunyange zvazvo baba vaHezekiya vakanga vakaipa chaizvo, Hezekiya akava nemukurumbira wakaita sei?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 2 Madzimambo 18:5.

․․․․․

ZVOKUKURUKURIRANA:

Chii chakabatsira Hezekiya kuti arambe akasimba?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 2 Madzimambo 18:6.

Kana mumwe womumhuri yenyu akarega kushumira Mwari, ungatevedzera sei Hezekiya?

ZVIRI MUMAGAZINI INO

Pindura mibvunzo iyi, wonyora ndima dzeBhaibheri dzisipo.

PEJI 4 Tinofanira kuzvichenesa pachii? 2 VaKorinde 7:․․․

PEJI 5 Vaviri vangaitei pamwe chete? Muparidzi 4:․․․

PEJI 15 Mwari anoda munhu anoita sei? 2 VaKorinde 9:․․․

PEJI 20 Tinofanira kurega chii? 1 VaTesaronika 4:․․․

PEJI 20 Munhu anoita ufeve anotadzira chii? 1 VaKorinde 6:․․․

● Mhinduro dziri papeji 23

Mhinduro Dzemibvunzo Iri Papeji 10

1. Jerusarema.

2. Stefani ari kupomerwa kuti amhura Mwari.

3. Kuti akanganwire vaimutema.

4. Mambo Ahazi.

5. Panyaya yokushingairira kunamata, hapana mumwe mambo akanga akaita saiye.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe