RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 July pp. 23-24
  • Ndinofara Pasinei Nokuremara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofara Pasinei Nokuremara
  • Mukai!—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuchinja Kukuru Kwandakaita Pamafungiro Angu
  • Iye Zvino Ndinofunga Kuti Ndava Kukwanisa Kubatsirawo Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Ndinoonga Tsigiro Isingagumi yaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Jehovha Akandipa Zvinopfuura Zvandaikodzera Kuwana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 July pp. 23-24

Ndinofara Pasinei Nokuremara

Yakataurwa naJosé Godofredo Várguez

Ndaiva ndakagwinya pandakaberekwa uye ndakakura zvakanaka sezvinongoita vamwe vana vose. Ndava nemakore 17, ndakatanga kushanda muindasitiri ndiri weredha. Pashure pemakore maviri, ndakanga ndichishandira panzvimbo yakakwirira yaiva pedyo newaya dzaiva nemagetsi akawanda chaizvo uye kwakatanga kunaya. Ndakangoerekana ndarohwa nemagetsi zvakasimba zvokuti ndakawira pasi, mamita 14 kubva pandaiva, ndikabva ndafenda. Ndakava pakoma, ndikazomuka pashure pemwedzi mitatu. Chinhu chandaingokwanisa kufambisa chete waiva musoro wangu. Ndakanga ndaremara maoko nemakumbo uye ndakavhiringidzika zvokuti!

PAKUTANGA, ndakatsamwira Mwari uye ndakamubvunza kuti nei akandisiya ndiri mupenyu. Ndakatombofunga kuzviuraya. Ndakanotsvaga kubatsirwa nezvitendero zvakawanda, asi hapana chakagona kundinyaradza zvechokwadi kana kupindura mibvunzo yangu pamusoro paMwari. Kutaura zvazviri, zvitendero izvi zvaisatombokurudzira vanhu kurarama maererano nezvinodzidziswa neBhaibheri. Amai vangu pavakashaya muna 1981, ndakatanga kudutira doro uye kuita zvokubheja. Ndakafunga kuti nokuremara kwandakanga ndakaita, Mwari aizondinzwira tsitsi ondikanganwira kudhakwa kwandaiita. Uyewo ndakatanga kuchaya mapoto nemumwe mukadzi.

Kuchinja Kukuru Kwandakaita Pamafungiro Angu

Ndava nemakore 37, ndipo pandakatanga kuonana neZvapupu zvaJehovha. Amai vangu vaigara vachitaura kuti Zvapupu zvaJehovha ndicho chaiva chitendero chakaipa kupfuura zvimwe zvose. Kunyange zvakadaro, ndakazvigamuchira mumusha mangu ndichida kuzviratidza kuti zvaisaziva, nokuti ndaifunga kuti ndaiziva zvakawanda nezveBhaibheri. Zvisinei, ndakashamisika chaizvo kuona kuti hapana zvandaimboziva! Uyezve, zvakandishamisa nokushandisa kwazvakaita Bhaibheri kupindura mibvunzo yangu yose. Pasina nguva, ndakagutsikana kuti ndakanga ndawana chokwadi.

Chisingafadzi ndechekuti mukadzi wandaigara naye akaramba zvandakanga ndava kutenda uye takabva taparadzana. Ndakaramba ndichigadzirisa upenyu hwangu uye kuchinja unhu hwangu nemafungiro kuti zvienderane nezvinodzidziswa neBhaibheri. Ndichibatsirwa naMwari, ndakakwanisawo kuchinja pfungwa dzangu uye manzwiro kuti ndiite zvinoenderana nekukuvara kwandakaita mutsaona, zvokuti kwemakore 20 apfuura, ndave ndichigutsikana chaizvo kushanda somushumiri wenguva yakazara. Nemhaka yokuremara kwandakaita, vanhu vakawanda vanonetseka kuti ndinokwanisa sei kuita zvakawanda kudaro uye ndichifara. Handigari ndega. Ndinogara nemunin’ina wangu Ubaldo uyo ane Down syndrome. Ubaldo akagamuchirawo chokwadi chiri muBhaibheri, uye anoshumira Jehovha pamwe chete neni.

Tiri timu yakanaka uye tinotarisirana. Patinenge tiri muushumiri, Ubaldo anosunda wiricheya yangu uye ndiye anogogodza pamasuo. Pandinokurukura navanasaimba, anondibatsira pakuvhura Bhaibheri nekugovera bhuku rakakodzera. Anondibatsirawo nezvimwe zvandinoda. Iniwo ndinotengesa mafuta nezvimwewo zvekuzora kuti tikwanise kuwana mari yokurarama nayo. Uyezve, vamwe vemuungano yedu yeZvapupu zvaJehovha vanotibatsira nekubika, kuita mamwe mabasa akasiyana-siyana epamba uye kutiendesa kwachiremba. Ini naUbaldo tinotenda chaizvo izvi zvose zvatinoitirwa!

Muungano yechiKristu, ndine ropafadzo yokuva mukuru, uye hama dzangu nehanzvadzi dzinofara chaizvo kundibatsira kutsvakurudza nyaya dzakasiyana-siyana dzemuBhaibheri. Ndinokwanisa kumaka pfungwa dzinokosha dziri mumabhuku edu nepenzura yandinenge ndakaita zvokuruma.

Vanhu pavanondibvunza kuti ndiri kufara here, ndinopindura nemwoyo wose kuti hongu! Chii chinganditadzisa kufara? Ndakawana kuti upenyu hune chinangwa, uye ndinotarisira kuwana zvinhu zvakanaka chaizvo zvakavimbiswa naMwari kuvashumiri vake vakatendeka, upenyu hwakakwana muParadhiso iri kuuya ichange iri pasi pano.—Isaya 35:5, 6; Ruka 23:43.

[Mufananidzo uri papeji 23]

José paaiva nemakore 18, gore rimwe chete asati aita tsaona

[Mufananidzo uri papeji 24]

Ini nemunin’ina wangu Ubaldo, tiri timu yakanaka sezvatinoshanda pamwe chete muushumiri kuMexico

[Mufananidzo uri papeji 24]

Mumwe wandinonamata naye achindivhurira Bhaibheri ndichipa hurukuro paImba yoUmambo

[Mufananidzo uri papeji 24]

Vamwe vemuungano yedu vanotibatsira nekubika uye kuita mamwe mabasa akasiyana-siyana epamba

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe