RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 July p. 25
  • Unoda Imwe Nguva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoda Imwe Nguva Here?
  • Mukai!—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Dambudziko: Kunyanya Kuwandirwa Nezvokuita
    Mukai!—2015
  • Chii Chandinogona Kuita Nebasa Rakawanda Zvikuru Rinoitirwa Kumba?
    Mukai!—1993
  • Nzira 20 Dzokuwana Nguva Yakawanda
    Mukai!—2010
  • Vakira Upenyu Hwako Pabasa raJehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 July p. 25

Unoda Imwe Nguva Here?

KANA wamaka denderedzwa rechipiri kana kuti rechitatu pamibvunzo yakawanda iri padivi apa, zvimwe unoda nguva yakawanda. Uye hausiwe woga. Munzvimbo dzakawanda, vanhu vanogara vari kumashure kwenguva vachiita chipatapata kuti vapedze zvinenge zvichifanira kuitwa, uye izvozvo zvingasava zvinhu zvinonyatsokosha kwavari. Asi zvingava zvinhu zvinenge zvichida kuitwa pakarepo, zvakadai sokugadzira motokari, kufadza mukuru webasa, kugadzirisa zvinenge zvavavhiringidza vasingatarisiri. Paunogadzirisa chinetso chimwe pashure pechimwe, ungafunga kuti haunyatsokwanisi kuronga nguva yako. Ungatofunga kuti uri kungomhanyisana noupenyu asi usiri kunyatsonakidzwa nahwo.

Chokwadi, ungati zvinhu izvi ndezvechinguva chete. Zvinhu zvichazodzikama muupenyu uye uchava nenguva yokunyatsoita zvinhu zvinokosha, zvinhu zvinoita kuti upenyu hwako nehwemhuri yako nehwevamwe hugutse. Asi izvozvo zvichaitika rini? Unoona uchizowana kamukana here pane zvawakaronga nhasi? Svondo rino? Mwedzi unouya?

Kutaura zvazviri, nyika haisi kuzoita kuti zvinhu zvidzikame. Asi unokwanisa kuita kuti uwane nguva yaunoda. Ungaita sei izvozvo?

[Bhokisi riri papeji 25]

Unowana nguva yokuita zvinhu zvinonyatsokosha kwauri kakawanda sei?

◯ Zuva rega rega

◯ Pakupera kwevhiki

◯ Handiwanzoiwani

Pazuva

◯ Unoita zvawakaronga here?

◯ Unomanikidzwa kuita zvawanga usina kuronga here?

◯ Unongoita zvetsuro yamukira mumakumbo here?

Pazuva

◯ Unoona zvinhu zvakadzikama here?

◯ Unoona sokuti vamwe vari kukumanikidza kuita zvisina musoro here?

◯ Unoona sokuti zvinhu zvako hazvina kurongeka uye unongoti chamuka inyama here?

Panopera zuva

◯ Unenge waita zvinhu zvinokosha here?

◯ Unenge wapedza basa rinenge richifanira kuitwa asi risina kuitwa nemazvo here?

◯ Unenge usina kuwana nguva yezvinhu zvinonyatsokosha here?

Pakupera kwezuva unowanzonzwa sei?

◯ Ndichigutsikana nezvandaita

◯ Sokuti hapana zvandaita, ndakaneta, uye ndichishushikana

◯ Ndakavhiringidzika

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe