Vechiduku Vane Matambudziko Api?
Unofungei? Matambudziko evechiduku vemazuva ano akaoma kupfuura evaduku vekare here? Kana mhinduro yako iri kwete, ungave uchifunga kuti vari kuyaruka mazuva ano ndivo vakakomborerwa pane vamwe vose muupenyu.
Munyika dzakawanda, mune mishonga inorapa zvirwere zvaichimbotadzisa vechiduku kuva noutano hwakanaka kana kuti zvaivauraya. Ruzivo rwokugadzira zvinhu runoita kuti pave nezvinhu zvemagetsi nematoyi izvo vechiduku vekare vasina kumbobvira varota nezvazvo. Uye kubudirira mune zvoupfumi kwakaita kuti mhuri dzine mamiriyoni dzibude muurombo. Zvechokwadi, vabereki vakawanda vanoshanda nesimba kuti vana vavo vave noupenyu uye mikana yokudzidza izvo ivo pachavo vasina kumbova nazvo.
Hapana mubvunzo kuti vaduku vemazuva ano vane zvinhu zvakavanakira zvakawanda. Asi vanewo matambudziko akawandisa kupfuura kare. Chimwe chikonzero ndechokuti vanhu iye zvino vari kurarama munguva inonzi neBhaibheri “kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mateu 24:3) Jesu Kristu akafanotaura zvakarurama kuti munguva iyi zvinhu zvaizova zvakaita manyama amire nerongo chaizvo pamagariro evanhu. (Mateu 24:7, 8) Bhaibheri rinoti nguva iyoyo inonziwo “mazuva okupedzisira” uye rinotsanangura magariro evanhu kwose kwose ‘seakaoma kubata nawo.” (2 Timoti 3:1) Funga nezvemamwe matambudziko akaoma evaya vari kuyaruka mazuva ano.
Dambudziko Rokutanga
Kuva Zindoga
Mafirimu, mapurogiramu eterevhizheni, nemagazini zvinoratidza vechiduku vaine shamwari nguva dzose uye vachikura pamwe nadzo kusvika vapedza chikoro uye kusvika vava vanhu vakuru. Asi izvozvo handizvo zviri kuitika kune vari kuyaruka vakawanda.
Vamwe vanotsvakurudza mashoko, Barbara Schneider naDavid Stevenson, avo vakaongorora kubvunzurudzwa kwakaitwa vechiduku vane zviuru vokuUnited States, vakawana kuti “vadzidzi vashomanana ndivo vaiva natsika nditsikewo wavakakura naye kana kuti vaiva neboka duku reshamwari kwenguva refu.” Schneider naStevenson vakataura kuti vaduku vakawanda “havana wavari pedyo naye uye vane shamwari dzepedyo shoma dzavanonzwa vakasununguka kukurukura nadzo matambudziko kana zvimwe zvinhu.”
Vari kuyaruka vane shamwari vanoita sokuti vane nguva shoma yokuva nadzo. Kumwe kuongorora kwakadzama kwakaitwa muUnited States kwakaratidza kuti vari kuyaruka vakawanda vanopedza inenge 10 muzana yenguva yavo vaine shamwari asi inosvika 20 muzana yemaawa avanenge vasina kurara vanoipedza vari voga. Iyi inguva yakawanda kupfuura yavanopedza vaine mhuri kana shamwari. Vanodya vari voga, vanofamba vari voga, uye vanozvivaraidza vari voga.
Chimwe chinoita kuti vave vanazindoga kuwandisa kwezvinhu zvemagetsi. Somuenzaniso, muna 2006, magazini inonzi Time yakataura kuti vaduku vokuAmerica vane makore ari pakati pe8 ne18 vaipedza maawa matanhatu nehafu pazuva vakangoti ndee paterevhizheni, munzeve makandonyerwa tumaiyefoni vachiteerera mimhanzi, kana kuti vachitamba mitambo yevhidhiyo kana kuti vachishandisa kombiyuta.a
Chokwadika, vaduku vemazuva ano handivo vakatanga kupedza maawa akawanda vachinakidzwa nemimhanzi kana kuti kutamba mitambo. (Mateu 11:16, 17) Asi nguva yakawanda yavanopedza vari voga vachitokonya-tokonya zvinhu zvemagetsi pane kuita zvinhu pamwe nemhuri inogona kuvakuvadza. Schneider naStevenson vanoita zvokutsvakurudza mashoko, vanoti: “Vaduku vanotaura kuti pavanenge vari voga vanonzwa kuti vanhu vasingakoshi, vasinganyatsofari, vasinganyatsonakidzwi nezvavanenge vachiita, uye vakangonetaneta.”
Dambudziko Rechipiri
Kumanikidzwa Kuita Zvepabonde
Vaduku vane makore ari kuma13 zvichikwira uye kunyange vasati vasvitsa makore iwayo vari kumanikidzwa chaizvo kuita zvepabonde. Nathan, mumwe wechiduku anogara kuAustralia, anoti: “Vana vakawanda vandaiziva kuchikoro vakatanga kuita zvepabonde vaine makore ari pakati pe12 ne15.” Imwe mhandara inonzi Vinbay, inogara kuMexico, inotaura kuti kungoita zvepabonde vanhu vasina vimbiso yokuroorana kwaiitwa chaizvo nevechiduku kuchikoro kwake. Anoti, “Vaya vaisaita zvepabonde vaionekwa sevane chakavagara.” Mumwe musikana anogara kuBrazil anonzi Ana ane makore 15 anoti, “Kuita zvepabonde pasina kuvimbisana kuroorana kunoitwa nevakawanda vezera rangu zvokuti kuramba kamwe chete hakuna kukwana. Unotofanira kugara uchiramba.”
Vamwe vanotsvakurudza mashoko vokuUnited Kingdom vakabvunza vaduku 1 000 vaiva nemakore ari pakati pe12 ne19 uye vaibva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Vakawana kuti vanenge 50 muzana vevaduku vacho vaigara vachiita zvepabonde nenzira dzakasiyana-siyana. Vanopfuura 20 muzana vevaduku ava vaiita zvepabonde vaingova nemakore 12 chete! Dr. Dylan Griffiths, uyo aitungamirira pakutsvakurudza kwacho anoti: “Rubatsiro rwakagara ruchipiwa nemhuri, neChechi uye nemamwe masangano rwakanyangarika, zvichisiya vaduku vachitambura.”
Vechiduku vanoita zvepabonde “vanotambura” zvechokwadi here? Mune mumwe mushumo wakabuda muna 2003, Rector, Noyes, naJohnson vanoita zvokutsvakurudza mashoko vakaratidza kubatana kwakaita kuita zvepabonde kwevari kuyaruka, nokuora mwoyo, uye mikana yakawanda yokuedza kuzviuraya. Vakaongorora kubvunzwa kwakaitwa vaduku 6 500 uye vakaona kuti “vasikana vaiita zvepabonde vangangoora mwoyo nekanodarika katatu kupfuura vasikana vasingaiti zvepabonde.” Uye pavakomana, vaya “vanoita zvepabonde vangangoora mwoyo nekanodarika kaviri kupfuura vaya vasingaiti zvepabonde.”
Dambudziko Rechitatu
Mhuri Dzakaputsika
Vechiduku vokuUnited States vave vachiona zvakaita mhuri zvichichinja nokukurumidza uye tsika dzinokosheswa dzichingochinja-chinja. Bhuku rinonzi The Ambitious Generation—America’s Teenagers, Motivated but Directionless, rinoti, “Mumakumi mashomanana emakore apfuura pave paine kuchinja kukuru kunoverengeka kwezvakaita mhuri kunokanganisa zvakananga upenyu hwevaduku. Ukuru hwemhuri iri pakati nepakati yokuAmerica hwave huchidzikira, zvokuti vari kuyaruka vangangova nevakoma kana kuti vanin’ina vashoma. Kurambana zvakuri kuramba kuchiwedzera, vana vakawanda vari kupedza nguva youduku vaine mubereki mumwe. Uye vanamai vakawanda vevana vari pasi pemakore 18 vanoenda kubasa, saka kumba kungangosava nemunhu mukuru.”
Zvisinei nokuti vana vari kugara nomubereki mumwe kana kuti vaviri, vakawanda vanonzwa vasiri pedyo nevabereki vavo panguva dzavanonyanya kuvada. Kumwe kuongorora kwakaitwa vaiyaruka vanokwana 7 000 kwemakore akati kuti kwakaratidza kuti vakawanda vavo vaiona vabereki vavo sevane rudo uye kuti vaivafarira. Kunyange zvakadaro, “vanokwana chikamu chimwe chete kubva pazvitatu vakataura kuti vainyatsotarisirwa uye vaibatsirwa pavaiva nedambudziko.” Bhuku racho rakawanawo kuti: “Kune vari kuyaruka vakawanda, mamiriro ezvinhu akaoma anoonekwa senguva iyo vabereki vasinganyanyi kupindira kana kupa rubatsiro.”
MuJapan, mhuri dzaichimbova dzakabatana chaizvo dziri kuitwa zinyekenyeke nokutsvaka kupfuma. Yuko Kawanishi, muzvinadzidzo anoona nezvemagariro evanhu, anoti: “Vabereki vakawanda vevana vari kuyaruka mazuva ano ndevomunguva yepashure peHondo Yenyika II pakaberekwa vana zvokuti, uye vakakudzwa netsika itsva dzaikosheswa dzaisimbisa kubudirira pane zvoupfumi uye kuva nezvinhu zvakawanda.” Vabereki vakadaro vanopfuudza kuvana vavo tsika dzakaita sei? Kawanishi anoti, “Vabereki vakawanda mazuva ano vane hanya zvakanyanya nokubudirira kwevana vavo pane zvedzidzo.” Anoenderera mberi achiti, “Chero vana vavo vachidzidza, zvimwe zvinhu zvinoitika kumba zvinoiswa munzvimbo yechipiri, kana kuti zvinotoshaya basa.”
Kunyanyisa kuomerera pakubudirira kuwana zvinhu uye padzidzo kungakanganisa sei vechiduku? MuJapan zvinobudisa nhau zvinowanzotaura nezveshoko rokuti kireru. Shoko iri rinotsanangura kupengereka kunongoerekana kwaitwa nevechiduku vanenge vachiiswa parumananzombe kuti vabudirire. Kawanishi anoti, “Vana pavanoita sokuti vava kupengereka, ingava mhosva yokuti havaoni mhuri dzavo sedzinovadzora pane zvavanoita.”
Chikonzero Chokuva Netariro
Zvechokwadi, tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Asi, Bhaibheri harina kungofanotaura chete kuti vanhu vemunguva iyi vaizosangana nematambudziko akawanda.
Bhaibheri rinopa mazano anobatsira vechiduku kuvandudza upenyu hwavo. Jehovha Mwari, Muridzi weBhaibheri, anoda chaizvo kudzidzisa vaduku kukunda kwavangaita matambudziko. (Zvirevo 2:1-6) Anoda kuti vave noupenyu hwakanaka. Shoko rake ringapa ‘vasina zivo njere, ringapa jaya zivo nemano okufunga.’ (Zvirevo 1:4) Funga nezvokubatsira kungaita zvinotaurwa neBhaibheri.
[Mashoko Omuzasi]
a Vaduku vanozviparadzanisa nevamwe vogara mumba mavo vawanda chaizvo muJapan zvokuti vakatopiwa zita rokuti hikikomori. Vamwe vanofungidzira kuti vanahikikomori ivavo muJapan vari pakati pe500 000 ne1 000 000.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Maererano nokumwe kutsvakurudza, vasikana vanoita zvepabonde vangangoora mwoyo nekanodarika katatu kupfuura vasikana vasingaiti zvepabonde
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]
Maitiro Anokuvadza
Muna 2006 hurumende yeBritain yakataura kuti munyika iyoyo, nhamba yevanoshandisa dhiragi rinonzi kokeini vari pakati pemakore 11 kusvika ku15 yakapetwa nekaviri mugore rimwe. Vechiduku vanenge 65 000 vakati vakanga vamboshandisa dhiragi racho kuti vanzwe kuti rinoita sei. MuHolland, vaduku vanopfuura 20 muzana vari pakati pemakore 16 ne24 vanonzi havakwanisi kurarama vasinganwi doro kana kuti vane chirwere chinokonzerwa nedoro.
Vaduku vakawanda vanoratidza kushushikana kwavo nenzira inotokuvadza zvakananga. Vanozvicheka, vanozviruma, kana kuti kuzvipisa. Len Austin naJulie Kortum, avo vanotsvakurudza mashoko, vanoti, “Zvinofungidzirwa kuti vaduku vokuAmerica vane mamiriyoni matatu vanotambura nokuzvikuvadza, uye mumwe chete pa200 voga voga anogara achizvikuvadza.”
[Mufananidzo uri papeji 3]
Vechiduku vakawanda havana shamwari dzepedyo dzavangaudza nhuna dzavo