RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 July p. 10
  • Batsirai Vana Venyu Kuti Vatange Upenyu Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Batsirai Vana Venyu Kuti Vatange Upenyu Zvakanaka
  • Mukai!—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Kuona Terevhizheni Nokungwarira
    Mukai!—2000
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Vabereki—Svikai Mwoyo Womwana Wenyu Kuvambira Paucheche
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Basa Rako Somubereki
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 July p. 10

Batsirai Vana Venyu Kuti Vatange Upenyu Zvakanaka

YAKANYORWA NEMUNYORI WEMUKAI! KUCANADA

◼ Mamwe mashoko aiva mupepanhau reThe New York Times akati, “Terevhizheni inogona kuva mudziyo wakanaka chaizvo pakudzidzisa.” Asi, “kugara vakatarira terevhizheni pasina zvavari kuita kwemaawa akawanda kuri kukanganisa miviri uye pfungwa dzevana.” Kunovashayisa mikana yokushandisa pfungwa kuita zvakasiyana-siyana, kudzidza, uye kugarisana nevamwe.

Pepanhau racho rakataurawo kuti mushure mokuongorora kuona terevhizheni kwevana 2 500, vatsvakurudzi vokuChipatara Chevana chokuSeattle, Washington, U.S.A., “vakaona kuti vana vaiva negore kusvika kumatatu vainyanya kuona TV vakazovawo nematambudziko akakura okunyatsoteerera vava nemakore manomwe.” Vana vakadaro vaiva nehasha zvokuti, vasingashiviriri uye vasingakwanisi kuteerera kwenguva yakareba. Maererano naJane M. Healy, imwe nyanzvi inoongorora nezvekudzidza kwevana, “vabereki vakawanda vevana vaiva nedambudziko rokusakwanisa kuteerera kwenguva yakareba vakaona kuti dambudziko racho rakadzikira pavakaita kuti vana vacho vasagare vachiona TV.”

Vabereki vangaitei kuti nguva inoonekwa terevhizheni nevana vavo ive shoma? Pepanhau racho rakapawo mazano anotevera: Rongai nguva ichaonekwa TV nevana venyu uye urefu hwayo. Musaita kuti TV ikurererei vana. Pane kudaro itai kuti vana venyu vaitewo mabasa epamba sezvavangakwanisa. Sarudzai mapurogiramu avanofanira kuona uye dzimai terevhizheni kana apera. Pose pazvinoita onai mapurogiramu acho navo uye taurai zvamunenge muchiona. Pakupedzisira itai kuti nguva yenyu yamunoona TV ive shoma.

Kukurudzira vana kushandisa pfungwa kuti vaite zvakasiyana-siyana uye kuti vagarisane nevamwe kunoda nguva, kuzvipira uye kuzviranga. Kuita izvozvo kufira zviripo. Izvi zvinopupurirwa nechirevo chekare chinoti: “Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera; kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.” (Zvirevo 22:6) Chinokosha pakurovedza uku kudzidzisa mwana kuti ave netsika dzakanaka.

Zvapupu zvaJehovha zvinobudirira kushandisa bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru kudzidzisa vana vazvo tsika dzakanaka. Chokwadi, kukurukurirana uye kuda vana pavanenge vachikura kunoitwa nevabereki kunounza mubayiro wakakura. Chii chingafadza vabereki chinopfuura kuona vana vavo vachikura kuva vanhu vanoremekedzeka uye vanhu vanoziva zvavanoita?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe