RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 July pp. 6-9
  • Zvakaita Kuti Tisabvise Pamuviri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaita Kuti Tisabvise Pamuviri
  • Mukai!—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Usakurumidzira Zvinhu—Ronga Zvinoshanda
  • Bvuma Kuti Mwana Ari Mudumbu Munhu
  • Kutya Vanhu Zvakunoita
  • Ushamwari naMwari Hune Simba
  • Havazvidembi
  • Kubvisa Pamuviri—Haisi Nzira Yokugadzirisa Dambudziko Isina Mamwe Matambudziko
    Mukai!—2009
  • Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Pamuviri?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kubvisa Pamuviri
    Mukai!—2017
  • Chinetso Chokubvisa Mimba—Kuuraya Kune Mamirioni 60 Ndiko Chigadzikiso Here?
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 July pp. 6-9

Zvakaita Kuti Tisabvise Pamuviri

VICTORIA ataurwa munyaya yokutanga, akaudza mukomana wake, Bill, kuti aisazobvisa pamuviri. Victoria akati: “Ndainzwa kuti mudumbu mangu maiva nemunhu mupenyu. Pandakaona kuti Bill aisazonditsigira dai ndaizoramba ndichigara naye ndakazvitakura, ndakasiyana naye.”

Pave paya, Bill akazochinja mafungiro, achibva audza Victoria kuti aida kumuroora. Asi kutarisira mwanakomana akanga achangozvarwa kwaiita sokuti igomo chairo. Victoria akatsanangura kuti, “Taiva tisina motokari, tisina mari, tiine zvokupfeka zvishoma uye tingati takanga tisina chinhu. Bill aitambira mari shomanana, uye taigara muimba isina kutsarukana, asi takashingirira.”

Vamwe vakatarisana nemamiriro ezvinhu akaoma pamusana pepamuviri pavanga vasina kuronga. Asi naivowo vakaramba kubvisa pamuviri. Chii chakavabatsira kuramba vakatsunga uye kuti vabudirire pasinei nokushushikana nokurera mwana wavanga vasina kuronga kana kuti vasingadi? Vakabatsirwa nokutevera uchenjeri hunokosha huri muBhaibheri.

Usakurumidzira Zvinhu—Ronga Zvinoshanda

Nenzira youchenjeri, Bhaibheri rinoti: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira, asi munhu wose anokurumidzira zvinhu achashayiwa njere.”—Zvirevo 21:5.

Pfungwa yokuva nemumwe mwana yaiva gomo chairo kuna Connie, amai vevanakomana vatatu, mumwe wacho akanga akaremara. Akati, “Takanga tisingadi mumwe munhu wokutsvakira zvokudya. Saka takafunga kubvisa pamuviri.” Asi asati amhanyira kusarudza, akataura naKay waaishanda naye. Kay akamubatsira kuona kuti akanga akatakura munhu akanga asati aberekwa, izvozvo zvakaita kuti achinje mafungiro ake.

Kunyange zvakadaro Connie aida rubatsiro runoshanda kuti aronge zvokuita. Sezvo maiguru vake vaigara munharaunda iyoyo, Kay akamukurudzira kutaura navo. Paakataura navo vakafara kumubatsira. Murume wake akawanawo basa rokuwedzera, ndokutamira muimba yaisadhura. Saka vakakwanisa kutarisira mwana wavo mutsva.

Kay akabatsirawo Connie kutsvaga masangano anobatsira vaya vanenge vaita pamuviri pasina kurongwa. Munyika dzakawanda mune masangano akadaro anobatsira vanaamai vatsva vanenge vachida rubatsiro. Masangano akadaro anogona kuwanika paIndaneti kana kuti mumabhuku enhamba dzorunhare, anowanika mumaraibhurari akawanda. Kutsvaka rubatsiro kungava basa chairo, asi “zvirongwa zvomunhu anoshingaira” ndizvo zvinoita kuti abudirire.

Bvuma Kuti Mwana Ari Mudumbu Munhu

Bhaibheri rinoti, “Ani naani akachenjera, maziso ake ari mumusoro make; asi benzi rinofamba murima gobvu.”—Muparidzi 2:14.

Mukadzi akachenjera zvechokwadi haatsinziniri maziso kuchokwadi obva aita seari ‘kufamba murima.’ Anoshandisa ‘maziso ari mumusoro make’ ayo anomubatsira kufunga. Izvi zvinomubatsira kunyatsofunga nezvemigumisiro yezvaachaita. Mukusiyana nemunhu anotsinzinira maziso kuchokwadi chezviri kuitika mudumbu make, mukadzi akachenjera anoita zvinoratidza kunzwira tsitsi, kuti achengetedze mwana ari mudumbu.

Stephanie, mumwe musikana aiva nepamuviri, uyo aifunga zvekubvisa pamuviri, akaratidzwa mufananidzo womwana aiva mudumbu make aiva nemwedzi miviri. Akati, “Ndakasvimha misodzi. Ndakafunga kuti: Nei ndiri kuda kuuraya mwana mupenyu?”

Mumwe musikana akabata pamuviri asina kuroorwa anonzi Denise, akanzwisisa kuti aiva nemunhu mupenyu mudumbu make. Mukomana wake paakamupa mari akati, “bvisa pamuviri,” iye akapindura kuti: “Kubvisa pamuviri? Handifi ndakaita zvakadaro!” Saka akaramba kuuraya mwana wake.

Kutya Vanhu Zvakunoita

Vaya vangafunga kubvisa pamuviri nokuti vanenge vamanikidzwa nevamwe, vangaratidza kuti vakachenjera nokufunga nezvechirevo ichi cheBhaibheri: “Kutya vamwe vanhu kunokupinza mumatambudziko, asi ukavimba naISHE, uchange wakachengeteka.”—Zvirevo 29:25, New Century Version.

Monica aiva nemakore 17 akapiwa pamuviri nemukomana wake paakanga ava kuda kutanga chikoro chebhizimisi. Amai vake avo vaiva chirikadzi ine vana vashanu, vakashaya zvokuita. Vaida kuti mwana wavo adzidzire basa kuitira kuti asazova murombo saivo. Vapererwa, vakasimbirira kuti abvise pamuviri. Monica akatsanangura kuti, “Chiremba paakandibvunza kana ndaida kubvisa pamuviri pacho, ndakamuudza kuti ‘Kwete!’”

Vavhiringwa nokuona ramangwana raMonica richiparara uye vachifunga nezvokunetsa kwokurera mumwe mwana, amai vake vakamudzinga pamba. Monica akanogara namaiguru vake. Papera mavhiki mashoma amai vake vakadzora mwoyo ndokumubvumira kuzosunungukira kumba. Amai vake vakamubatsira kutarisira rusvava rwake, Leon, uye vakazofarira chaizvo kakomana kacho.

Mumwe mudzimai anonzi Robin akakurudzirwa kwete nevoukama. Akati, “Pandakaita utachiona muitsvo, chiremba wangu akandirapa asina kutanga atarisa kuti ndaiva nepamuviri. Ndakaudzwa kuti paiva nemukana wakakura wokuti mwana aigona kuberekwa akakanganisika pfungwa.” Chiremba akabva amukurudzira kuti abvise pamuviri. Robin akarondedzera kuti, “Ndakamutsanangurira zvinotaurwa neBhaibheri nezveupenyu. Ndakamuudza kuti zvaisaita kuti ndibvise pamuviri.”

Kunyange zvazvo kuva nehanya kwachiremba kwainzwisisika, upenyu hwaRobin hwaisava pangozi zvakanyanya.a Robin akawedzera kuti, “Pakazvarwa mwanasikana wangu uye paakaongororwa, zvakaonekwa kuti aingova akakanganisika pfungwa zvishoma chete. Haana kunyanyokanganisika zvake. Iye zvino ava nemakore 15, uye ari kuramba achivandudzika pakuverenga. Ndinomuda chaizvo, uye ndinoonga Jehovha kakawanda pazuva.”

Ushamwari naMwari Hune Simba

Bhaibheri rinoti: “Jehovha anoshamwaridzana nevaya vanomutya.”—Pisarema 25:14, American Standard Version.

Chinoita kuti vakawanda varambe kubvisa pamuviri kufunga kuti Musiki wavo anoona sei nezvenyaya yacho. Vanonyanyokoshesa kuva neushamwari naMwari, uye kuita zvinomufadza. Izvi ndizvo zvakanyanyoita kuti Victoria ambotaurwa asabvisa pamuviri. Akati, “Ndaidavira zvakasimba kuti Jehovha ndiye anopa upenyu, uye ndaisava nekodzero yokuuraya upenyu hwacho.”

Victoria paakatanga kudzidza Bhaibheri nemwoyo wose, ushamwari hwake naMwari hwakasimba. Akati: “Kusarudza kwandakaita kuchengeta mwana wangu kwakaita kuti ndinzwe ndiri pedyo zvikuru naMwari uye kwakaita kuti ndide kumufadza pane zvose zvandinoita muupenyu hwangu. Pandainyengetera ndichikumbira kuti andibatsire, zvimwe zvinhu zvose zvakafamba zvakanaka.”

Kushamwaridzana naMwari, Iye anopa upenyu, kunoita kuti tinyanye kuremekedza upenyu hunenge huri mudumbu. (Pisarema 36:9) Uyewo, Mwari anopa “simba rinopfuura renguva dzose” kuti abatsire mukadzi nemhuri yake kukunda matambudziko anounzwa nepamuviri pasina kurongwa. (2 VaKorinde 4:7) Vaya vakaremekedza maonero anoita Mwari upenyu, pavanotarira shure vanonzwa sei nezvavakasarudza?

Havazvidembi

Vabereki ava havanetseki nokunzwa vaine mhosva kana kuti kuramba vachinzwa vakasuruvara uye vachifunga kuti vakarasikirwa. Nekufamba kwenguva, vakaona “chibereko chedumbu” somubayiro kwete kutukwa! (Pisarema 127:3) Connie ambotaurwa, akabvuma izvi pangopera maawa maviri abva kusununguka! Achifara zvokuti, akafonera waaishanda naye Kay ndokumuudza nezvokufara kwaaiita netarisiro yokurera kamwanasikana kake. Asingachabatiki nokufara, Connie akawedzera kuti: “Ndezvechokwadi kuti Mwari anokomborera vaya vanoita zvinomufadza.”

Nei kuita maererano nemaonero anoitwa upenyu naMwari kuchibatsira? Nokuti Mwari ndiye anopa upenyu, anotipa mitemo yake nezvaanoda zviri muBhaibheri “kuti zvi[ti]nakire.”—Dheuteronomio 10:13.

Maererano naVictoria naBill vataurwa patangira nyaya ino neyokutanga, chisarudzo chokusabvisa pamuviri ndicho chakachinja upenyu hwavo. Vanozvitsanangura vachiti: “Taishandisa madhiragi zvokuti, uye dai takaramba tichidaro tingadai takafa. Asi kuremekedza upenyu hwomwana wedu ainge asati aberekwa kwakaita kuti tisiye madhiragi kwava kufunga nezveupenyu hwedu. Takachinja tichibatsirwa neZvapupu zvaJehovha.”

Mwanakomana wavo Lance, iye zvino ava kuda kusvitsa makore 34 uye ave akaroora kwemakore anopfuura 12. Anotsangura kuti: “Kubva ndichiri muduku, vabereki vangu vakandidzidzisa kusarudza ndichishandisa Bhaibheri. Izvi zvakabatsira ini, mudzimai wangu nemwana wedu, zvokuti tinonzwa kuti taisagona kufara kupfuura zvatiri kuita.” Baba vake, pakutanga vaida kuti Victoria abvise pamuviri vakati, “Tinonzwa kutya kusingaiti patinoyeuka kuti takapotsa tauraya mwanakomana wedu watinoda.”

Fungawo nezvaMonica, uyo akaramba kubvisa pamuviri pasinei nokukurudzirwa naamai vake kuti adaro. Anoti, “Mavhiki maviri ndasununguka, ndakashanyirwa neZvapupu zvaJehovha uye ndakadzidza kuita kuti upenyu hwangu huenderane nemitemo yaMwari. Ndakabva ndatanga kudzidzisa mwanakomana wangu Leon kukosha kwokuteerera Mwari, uye nokufamba kwenguva akatanga kuda Jehovha kwazvo. Iye zvino Leon mushumiri anofambira weZvapupu zvaJehovha.”

Achifunga zvakaitwa naamai vake, Leon akati: “Kuziva kuti vaindida chaizvo zvokuti vakandirega ndiri mupenyu pasinei nokukurudzirwa kwavaiita, kwakaita kuti ndide kushandisa upenyu hwangu zvakanakisisa kuti ndiratidze kuonga kwangu Mwari nechipo ichi chinoshamisa.”

Vakawanda vava kunzwisisa maonero anoitwa upenyu naMwari havadembi chisarudzo chavakaita chokuchengetedza upenyu hwomwana wavava kuda chaizvo. Vanokwanisa kutaura vachifara chaizvo kuti, “Hatina kubvisa pamuviri!”

[Mashoko Omuzasi]

a Kana zvikaitika kuti panguva yokusununguka panofanira kusarudzwa kuti ndiyani anofanira kurarama amai kana kuti mwana, izvozvo zvinosiyirwa kune vaya vanofanira kusarudza. Zvisinei, kufambira mberi mune zvokurapa munyika dzakawanda kwakaita kuti izvi zvisawanzoitika.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kuona mufananidzo wemwana aiva mudumbu make aiva nemwedzi miviri kwakabatsira Stephanie kusarudza

(Mutsetse wakawedzerwa)

[Mufananidzo uri papeji 8]

Victoria naLance

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Victoria naBill iye zvino vaina Lance nemhuri yake

[Mufananidzo uri papeji 9]

Leon mwanakomana waMonica anoonga chaizvo kuti amai vake havana kubvisa pamuviri makore 36 akapfuura. Amai vacho vanoongawo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe