Vadzidzi Vari Parumananzombe Nechikoro
JENNIFER ane makore 17 aivawo pakati peshasha dzomukirasi make. Aiitawo zvimwe zvakawanda-wanda zvinoitwa vabuda mukirasi uye airemekedzwa nevadzidzisi uye vanopa vana vechikoro mazano. Asi paakanga asarirwa negore rimwe kuti apedze chikoro, akatanga kutemwa nomusoro zvisingaite uye kugara achingomira mwoyo. Anofunga kuti maawa akawanda aaipedza akangoti tsiki tsiki pabasa rechikoro achitadza kurara ndizvo zvakaita kuti arware.
Jennifer handiye oga ane dambudziko iri. Nhamba yevadzidzi vari parumananzombe inoita seiri kuwedzera, vamwe vacho vari kutsvaka rubatsiro kuna vanachiremba vepfungwa. Saka rimwe boka revadzidzisi vokuAmerica rakatanga chirongwa chokubatsira vadzidzi kuti vasanyanye kutambura muzvikoro.
Kana uri mudzidzi, zvichida uri kurwisana nedambudziko iri saJennifer. Uyewo kana uri mubereki, ungave uchiona mwana wako achitambura chaizvo kuti abudirire kuchikoro. Vadzidzi nevabereki vavo pane here kwavangawana mazano anonyatsobatsira?