RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 April pp. 26-28
  • Ndinofanira Kutsvaka Shamwari Dziri Nani Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kutsvaka Shamwari Dziri Nani Here?
  • Mukai!—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinoumba Ushamwari #1 Unhu Hunoyemurika
  • Chinoumba Ushamwari #2 Mitemo yomuBhaibheri
  • Chinoumba Ushamwari #3 Dzinokuvaka
  • Ndingava Sei Neshamwari Dzakanaka?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Shamwari Dzakanaka—Shamwari Dzakaipa
    Mukai!—2004
  • Sarudza Shamwari Nekuchenjera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kugutsa Chido Chedu Chokuva Neshamwari
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 April pp. 26-28

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Ndinofanira Kutsvaka Shamwari Dziri Nani Here?

“Kana ndakatsamwa, ndinoda munhu wokuudza manzwiro andinenge ndichiita. Kana ndakasurukirwa, ndinoda mumwe munhu anondinyaradza. Kana ndichifara, ndinoda mumwe munhu wokufara naye. Shamwari dzinokosha chaizvo kwandiri.”—Brittany.

ZVINONZI vana vadiki vanoda vokutamba navo, asi vanenge vayaruka vanoda shamwari. Chii chakasiyana?

Munhu wokutamba naye munhu waunopedza nguva uinaye.

Shamwari munhu anokoshesawo zvaunokoshesa.

Uyezve, Bhaibheri rinoti, “shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Tsananguro iyi inofanira kunge ichireva ushamwari hwakasimba kupfuura huya hwokungotamba mose!

Chokwadi: Sezvaunenge uchikura, unoda shamwari

(1) Dzine unhu hunoyemurika.

(2) Dzinorarama nemitemo yomuBhaibheri.

(3) Dzinokuvaka.

Mubvunzo: Ungaziva sei kana zviri pamusoro apa zviri izvo zvakaita shamwari dzako? Ngationgororei chimwe nechimwe cheizvi.

Chinoumba Ushamwari #1 Unhu Hunoyemurika

Zvaunofanira kuziva. Haasi munhu wose anozviidza shamwari anokwanisa kuva shamwari chaiyo. Bhaibheri rinototi “kune shamwari dzinongoda zvokuputsana.” (Zvirevo 18:24) Zvingaita sokuti kuwedzeredza. Asi chimbofunga izvi: Hauna kumboita here “shamwari” yaingoda kukushandisa chete? Kana kuti yaikuseura gotsi kana kuti kuparadzira makuhwa akaipa nezvako? Zvinhu zvakadai zvinoita kuti usavimba neshamwari.a Usambofa wakakanganwa kuti zviri nani kuva neshamwari dzakanaka dziri shoma pane kuva neshamwari dzakawanda asi dzakaipa!

Zvaungaita. Tsvaka shamwari dzine unhu hwakakodzera kutevedzera.

“Munhu wose anoyemura shamwari yangu Fiona. Ndinodawo kuyemurwa saizvozvo. Ndinoda kuva nounhu hwakaita sehwake. Ndizvo zvandinoyemura pachangu.”​—Yvette, ane makore 17.

Edza kuita izvi.

1. Verenga VaGaratiya 5:22, 23.

2. Zvibvunze kuti, ‘Shamwari dzangu dzine unhu hunoumba “chibereko chomudzimu” here?’

3. Nyora pasi apo mazita eshamwari dzako dzepamwoyo. Kumberi kwezita rimwe nerimwe, nyora unhu hunonyatsotsanangura munhu wacho.

Zita Unhu

․․․․․ ․․․․․

․․․․․ ․․․․․

․․․․․ ․․․․․

Kukuruma nzeve: Kana unhu hwakashata huri ihwo hunouya mupfungwa, zvingava zvakanaka kutsvaka shamwari dziri nani!

Chinoumba Ushamwari #2 Mitemo yomuBhaibheri

Zvaunofanira kuziva. Kana uchinyanya kuda shamwari unowanzowana shamwari dzakaipa. Bhaibheri rinoti: “Iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.” (Zvirevo 13:20) Shoko rokuti “mapenzi” harirevi vanhu vasina njere. Asi rinoreva vaya vanopira makotsi mazano anobatsira vorarama upenyu hwokushaya tsika—ndidzo shamwari dzisingakubatsiri!

Zvaungaita. Pane kungoshamwaridzana nomunhu wose wose, unofanira kusarudza. (Pisarema 26:4) Izvi hazvirevi kuti unofanira kuva norusarura. Papfungwa iyi, kusarudza kwaunofanira kuita kunoreva kuti unogona ‘kuona kusiyana kwomunhu akarurama nomunhu akaipa, kwouya anoshumira Mwari nouya asina kumushumira.’—Maraki 3:18.

Mwari haasaruri, asi haangobvumiri munhu wose wose kuti ‘ave mueni mutende rake.’ (Pisarema 15:1-5) Ndizvo zvaunogona kuitawo. Rarama uchitevedzera mitemo yaMwari, uye vamwe vanenge vachiedza kuitawo izvozvo vanogona kukuona. Pakupedzisira, vanotova shamwari chaidzo!

“Ndinotenda vabereki vangu nokuti vakandibatsira kuti ndiwane shamwari dzezera rangu dzinorarama nemitemo yaMwari.”—Christopher, ane makore 13.

Edza kuita izvi.

Pindura mibvunzo inotevera:

◼ Pandinenge ndiine shamwari dzangu, ndinogara ndichityira here kuti dzichandifurira kuita zvinhu zvandinoziva kuti zvakaipa?

□ Hungu □ Kwete

◼ Ndinongotsika-tsika kusuma shamwari dzangu kuvabereki vangu here, ndichityira kuti vangazoti dzakaipa?

□ Hungu □ Kwete

Kukuruma nzeve: Kana wapindura kuti hungu kumibvunzo iyi, tsvaka shamwari dzine tsika dziri nani. Wadii kutanga kutsvaka dzakati kurei kukupfuura uye dziri vaKristu vane muenzaniso wakanaka?

Chinoumba Ushamwari #3 Dzinokuvaka

Zvaunofanira kuziva. Bhaibheri rinoti: “Kushamwaridzana nevanhu vakaipa kunoodza tsika dzakanaka dzomunhu.” (1 VaKorinde 15:33, Bhaibheri Rinoera) Mumwe musikana wechiduku anonzi Lauren anoti: “Vandaidzidza navo vaibvuma kushamwaridzana neni chete pandaiita zvavaindiudza. Ndainzwa kusurukirwa, saka ndakasarudza kuita zvavaiita kuti vasandisiya.” Lauren akaona kuti paunotevedzera zvinodiwa nevamwe kuti ungofanana navo, unogona kuita sechidhori chavanofambisa-fambisa pamutambo wechesi, vanoita zvavanoda newe. Haufaniri kunzarwo!

Zvaungaita. Siyana nevaya vanokumanikidza kuti uchinje worarama uchiita zvavanoita. Kana ukadaro, hauzozvidembi uye uchazvipa mukana wokuti uwane shamwari dziri nani​—dziya dzichakuvaka.​—VaRoma 12:2.

“Shamwari yangu yepamwoyo, Clint akadzikamira uye ane tsitsi, izvi zvakaita kuti andikurudzire zvikuru.”​—Jason, ane makore 21.

Edza kuita izvi.

Zvibvunze mibvunzo inotevera:

◼ Ndinochinja here zvandinopfeka, matauriro angu kana kuti maitiro angu kuitira kufadza shamwari dzangu?

□ Hungu □ Kwete

◼ Ndinozviwana ndaenda kunzvimbo dzinomutsa mubvunzo dzandaisazoenda kana shamwari dzangu dzisipo here?

□ Hungu □ Kwete

Kukuruma nzeve: Kana wapindura kuti hungu kumibvunzo iyi, tsvaka mazano kuvabereki vako kana mumwe munhu akura. Kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, unogona kutaura nomukuru wechiKristu womuudza kuti unoda kubatsirwa pakusarudza shamwari dzinokuvaka.

Dzimwe nyaya dzinoti, “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti www.watchtower.org/ype

[Mashoko Omuzasi]

a Ichokwadi kuti munhu wose anokanganisa. (VaRoma 3:23) Saka kana shamwari ikakurwadzisa asi ikaratidza nomwoyo wose kuti haizozvipamhidzi, yeuka kuti “rudo runofukidza zvivi zvizhinji.”—1 Petro 4:8.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO

◼ Unhu hupi hwaunoti ndihwo hunonyanyokosha pashamwari, uye nei?

◼ Unhu hupi hwaunofanira kuva nahwo kuti uve shamwari yakanaka?

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 27]

VEZERA RAKO VANOTI

“Vabereki vangu pavakandirambidza kushamwaridzana nerimwe boka reshamwari, ndakafunga kuti ndivo chete vandaida kushamwaridzana navo. Zano revabereki vangu rakanga rakanaka, uye pandakanyatsofungisisa nezvaro, ndakaona kuti kwaiva neshamwari dzakawanda dziri nani.”—Cole.

“Kuita ushumiri hwechiKristu kunonyatsondibatsira kuziva vanhu vari muungano. Ndipo pandinosangana nevanhu vakasiyana-siyana, vose vakuru nevaduku. Uye ndinopedza nguva ndiine vanhu vanoda Jehovha.”—Yvette.

“Ndakanyengeterera kuti ndiwane shamwari, asi ndakazoona kuti hapana zvandaiita kuti ndidziwane. Saka ndakatanga kutaura nevamwe pamisangano yechiKristu. Pasina nguva ndakanga ndava neshamwari itsva dzakawanda. Iye zvino handichambosurukirwi.”—Sam.

[Bhokisi riri papeji 28]

EDZA KUITA IZVI

Taura nevabereki vako nezvoushamwari. Vabvunze nezvorudzi rweshamwari dzavaiva nadzo pavaiva pazera rako. Vanozvidemba here pamusana peshamwari dzavakasarudza? Kana zvakadaro, nei vachizvidemba? Vabvunze kuti ungaita sei kuti usazosangana nezvinetso zvavakasangana nazvo.

Ita kuti vabereki vako vazive shamwari dzako. Kana uchizeza kudaro, zvibvunze kuti, ‘Nei ndichidaro?’ Pane here zvinoitwa neshamwari dzako zvaunoziva kuti vabereki vako havazvibvumiri? Kana zvakadaro, unofanira kunyatsongwarira pakusarudza shamwari dzako.

[Bhokisi riri papeji 28]

NZIRA NHATU DZOKUCHENGETEDZA SHAMWARI DZAKANAKA

◼ Iva muteereri akanaka. Ratidza kuti une hanya nokugara zvakanaka uye nezvinenge zvichinetsa shamwari dzako.—VaFiripi 2:4.

◼ Kanganwira. Usatarisira kuti shamwa- ri yako ichagona zvose. “Tose tinokanganisa kazhinji.”—Jakobho 3:2.

◼ Vapewo Nguva. Haufaniri kubva wangoramba wakati kwati-kwati navo. Shamwari chaidzo dzinenge dziripo panguva yaunenge uchidzida.—Muparidzi 4:9, 10.

[Mufananidzo uri papeji 26, 27]

Paunotevedzera zvinodiwa nevamwe kuti ungofanana navo, unogona kuita sechidhori chavanofambisa-fambisa pamutambo wechesi, vanoita zvavanoda newe

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe