RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 January pp. 12-15
  • Kurarama Munguva Yokuchinja Kukuru muKorea

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurarama Munguva Yokuchinja Kukuru muKorea
  • Mukai!—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Upenyu Hwangu Ndichiri Muduku
  • Upenyu Munguva Yehondo yekuKorea
  • Kusarudza Kufa Kana Kuti Kurarama
  • Vane Zviuru Vanoramba Vakaperera Kuna Mwari
  • Kufunga Nezvokuchinja Kwakaitika
  • Ndakaona Boka raMwari Richiwedzera muKorea
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Ndakazowana Rusununguko Rwechokwadi!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Chavanoendera Kuchechi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Mukai!—2009
g09 January pp. 12-15

Kurarama Munguva Yokuchinja Kukuru muKorea

Yakataurwa naChong-il Park

“Gwara! Uri kutya kufira kuhondo. Uri kuda kuramba kuenda kuhondo uchihwanda nechechi yako.” Ndiko kupomerwa kwandakaitwa nakaputeni weCounter Intelligence Corps (CIC) pandakanga ndakamira pamberi pake muna June 1953, anodarika makore 55 akapfuura.

IZVI zvakaitika munguva yeHondo yeKorea. Kaputeni wacho akabva abudisa vhorovhoro ndokuigadzika padhesiki rake. Akati, “Iye zvino uchafira pano pane kufira muhondo. Unoda kuchinja mafungiro ako here?”

Ndakapindura zvakasimba kuti, “kwete.” Zvadaro kaputeni wacho akabva arayira mumwe mukuru mukuru kuti agadzirire kuti ndiurayiwe.

Zvinhu zvakasvika pakudai nokuti ndakanga ndanzi ndiende kuhondo ndikaramba. Pataiva takamirira, ndakatsanangurira kaputeni wacho kuti ndakanga ndatotsaurira upenyu hwangu kuna Mwari, saka ndaitenda kuti zvaisaita kuti ndishandise upenyu hwacho nokuda kwechimwe chinhu chero chipi zvacho kunze kwokushumira Mwari. Takapedza kanguva takati zii. Pasina nguva mukuru mukuru wacho akadzoka ndokuti akanga apedza kugadzirira kuti ndiurayiwe.

Panguva iyoyo vanhu vakawanda vomuSouth Korea vaingoziva zvishoma kana kuti vaisatoziva nezveZvapupu zvaJehovha. Uye vaisatomboziva nezvokurambira kwedu hurumende chero ipi zvayo kuita zvehondo pamusana pehana. Ndisati ndatsanangura zvakazoitika, regai ndikuudzei zvakaita kuti ndisvike pakusarudza zvandakaudza kaputeni wacho.

Upenyu Hwangu Ndichiri Muduku

Ndakazvarwa muna October 1930. Ndini ndaiva mwanakomana wokutanga weimwe mhuri yaiva mune rimwe taundi riri pedyo neSeoul, raiva guta guru reKorea panguva iyoyo. Sekuru vangu vaiva mudzidzi akazvipira waConfucius uye vakandidzidzisa kuti ndiitewo saizvozvo. Vaisada kuti ndiende kuchikoro, saka handina kupinda chikoro kutozosvikira vafa, ndava nemakore gumi. Muna 1941, Japan neUnited States dzakapindira muHondo Yenyika II dziri mumativi akasiyana.

Panguva iyoyo Korea yakanga ichitongwa neJapan, saka mangwanani oga oga isu vana vechikoro taifanira kuita zvairatidza kukudza mambo weJapan. Tete vangu nomurume wavo vakanga vava Zvapupu zvaJehovha uye vakaiswa mujeri muKorea munguva yeHondo Yenyika II nokuti vakaramba kutsigira hondo nokuda kwokutenda kwavo. Zvimwe Zvapupu zvakafa kusanganisira murume watete vangu nemhaka yokuti vaiitirwa utsinye nevanhu vokuJapan. Pava paye takazogara natete.

Korea yakawana rusununguko kubva pakutongwa neJapan muna 1945. Ndakatanga kunyatsodzidza Bhaibheri ndichibatsirwa natete vangu nezvimwe Zvapupu zvakanga zvisina kufira mujeri. Ndakazobhabhatidzwa muna 1947 ndikava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Muna August 1949, Don naEarlene Steele, mamishinari akadzidziswa kuChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi akasvika muSeoul. Ava ndivo vaiva vokutanga kuendeswa kuKorea. Vamwe vakazovatevera kwapera mwedzi yakati.

Pana January 1, 1950, ini nevamwe vatatu vokuKorea takava mapiyona, zita rinoshandisirwa vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha. Hondo Yenyika II yapera, tisu takatanga kuva mapiyona muKorea.

Upenyu Munguva Yehondo yekuKorea

Kwapera nguva pfupi, North Korea neSouth Korea dzakatanga kurwisana uri musi weSvondo, June 25, 1950. Panguva iyoyo, muKorea yose maingova neungano imwe chete yeZvapupu. Yaiva muSeoul uye yaiva nevanhu 61. Vamiririri veUnited States vakati mamishinari ose abude munyika yacho kuti azvidzivirire. Zvapupu zvakawanda zvomunzvimbomo zvakabva muSeoul zvikapararira kumaodzanyemba kwenyika yacho.

Zvisinei, hurumende yeSouth Korea yakarambidza majaya aiva akaita seni, aikwanisa kuenda kuhondo, kuti abve muSeoul. Mauto evaKomonisiti akabva apinda muguta, uye Seoul yakatanga kutongwa nemauto acho. Kunyange panguva iyoyo pandaihwanda mukamba kaduku kwemwedzi mitatu, ndaiparidzira vanhu nezvoUmambo hwaMwari. Somuenzaniso, ndakasangana nomumwe mudzidzisi aihwandawo vaKomonisiti. Akapedzisira ava kugara neni, uye ndaidzidza naye Bhaibheri zuva roga roga. Papera nguva yakati, akazobhabhatidzwa, akava mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Vakuru vakuru vevaKomonisiti vokuNorth Korea vakazowana pataihwanda. Takavaudza kuti taiva vadzidzi veBhaibheri, tikavatsanangurira zvinodzidziswa neBhaibheri nezvoUmambo hwaMwari. Zvakatishamisa ndezvokuti havana kutisunga, asi vakatofarira zvinotaurwa neBhaibheri. Vamwe vavo vakatodzoka kakati kuti vachida kunzwa zvimwe nezvoUmambo hwaMwari. Izvi zvakasimbisa kutenda kwedu kwokuti Jehovha anodzivirira.

Mauto eUnited Nations atangazve kutonga Seoul, ndakapiwa mvumo yaisapiwa-piwa vanhu yokuti ndiende kuguta reTaegu muna March 1951. Ikoko ndakaparidzira nezvimwe Zvapupu kwemwedzi yakati kuti. Muna November 1951, hondo isati yapera, Don Steele akabva adzoka kuKorea.

Ndakamubatsira kurongazve basa redu rokuparidzira. Nharireyomurindi, pamwe neInformant, izvo zvaipa Zvapupu mirayiridzo yebasa rokuparidzira, zvaifanira kushandurirwa muKorean, zvotaipwa, uye zvodhindwa. Izvi zvaizotumirwa kuungano dzaiva mumaguta akasiyana-siyana panguva iyoyo. Pano neapo, ini naDon taifamba pamwe chete, tichishanyira ungano kuti tidzikurudzire.

Muna January 1953, ndakafara chaizvo pandakagamuchira tsamba yaindikoka kuChikoro cheGiriyedhi chiri muNew York kuti ndinodzidziswa kuva mumishinari. Asi shure kwokunge ndabhukirwa ndege, ndakawana tsamba yaibva kuhofisi yehurumende yeKorea, yaida kuti ndiende kuhondo.

Kusarudza Kufa Kana Kuti Kurarama

Ndava kwainyorwa vaiendeswa kuhondo, ndakatsanangurira mumwe mukuru mukuru kuti ndaisava nedivi randaitsigira uye kuti zvaisaita kuti ndiende kuhondo. Akabva andiendesa kuCIC kuti vanoona kana ndaiva muKomonisiti. Ndipo pandaifanira kusarudza kufa kana kuti kurarama sezvataurwa kwokutanga. Pane kuti andipfure, kaputeni wacho akabva angoti kwanyanu, akapa mumwe mukuru mukuru chimuti, akamurayira kuti andirove. Kunyange zvazvo zvairwadza zvisingatauriki, ndakafara kuti ndakatsungirira.

CIC yakandidzosera kwainyorwa vaiendeswa kuhondo. Vakuru vakuru veko havana kuva nehanya nezvandaitenda, ndokungondipa nhamba yokushandisa kuhondo. Vakandiendesa kwaidzidziswa hondo kuchitsuwa cheCheju, pedyo neKorea. Mangwanani akatevera, vatsva vose kusanganisira ini, takanzi taifanira kuita mhiko kuti tive varwi. Ndakaramba kuita izvozvo. Saka ndakatongwa nedare remauto, ndikanzi ndinopika jeri kwemakore matatu.

Vane Zviuru Vanoramba Vakaperera Kuna Mwari

Zuva randaifanira kusimuka ndichienda kunodzidziswa kuti ndive mumishinari, ndakaona ndege ichipfuura nepamusoro pedu. Ndiyo ndege yandaifanira kuenda nayo. Pane kugumbuka kuti ndaisakwanisa kuenda kuGiriyedhi, ndaigutsikana chaizvo kuti ndairamba ndakaperera kuna Jehovha. Uye handisini ndoga Chapupu chokuKorea chakaramba kuenda kuhondo. Kune zvimwe Zvapupu zvinopfuura 13 000 zvakaitawo saizvozvo mumakore akazotevera. Kana makore avo ose avakapika jeri muKorea akabatanidzwa, anosvika 26- 000.

Ndapedza makore maviri omutongo wangu wemakore matatu ndiri mujeri, ndakazosunungurwa muna 1955 nokuti ndaizvibata. Ndakatangazve ushumiri hwenguva yakazara. Papera nguva, muna October 1956, ndakakumbirwa kuti ndinoshanda pamahofisi eZvapupu zvaJehovha muSouth Korea. Muna 1958, ndakabva ndakokwazve kuGiriyedhi. Ndapedza kudzidza, ndakadzoserwa kuKorea.

Kwapera nguva yakati ndadzokera kuKorea, ndakaonana naIn-hyun Sung, chapupu chakanga chakatendeka, uye takaroorana muna May 1962. Akanga akurira mumhuri yevaBhudha uye mumwe aiva mukirasi yake kuchikoro ndiye akaita kuti azive nezveZvapupu. Kwemakore matatu taroorana, taishanyira ungano imwe chete pavhiki nechinangwa chokusimbisa nhengo dzayo pakunamata. Kubvira muna 1965 tave tichishanda pabazi reZvapupu. Iye zvino bazi iri riri kure neSeoul nemakiromita 60.

Kufunga Nezvokuchinja Kwakaitika

Pandinofunga zvakaitika shure, ndinoshamiswa nokuchinja kwakaitika munyika ino. South Korea yakasiyiwa yava ungwandangwanda nehondo yenyika yechipiri uye kurwisana neNorth Korea. Maguta nemigwagwa zvakanga zvaparara. Magetsi aiwanika pano neapo uye kudziyisa mudzimba kwaitonetsa. Mamiriro ezvoupfumi akanga akaipa chaizvo. Mumakore 50 akazotevera, zvinhu muSouth Korea zvakazonaka zvinoshamisa.

Iye zvino, South Korea ndeimwe yenyika 11 dzine mamiriro ezvoupfumi akanaka chaizvo munyika yose. Inozivikanwa pamusana pemaguta ayo emazuva ano, zvitima zvinomhanya chaizvo, midziyo inoshandisa magetsi, uye unyanzvi hwokugadzira motokari. Iye zvino South Korea inyika yechishanu pane dzinonyanya kugadzira motokari munyika yose. Asi chinonyanya kukosha kwandiri kufambira mberi kwakaitika panyaya dzekodzero dzevanhu vomuSouth Korea.

Pandakatongwa nedare remauto muna 1953, hurumende yeKorea yaisanzwisisa chikonzero chaiita kuti vamwe varambe kuenda kuhondo pamusana pehana. Vamwe vedu takapomerwa kuti taiva vaKomonisiti, uye zvimwe Zvapupu zvishomanana zvakarohwa kusvika zvafa. Vakawanda vakaiswa mujeri pamusana pehana dzavo dzaivarambidza kuenda kuhondo pavaiva vaduku, vakaonawo vana vavo, uye kunyange vazukuru vavo vachienda kujeri nechikonzero ichochowo.

Mumakore akati apfuura, zvinobudisa nhau zvakazivisa zvakanaka chaizvo nyaya dzine chokuita nehana, dzokuramba kweZvapupu zvaJehovha kuita zvehondo munyika chero ipi zvayo. Rimwe gweta rakapomera Chapupu chairamba kuenda kuhondo pamusana pehana, rakanyora tsamba yakaverengwa nevanhu vose yokukumbira ruregerero rwezvarakanga raita. Tsamba yacho yakabudiswa mumagazini yaizivikanwa zvikuru.

Ndinovimba kuti kodzero yedu yokuita zvinodiwa nehana icharemekedzwa muSouth Korea sezvazviri mune dzimwe nyika dzakawanda. Ndinonyengetera kuti vane masimba vomuSouth Korea vachabvuma zvido zvevanhu vane zvavanotenda zvakaita sezvangu vorega tsika yokuendesa kujeri vaduku vanorambidzwa kuenda kuhondo nehana dzavo, “kuti tirambe tichirarama upenyu hwakadzikama nohwakanyarara.”—1 Timoti 2:1, 2.

Sevashumiri vaMwari wedu, Jehovha, tinokoshesa mukana wokutsigira kodzero yake yokuva Mutongi wedu. (Mabasa 5:29) Chido chedu chomwoyo wose ndechokuita kuti mwoyo wake ufare pamusana pokutendeka kwedu kwaari. (Zvirevo 27:11) Ndinofara kuti ndiri mumwe wemamiriyoni akasarudza ‘kuvimba naJehovha nomwoyo wose, tisingavimbi nokunzwisisa kwedu.’—Zvirevo 3:5, 6.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

“Zvakatishamisa ndezvokuti havana kutisunga, asi vakatofarira zvinotaurwa neBhaibheri”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

Zvapupu zvokuKorea zvakapedza makore 26 000 zviri mujeri pamusana pokuramba kuenda kuhondo

[Mufananidzo uri papeji 12]

Ndiri mujeri remauto muna 1953

[Mufananidzo uri papeji 15]

Ndichishanyira ungano naDon Steele munguva yehondo muna 1952

[Mufananidzo uri papeji 15]

Tisati tachata muna 1961

[Mufananidzo uri papeji 15]

Pandaibatsira kuturikirira mutariri anofambira muna 1956

[Mufananidzo uri papeji 15]

NaIn-hyun Sung iye zvino

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe