RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 January pp. 16-17
  • Mwari Akamboita Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Akamboita Sei?
  • Mukai!—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Achitsanangurwa Somunhu?
  • Mwari Murume Here Kana Kuti Mukadzi?
  • Unhu Hunonyanya Kukosha hwaMwari
  • Kushandura Hunhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Ungaita Sei Kuti Uve Pedyo naMwari?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Chokwadi nezvaJehovha naJesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
  • Munhu Anogona Sei Kuva Mumufananidzo waMwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 January pp. 16-17

Zvinotaura Bhaibheri

Mwari Akamboita Sei?

BHAIBHERI rinotsanangura kuti, “Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.” Mashoko aya anotiudza chokwadi chinokosha, chezvakaita Mwari, kuti iye mudzimu! (Johani 4:19-24) Kunyange zvakadaro, anotsanangurwa muBhaibheri somunhu. Zita rake ndiJehovha.—Pisarema 83:18.

Vamwe vaverengi veBhaibheri vakataura kuvhiringidzika kwavanoita nenyaya iyi. Kana Mwari ari mudzimu usingaoneki, asiri wenyama, nei ndima dzakawanda dzeBhaibheri dzichitaura nezvake seane maziso, nzeve, mhuno, mwoyo, maoko, minwe, uye tsoka?a Vamwe vangafunga kuti Mwari ane muviri wakaita sowomunhu nokuti Bhaibheri rinotaura kuti munhu akasikwa nomufananidzo wake. Kunyatsoongorora zvinotaura Bhaibheri kunobatsira kupedza kuvhiringidzika ikoko.—Genesisi 1:26.

Nei Achitsanangurwa Somunhu?

Vanyori veBhaibheri vakafuridzirwa naMwari kuti vanyore nezveWemasimbaose vachimutsanangura somunhu, kuti vabatsire vanhu kunzwisisa zvaari. Kumutsanangura saizvozvo kunoratidza kukundikana kwomutauro wevanhu kutsanangura Mwari wechokwadi Jehovha. Izvi hazvirevi kuti tinofanira kushandisa mashoko aya sokuti Mwari ndozvaari chaizvo. Kungofananawo neBhaibheri parinotaura kuti Mwari “iDombo,” “izuva,” kana kuti “nhoo.”—Dheuteronomio 32:4; Pisarema 84:11.

Saizvozvowo, Bhaibheri rinoti munhu akasikwa nomufananidzo waMwari, kuti ripe pfungwa yokuti munhu ane unhu hwakati fananei nounhu hwaJehovha hwakakwana. Zviri pachena kuti parinodaro hazvirevi kuti vanhu midzimu kana kuti Mwari akaita sevanhu.

Mwari Murume Here Kana Kuti Mukadzi?

Kutsanangurwa kunoitwa Mwari sokunge kuti akaita somunhu zvakusingarevi kuti ndizvo zvaakaita chaizvo, saizvozvo kushandiswa kwemashoko anoratidza kuti murume hakureviwo kuti ndizvo zvazviri chaizvo. Mashoko anoratidza kuti chinhu chirume kana kuti chikadzi anoshandisirwa zvinhu zvakasikwa. Iye paanonzi murume, rinongovawo zvaro shoko rinoshandiswa pakutaura kwevanhu asi richikundikana kunyatsoratidza zvakaita Mwari Wemasimbaose, Jehovha.

Kushandisa kunoita Bhaibheri shoko rokuti “Baba” kunotibatsira kunzwisisa kuti Musiki wedu anganzi akaita sababa vane rudo, vanodzivirira uye vane hanya. (Mateu 6:9) Izvi hazvirevi kuti tinofanira kufunga kuti Mwari, kana kuti zvimwe zvisikwa zvomudzimu zviri kudenga varume kana kuti vakadzi. Izvo hazvinganzi varume kana kuti vakadzi. Zvinofadza kuti Bhaibheri rinoratidza kuti vaya vanodanwa kuti vanova pamwe naKristu muUmambo hwake hwokudenga havatarisiri kuti varambe vachinzi vakadzi kana kuti varume pavanokwidziridzwa kuva vanakomana vomudzimu vaMwari. Muapostora Pauro akavayeuchidza kuti pavanokwidziridzwa kuva vanakomana vomudzimu vaMwari, ‘panenge pasina munhurume kana munhukadzi.’ Vanofananidzwawo no“mwenga” weGwayana, Jesu Kristu. Zvose izvi zvinoratidza kuti Mwari pamwe noMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, Jesu, uye zvimwe zvisikwa zvomudzimu, pavanotsanangurwa sevanhu, hazvifaniri kutorwa sezvazviri chaizvo.—VaGaratiya 3:26, 28; Zvakazarurwa 21:9; 1 Johani 3:1, 2.

Vanyori veBhaibheri vakashandisira Mwari mashoko anoratidza kuti murume nokuti vainzwisisa zvakarurama basa romunhurume. Vaiziva kuti kana murume achiita maererano nezvinodiwa naMwari, anoratidza zvakakodzera rudo rwaJehovha nehanya zvaanazvo kuvana vake vari panyika.—Maraki 3:17; Mateu 5:45; Ruka 11:11-13.

Unhu Hunonyanya Kukosha hwaMwari

Kunyange zvazvo Changamire mukurusa ari mudzimu, haazvitutumadzi, haasi uya asinganzwisisiki, kana kuti asingakurukuri nevamwe. Kuva kwake mudzimu hakuiti kuti vanhu vane mwoyo yakarurama vatadze kudzidza nezvake, nezvorudo rwake, simba rake, uchenjeri hwake uye kururamisira kwake. Izvi zvinoratidzawo zvaari chaizvo uye zvinooneka muzvinhu zvakasikwa.—VaRoma 1:19-21.

Kunyange zvakadaro, Mwari zvaari chaizvo zvinotaurwa zvose nounhu hwake hunonyanya kukosha hworudo. Rudo rwake rukuru chaizvo zvokuti anonzi ndiye rudo rwacho. (1 Johani 4:8) Unhu uhu hunosanganisira zvimwe zvose zvinoratidza zvaari, zvakadai sengoni, kukanganwira, uye mwoyo murefu. (Eksodho 34:6; Pisarema 103:8-14; Isaya 55:7; VaRoma 5:8) Zvechokwadi Jehovha ndiMwari worudo anokoka vanhu kuti vaswedere pedyo naye.—Johani 4:23.

[Mashoko Omuzasi]

a Somuenzaniso ona, Genesisi 8:21; Eksodho 3:20; 15:8; 31:18; Jobho 40:9; Pisarema 10:17; 18:9; 34:15; Zvirevo 27:11; Ezekieri 8:17; Zekariya 14:4; Ruka 11:20; Johani 12:38; VaRoma 10:21; uye VaHebheru 4:13.

WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?

◼ Mwari anonzi ani?—Pisarema 83:18.

◼ Ndokupi kwatingaona kuratidzwa kwounhu hwaMwari?—VaRoma 1:19-21.

◼ Unhu hwaMwari hunonyanya kukosha ndohupi?—1 Johani 4:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe