Zvinotaura Bhaibheri
Nei Usingafaniri Kuita Zvemidzimu?
MUNE imwe nyika kuAsia, vanhu vari pabira vanopemberera vachikudza midzimu. Mhemberero iyi inotanga kunyatsotsviriridza panosarudzwa vakadzi vaviri kuti vasvikirwe. Vanopindurudza maziso avo, vobva vatanga kugwinha-gwinha sevabatwa nemagetsi.
KuPuerto Rico, svikiro (santero) rinoita bira rekutaura nemudzimu wemabhanan’ana, mwari anonzi Changó. Svikiro rinotaura zvariri kuona, uye vose vari mumba imomo vanotanga kugwinha-gwinha sevasvikirwa.
Kuita zvemidzimu kwakajairika munyika dzakawanda. Vanhu vakawanda vava kutenda kuti kune masimba asingaoneki anobatsira, uye vanhu vari kuwedzera kuzvifarira. Mabhuku, mitambo, terevhizheni, mafirimu anoratidza zvechidhimoni, uroyi, uye kutenda mashura zvapambira nyika yose.
Zvisinei, Bhaibheri rinotidzidzisa kuti kuita chero kanhu kemashiripiti kutoita zvemidzimu. Kuita zvemidzimu harisi dambe, kana kungonakidzwawo zvako. Hakusi kungoda kuziva. Kunotova kutaurirana nemadhimoni, ngirozi dzakaipa dzakapandukira Mwari.—Zvakazarurwa 12:9, 12.
Kutaura zvazviri, zvinoitwa nevanobata hove kushandisa hwambo, ndizvo zvinoitwawo nemadhimoni achishandisa kuita zvemidzimu. Mubati wehove anoshandisa hwambo hwakasiyana-siyana kuti abate hove dzemarudzi akasiyana-siyana. Ndizvo zvinoitawo madhimoni, anoshandisawo kuita zvemidzimu kwakasiyana-siyana kuti vanhu vose vaite zvido zvawo. Mutungamiriri wemadhimoni anonzi ndiye “mwari wemamiriro ezvinhu [akaipa] epanguva ino.” Anogona chaizvo kupofumadza pfungwa dzevasingatendi kuti vatadze kuona chokwadi chiri muShoko raMwari uye chinangwa chake.—2 VaKorinde 4:4.
Kwazvinokusvitsa
Chinangwa chemidzimu yakaipa ndeichi: Inoda kutitsausa uye kuti tisava neukama neMusiki wedu. Inofurira vanhu kuti vasateerere mitemo yaMwari yakarurama, vachiziva kana kuti vasingazive. Nokudaro, kuita zvemidzimu kunoita kuti tirambwe naMwari, tisave netariro, uye tozoparadzwa.—Zvakazarurwa 21:8.
Luis, wekuPuerto Rico anoti: “Kubvira ndichiri mwana, mhuri yedu yaiita zvemidzimu. Kwaiva chitendero chedu nemararamiro edu. Ndaifunga kuti kukwanisa kwandaiita kufanoziva remangwana nekufembera ndichishandisa matarot cards zvinhu zvakangogara zviriko. Kakawanda ndaifembera nhamba dzerotari ndobatsira vanhu kuhwina mari. Mabasa aya aiita seunyanzvi aingova mabasa ekunditadzisa kuwana ruzivo ruri muBhaibheri nokuva neukama naMwari.”—Johani 17:3.
Vakawanda vangafunga kuti kuita zvemidzimu hakukuvadzi asi kunotobatsira. Vangataura kuti kune zvipoko zvinobatsira kana kuti vangataura kuti kuita zvemidzimu kungaita kuti uwane rumwe ruzivo, upfumi, kana kuti mafaro. Hapana nhema dzinopfuura idzi. Luis anoti, “Unozviwana nemuseredzera chete.”
Mumwe mukomana anonzi Chad akatanga kuona zvaityisa nekuvhumuka usiku pose paairara. Anoti, “Madhimoni akatanga kundifurufusha nekunditambudza usiku hwega hwega.” Tingadzivirirwa sei pana izvozvo?
Kudzivirirwa Kwatinoitwa
Kuti tizvidzivirire tinofanira kusiyana nezvinhu zvose zvine chekuita nemidzimu. (VaGaratiya 5:19-21) Ndosaka Jehovha Mwari achirayira vashumiri vake kuti vasiyane nemiitiro inotevera: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu . . . anoshopera, anoita zvemashiripiti kana munhu anotenda mashura kana muroyi, kana munhu anotsinga vamwe nezvitsinga, kana anobvunza svikiro, kana vafemberi, kana anobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanosemesa Jehovha.”—Dheuteronomio 18:10-12.
Maererano nemashoko aya, vakawanda vakatora matanho okuzvidzivirira vachirasa mabhuku nezvimwe zvinhu zvine chekuita nemidzimu. Ken uyo akasiyana nekuita zvemidzimu, anoti, “Ndakabvujunura zvinhu zvangu zvose ndichibva ndaparadza zvose zvandaifunga kuti zvine chekuita nemidzimu.”—Ona Mabasa 19:19, 20.
Kuva neukama hwakanaka naMwari wechokwadi, Jehovha, ndiko kuzvidzivirira kunokunda zvose. Ona zvingaitwa zvinotaurwa pana Jakobho 4:7, 8: “Zviisei pasi paMwari; asi rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai. Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi. Chenesai maoko enyu, imi vatadzi, munatse mwoyo yenyu, imi mune mwoyo miviri.”
Jehovha Mwari anodzidzisa uye anodzivirira vose vanoswedera pedyo naye. Ivava ‘vanoziva mazano aSatani’ uye havanyengedzwi nezvinhu zvenhema. (2 VaKorinde 2:11; 11:14) Uyewo, Jehovha ane masimba ose. Tikadana kwaari tiine kutenda, anotisunungura kuti tirege kufurufushwa nemidzimu yakaipa. Chad ambotaura, anoti, “Kuziva kuti madhimoni ndiwo aindirwisa uye kudana kuna Jehovha Mwari kuti andidzivirire kwakaita kuti madhimoni andirege.”—Pisarema 91:1, 2.
Zviri pachena kuti vakarurama vari kufara kuti Mwari ari kuvadzivirira uye vanoziva kuti pasina nguva yakareba madhimoni nevose vanofurirwa nawo vachaparadzwa. Fungidzira kufara nerunyararo zvichava pasi pano vanhu vasisaoneswi nhamo nemidzimu yakaipa!—Isaya 11:9; Zvakazarurwa 22:15.
WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?
◼ VaKristu vanofanira kusiyana nemaitiro api ane chekuita nemidzimu?—Dheuteronomio 18:10-12; Zvakazarurwa 21:8.
◼ Ndiani anokurudzira kuita zvemidzimu?—2 VaKorinde 2:11; 11:14; Zvakazarurwa 12:9, 12.
◼ Tingazvidzivirira sei kumidzimu yakaipa?—Jakobho 4:7, 8.
[Mufananidzo uri papeji 11]
Kutaura zvazviri, zvinoitwa nevanobata hove kushandisa hwambo, ndizvo zvinoitwawo nemadhimoni achishandisa kuita zvemidzimu