RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 October pp. 6-9
  • Kuvaka Imba Yako Kuti Ibudirire

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuvaka Imba Yako Kuti Ibudirire
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Shingirira Kuti Ubudirire
  • “Kuroorana Ngakukudzwe”
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Muchato Wenyu Unogona Kununurwa!
    Mukai!—2001
  • Upenyu Pashure Pezuva Remuchato
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Zvamungaita Kuti Wanano yechiKristu Ibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 October pp. 6-9

Kuvaka Imba Yako Kuti Ibudirire

IMBA ingafananidzwa nerwendo rurefu rwaunosangana nezvawanga usingafungire, zvimwe zvinonakidza, zvimwe zvisinganakidze. “Makoronga” awanga usina kutarisira angakanganisa rwendo rwacho, mamwe acho achiita sekuti haugoni kuadarika. Zvisinei, vanhu vakawanda vanobudirira uye vanofara kufamba rwendo urwu vachisangana nematambudziko mashomanene chete. Kutaura zvazviri, sezvinoita rwendo, kubudirira kwemba hakuonekwi nemakata nemateru anenge ari mumugwagwa uyu asi nekugona kukwidza nekudzika.

Unofunga kuti chii chingaita kuti rwendo urwu rubudirire zvikuru uye runakidze? Vakaroorana vakawanda vanoziva kuti vanoda ‘mepu’ inovaratidza mafambiro avangaita. “Mepu” yakavimbika zvikuru uye inoratidza nzira zvakajeka inobva kune Munhu akatanga zvemba, Jehovha Mwari. Zvisinei, Shoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri Dzvene, harisi dumwa. Asi rine mazano anobatsira anofanira kutevedzerwa nevakaroorana kuti imba yavo ibudirire.—Pisarema 119:105; VaEfeso 5:21-33; 2 Timoti 3:16.

Ngatitaurei nezveMagwaro akaita sezvikwangwani—pfungwa dzemuBhaibheri dzinokosha—dzingakubatsira kubudirira uye kuramba uchifara sezvaunofamba rwendo urwu.

▸ Ziva kuti imba itsvene. “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mateu 19:6) Musiki akatanga urongwa hwekuva nemba paakapa Adhamu, murume wekutanga, mudzimai wake, Evha. (Genesisi 2:21-24) Kristu Jesu, akapupurira imba yekutanga iyi achiri kudenga, akatsinhira kuti kubatanidzwa kwaAdhamu naEvha kwaisafanira kuguma. Akati: “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi? Uyewo kuti akati, ‘Saka murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe’? Zvokuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—Mateu 19:4-6.

Jesu paakati “zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari,” akanga asingarevi kuti Mwari ndiye anoronga kuti ngana aroore kana kuroorwa nangana. Akanga achireva kuti urongwa hwemba hwakatangwa naMwari saka hunofanira kuonekwa sehutsvene.a

Zvechokwadi, hapana varume nevakadzi vanoda ku“sungwa pamwe chete pajoko,” vongogara pamwe chete, vasina rudo runopisa. Asi vanoda imba inonakidza yekuti vose vanoona kuti zvinhu zviri kufamba. Vanga“sungwa pamwe chete pajoko” vachifara kana vakashandisa mazano anobatsira eMusiki ari muBhaibheri.

Tose tinotadza saka zvichatoitika chete kuti pachava nekusanzwisisana uye tichasiyana maonero atinoita zvinhu. Zvisinei, kubudirira kwemba hakunyanyi kubva pakuti munopindirana zvakadii asi pane zvamunoita pane zvamusingapindirane. Nokudaro, chimwe chinhu chinokosha mumba kukwanisa kugadzirisa kusanzwisisana muchiratidza kuti mune rudo nokuti rudo “runobatanidza zvinhu zvose nenzira yakarurama kwazvo.”—VaKorose 3:14, Bhaibheri Rinoera.

▸ Remekedzanai pakutaura. “Kune munhu anotaura asingafungi zvinobaya sezvinoita bakatwa, asi rurimi rwevakachenjera runoporesa.” (Zvirevo 12:18) Vatsvakurudzi vakaona kuti kutaurirana kwakawanda kunopera sematangiro akunenge kwaita. Saka, kana vakatanga kutaurirana vachiremekedzana, zvingangoita kuti vachapedza vachiremekedzana. Asi unoziva kurwadza kwazvinoita kana mumwe wako akakukandira makobvu nematete. Nokudaro, nyengetera kuti ugone kutaura zvine chiremera, uchiremekedza, uye uchiratidza kuti unoda mumwe wako. (VaEfeso 4:31) Mumwe mudzimai wekuJapan anonzi Harukob ave akaroorwa kwemakore 44 anoti, “Kunyange zvazvo tichiona zvinotadzwa nemumwe, tinoedza kuremekedzana pakutaura nepazviito. Izvozvo zvakatibatsira kuti imba yedu ibudirire.”

▸ Edza kuva nemutsa uchinzwira tsitsi. “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi.” (VaEfeso 4:32) Kana makava nekusanzwisisana kwakasimba, zviri nyore kuti mose mugume mava kuitirana hasha. Annette anogara kuGermany ave akaroorwa achifara kwemakore 34, anobvuma achiti, “Hazvisi nyore kuramba wakabata muromo wako uku wakaguta nehasha, unodzamara wava kutaura zvinhu zvinogumbura mumwe wako, kunongova kuisa sauti pachironda.” Zvisinei, ukashanda nesimba kuti uve nemutsa uchinzwira tsitsi, unenge uchifushira “makoronga” kuti nzira yamuri kufambira murwendo rwekuti imba yenyu ibudirire iti chechetere.

▸ Zvininipise. “Musingaiti chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvininipisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri.” (VaFiripi 2:3) Kupesana kwakawanda kunovapo nokuti vakaroorana havazvininipisi asi vanopomerana mhosva pane kuti vatsvake nzira dzekuti zvinhu zvivanakire vose. Kuzvirereka kana kuti kuzvininipisa kungakubatsira kuti usarambe uchifunga kuti ndiwe uri mugwara kana mapesana.

▸ Usakurumidza kugumbuka. “Usakurumidza kugumbuka.” (Muparidzi 7:9) Usakurumidza kuda kuramba maonero emumwe wako kana kuti kukurumidza kuzvireverera kana mumwe wako abvunza zvawataura kana kuti zvawaita. Asi teerera, uye bvuma zvaanenge achitaura. Nyatsofunga usati wapindura. Vakaroorana vakawanda vanozoyeuka kuti kuwirirana nomumwe wavo kunokosha kupfuura kukunda panharo. Uku ndiko kunonzi kuyeuka bako wanayiwa.

▸ Ziva nguva yekunyarara. “Munhu wose anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kuva nehasha.” (Jakobho 1:19) Hapana mubvunzo kuti kukurukurirana kwakanaka chimwe chezvinhu zvinokosha zvakaita sechikwangwani chemumugwagwa unoenda kuimba inofara. Saka nei Bhaibheri richiti pane “nguva yokunyarara”? (Muparidzi 3:7) Iyi ingava nguva yokuteerera zvine chinangwa—chinhu chinokosha pakukurukurirana chinosanganisira kuziva kuti mumwe wako ari kunzwa sei uye nei ari kunzwa saizvozvo.

▸ Teerera uchifunga kuti dai uri iwe. “Farai nevanhu vanofara; chemai nevanhu vanochema.” (VaRoma 12:15) Kufunga kuti dai uri iwe kunobatsira pakukurukurirana zvine chinangwa nokuti kunoita kuti unzwe zviri kutsi kwemwoyo wake. Kungaita kuti ukwanise kuremekedza mafungiro nemaonero emumwe wako uchimukudza. Nella wekuBrazil ave akaroorwa kwemakore 32 anoti: “Patinotaura nezvematambudziko edu, ndinonyatsoteerera kuti ndinzwisise pane pfungwa dzaManuel uye kuti anenge achinzwa sei.” Kana mumwe wako achitaura i“nguva yekunyarara” woteerera uchifunga kuti dai uri iwe.

▸ Gara uchirumbidza mumwe wako. “Ratidzai kuti munoonga.” (VaKorose 3:15) Dzimba dzakasimba ndidzo dziya dzine varume nevadzimai vanogara vachirumbidzana. Asi mukugara kwezuva nezuva vamwe havadaro nokuti vanofunga kuti mumwe wavo anotoziva kuti anokosha. Dr. Ellen Wachtel, anoti: “Vakaroorana vakawanda vaikwanisa kuita kuti mumwe wavo anzwe kuti anokosha kudai vaifunga kuzviita.”

Madzimai kunyanya, vanoda kunzwa varume vavo vachivaudza kuti vanovada uye vachivarumbidza. Imi varume munogona kuita zvakawanda kuitira kuti utano hwemba yenyu uye kugara zvakanaka kwemudzimai wenyu, nekwenyu imi, zvive nani, nekugara muchirumbidza zvaanoita uye unhu hwake hwakanaka.

Zvinokosha kumuudza nemashoko uye nezvaunomuitira. Imi varume pamunotsvoda mudzimai wenyu zvinyoronyoro, muchimubata, uye muchinyemwerera neushamwari, izvozvo zvakadzama kupfuura kutaura kuti “Ndinokuda.” Zvinowedzera chivimbo chake chekuti ndiye wepamwoyo uye kuti haudi kumushaya. Mufonere kana kuti mutumire meseji uchimuudza kuti, “Ndiri kukufunga” kana kuti “Zviri sei ikoko?” Kana izvi zvava kupera nokupindana kwemazuva nokuti maroorana, zvakanaka kusimudzira zvekare. Ramba uchidzidza zvinodiwa nemwoyo wake.

Mashoko aamai vaMambo Remueri weIsraeri yekare anonyatsokodzera, anoti: “Murume wake anomurumbidza achiti: ‘Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka kwazvo, asi iwe unovakunda vose!’” (Zvirevo 31:1, 28, 29, Bhaibheri Rinoera) Wakapedzisira kurumbidza mudzimai wako rini? Kana kuti iwe mudzimai, murume wako rini?

▸ Kurumidza kukanganwira. “Zuva ngarirege kuvira makatsamwa.” (VaEfeso 4:26) Muchatadzirana mumba menyu. Nokudaro, zvinokosha kuti mude kukanganwirana. Clive naMonica vanogara kuSouth Africa, vave vakaroorana kwemakore 43, vakaona kuti zano iri remuBhaibheri rinobatsira kwazvo. Clive anoti, “Tinoedza kuita zvinotaurwa pana VaEfeso 4:26, uye tinoedza kukurumidza kukanganwirana tichiziva kuti zvinofadza Mwari. Tinonzwa kuti zvinhu zvamira zvakanaka, toenda kunorara tiine hana dzakasununguka uye nehope dzinouyawo.”

Chimwe chirevo chekare-kare chinotaura nemazvo chichiti: ‘Zvakanaka kuregerera akutadzira.’ (Zvirevo 19:11) Annette ambotaurwa anobvuma, achiwedzera kuti: “Imba haisimbe kana musingakanganwirane.” Anotsanangura kuti nei zvakadaro: “Mukasadaro, munopedzisira mava kuvengana nokufungirana uye izvozvo zvinoparadza imba pashoma nepashoma. Kana muchiregererana, imba yenyu inosimba uye munobva maita sehangaiwa chaidzo.”

Kana watosvorana nemumwe wako, usafunge kuti zvichangopera. Kuti muwirirane zvinoda kuti uite chimwe chezvinhu zvinorema chinofanira kuitwa nevakaroorana: Bvuma kuti watadza. Zvisinei hazvo, tsvaga matauriro aungaite uchizvirereka akadai sekuti: “Ndiregererewo, amai mwana. Ndakakanganisa.” Kukumbira ruregerero uchizvininipisa kunoita kuti uremekedzwe, muwirirane, uye uchagadzikana mupfungwa.

▸ Ramba wakaperera kune mumwe wako nekuimba yenyu. “Havasisirizve [murume nemudzimai] vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mateu 19:6) Makatsidzirana, Mwari nevanhu vari sezvapupu, kuti muchagara pamwe chete munhamo nemumatambudziko.c Zvisinei, kuperera hakungoitirwi mutemo. Asi kunoitwa nemhaka yekuzvipira uye kuda mumwe wako zvichiratidza kuti unomuremekedza uyewo unoremekedza Mwari. Imba yako itsvene saka usambofa waita zvinhu zvinoiparadza zvakadai sekuva nemeso-meso; nzwira mwoyo mudzimai wako chete.—Mateu 5:28.

▸ Kuzvipira kunoita kuti uve akanyatsoperera. “[Musaramba] muchiva nehanya nezvinhu zvamunoda imi pachenyu, asi muchiva nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.” (VaFiripi 2:4) Imwe yenzira dzinoita kuti uve akanyatsozvipira kutanga kuita zvinodiwa nezvinofarirwa nemumwe wako. Premji ave akaroora kwemakore 20, anobatsira mudzimai wake nemabasa epamba nokuti anenge aswera kubasa. “Ndinobatsira Rita kubika nekuchenesa uye nemamwewo mabasa kuitira kuti awane nguva nesimba rekuita zvinhu zvaanofarira.”

Shingirira Kuti Ubudirire

Dzimwe nguva, zvinoita kuti imba inakidze zvingarema zvokuti vamwe vangakanda mapfumo pasi. Zvisinei, usaputse chitsidzo chako kana kurasikirwa nezvose zvamaita kusvika iye zvino, daro rose ramafamba, nokuti muri kusangana nematambudziko.

Sid, ane imba yave ichibudirira kwemakore 33 anoti, “Kana mukashanda nesimba muchiratidza kuti munoda kuti imba yenyu ibudirire, Jehovha anokukomborerai.” Kutsigirana makavimbika munguva dzakaoma uye kunakidzwa pamwe chete munguva dzinofadza kuchaita kuti murambe muchifamba muchifara muri murwendo rwenyu.

[Mashoko Omuzasi]

a Jesu akataura kuti munhu akasununguka kudimbura muchato achizoroora zvakare ndokunge mumwe aita ufeve—kurara nemunhu wausina kuroorana naye.—Mateu 19:9.

b Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

c Bhaibheri rinopa anenge atadzirwa kodzero yokuti kana achida arambe mumwe wake aita upombwe. (Mateu 19:9) Ona nyaya inoti “Murangariro weBhaibheri: Upombwe Kukanganwira kana kuti Kusakanganwira?” iri muMukai! yaAugust 8, 1995.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Bhaibheri rakafanana nemepu yerwendo runoitwa nevakaroorana

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]

Pamunogadzirisa Dambudziko

◼ Rongai nguva yamunenge musina kuneta.

◼ Usashore; tarisa zvakanaka zvamuri kuita.

◼ Kana mumwe achitaura usamudimburira; mumirire apedze.

◼ Ratidza kuti uri kubvuma manzwiro emumwe wako.

◼ Taura kuti uri kunzwisisa mumwe wako, kunyange pamunenge musingabvumirane.

◼ Iva anonzwisisa uye tambira pfungwa dzemumwe wako.

◼ Kumbira ruregerero uchizvininipisa kana wanga wakarasika.

◼ Muudze kuti anokosha uye unomuda.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]

Kuti Imba Ibudirire

◼ Musasiyane nechokwadi chemuBhaibheri chinosimbisa imba.

◼ Wana nguva yekuva nemumwe wako.

◼ Ita zvinhu zvinoita kuti muve shamwari, muve nerudo nechidakadaka.

◼ Vimbika uye perera.

◼ Iva nemutsa uchiremekedza.

◼ Batsiranai mabasa epamba.

◼ Pakukurukurirana mose taurai zvinogutsa.

◼ Tauriranai nyambo dzinonakidza uye wanai nguva yekutandara mose.

◼ Rambai muchishandira kusimbisa imba yenyu.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]

Zvekuti Ufungisise Iwe Pachako

◼ Ndezvipi zvandinofanira kunyanya kugadzirisa inini pachangu?

◼ Ndichatora matanho api kuti ndizvigadzirise?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe