RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 April pp. 29-31
  • Ungawana sei Chitendero Chechokwadi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungawana sei Chitendero Chechokwadi?
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anoudza Sei Vanhu Chokwadi?
  • Zvakadini Nechokwadi chechiKristu?
  • Mawaniro Aungaita Chitendero Chechokwadi
  • Chokwadi Chinochinja Sei Vanhu?
  • VaKristu Vanonamata Nomudzimu Nechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • “Akakurukura Navo Achivabatsira Kunzwisisa Magwaro”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Kufundirei Bhaibheri?
    Mukai!—1991
  • “Jehovha Akaita Zvaaifunga”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 April pp. 29-31

Ungawana sei Chitendero Chechokwadi?

‘Kana chokwadi nezvaMwari chiripo, nei ndichifanira kuchitsvaka?’ vamwe vanobvunza kudaro. ‘Kana Mwari achifanira kuudza vanhu vose mashoko anokosha, haangaatauri zvakajeka kuitira kuti vanhu vakurumidze kuanzwisisa, pasina kuongorora here?’

CHOKWADI Mwari anogona kuzviita. Asi ndiyo nzira here yaakasarudza kuti audze nayo vanhu chokwadi?

Mwari Anoudza Sei Vanhu Chokwadi?

Kutaura zvazviri, Mwari anoudza vanhu mashoko ake nenzira inoita kuti vari kutsvaka chokwadi nomwoyo wose vaongorore chokwadi chacho. (Pisarema 14:2) Chimbofunga nezvemashoko akataurwa naMwari achishandisa muprofita Jeremiya mazana emakore akapfuura. Akaudzwa vanhu vake vakanga vapanduka pamusoro pokuparadzwa kwaizoitwa Jerusarema nevaBhabhironi.—Jeremiya 25:8-11; 52:12-14.

Asi panguva imwe chete iyi, vamwe vaprofita vaiti vaitaura mashoko aMwari. Hananiya akafanotaura kuti muJerusarema maizova norugare. Mashoko aaitaura akanga akasiyana chaizvo neaitaurwa naJeremiya. Saka munhu aifanira kudavira ani panguva iyoyo, Jeremiya here kana kuti vaprofita ivavo vaitaura zvaipesana naye?—Jeremiya 23:16, 17; 28:1, 2, 10-17.

Kuti vazive kuti ndiani aiva akarurama, vaJudha vepachokwadi vaifanira kuziva kuti Jehovha munhu chaiye. Vaifanira kunzwisisa mitemo yake nemirayiro uyewo maonero aanoita zvinhu zvakaipa. Kuita izvi kwakaita kuti vabvume mashoko aMwari aaitaura achishandisa Jeremiya aiti “hapana kana murume mumwe chete aipfidza zvakaipa zvake.” (Jeremiya 8:5-7) Uyezve, vanofanira kunge vakanzwisisa kuti mamiriro ezvinhu aisuruvarisa aya akanga asingafarirwi muJerusarema nevaigara imomo.—Dheuteronomio 28:15-68; Jeremiya 52:4-14.

Uprofita hwaJeremiya nezveJerusarema hwakazadzika. Guta racho rakaparadzwa nevaBhabhironi muna 607 B.C.E.

Kunyange zvazvo migumisiro yokusateerera yakafanotaurwa pachiine makore akawanda, zvaida kuti vazive kuti nguva yokuti Mwari aite chimwe chinhu yakanga yasvika.

Zvakadini Nechokwadi chechiKristu?

Zvakadini nechokwadi chakaziviswa naJesu Kristu? Munhu wose aiona mashoko aya seaibva kuna Mwari here? Kwete. Kunyange zvazvo Jesu aivapo pakati pevanhu ivavo vechiIsraeri achivadzidzisa uye achiita zvishamiso, vazhinji vaimuteerera havana kuziva kuti aiva Mesiya akafanotaurwa, Kristu, kana kuti Akazodzwa.

KuvaFarisi vakabvunza kuti Umambo hwaMwari hwaizouya rini, Jesu pachake akati: “Umambo hwaMwari hahuuyi huchinyatsocherechedzwa.” Akatizve: “Umambo hwaMwari huri pakati penyu.” (Ruka 17:20, 21) Jesu, Mutongi akagadzwa naMwari, aiva pakati pavo! Asi vaFarisi ivavo vakaramba kubvuma uchapupu hwairatidza kuti aizozadzisa uprofita hwakataurwa nezvaMesiya uye kubvuma kuti aiva “Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”—Mateu 16:16.

Izvi ndizvo zvakaitwawo nevanhu pavakanzwa chokwadi chaiziviswa nevadzidzi vaKristu vomuzana remakore rokutanga. Kunyange zvazvo zvishamiso zvakabatsira kuratidza kuti Mwari aitsigira vadzidzi vacho, chokwadi chakanga chisina kujeka kune vakawanda. (Mabasa 8:1-8; 9:32-41) Jesu akapa vateveri vake basa roku“ita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi” nokuvadzidzisa. Nokuti vakateerera uye vakadzidza chokwadi chaibva muMagwaro, vaitsvaka chokwadi nomwoyo wose vakava vatendi.—Mateu 28:19; Mabasa 5:42; 17:2-4, 32-34.

Ndizvowo zvazvakaita mazuva ano. “Mashoko akanaka oumambo” ari ku“paridzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.” (Mateu 24:14) Izvi hazvisi hazvo kuitwa ‘zvichinyatsocherechedzwa’ zvinoonekwa nomunhu wose ari panyika kuti aya mashoko ari kubva kuna Mwari. Kunyange zvakadaro, chokwadi chaMwari chiri kucherechedzwa uye kugamuchirwa nevaya vane mwoyo yakatendeseka vanoda kunamata Mwari nenzira yaanoda.—Johani 10:4, 27.

Kuverenga kwauri kuita magazini ino inotsanangura Bhaibheri kuri kuratidza kuti ungangove uri kutsvaka chokwadi nomwoyo wose. Ungaziva sei chitendero chiri kudzidzisa chokwadi?

Mawaniro Aungaita Chitendero Chechokwadi

Vamwe vanhu vomuzana remakore rokutanga vaigara muBheriya vakarumbidzwa nomuapostora Pauro pamusana pezvavakaita paakavadzidzisa. Havana kungokurumidza kubvuma kuti zvaitaurwa naPauro chaiva chokwadi; kunyange zvakadaro, vakateerera noruremekedzo. Tinogona kudzidza kune zvakaitwa nevaBheriya pashure pokunge vanzwa zvaaitaura.

Ona kuti Bhaibheri rinoti: “Zvino ava [vaBheriya] vakanga vaine pfungwa dzakanaka kupfuura vaya vokuTesaronika, nokuti vakagamuchira shoko nepfungwa dzinoda kwazvo, vachinyatsoongorora Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro. Naizvozvo vazhinji vavo vakava vatendi.” (Mabasa 17:10-12) Saka vakanga vasiri kungotsvaka chokwadi zvokunyepedzera. Havana kutarisira kuti vaizobvuma chokwadi nokukurukura kwenguva pfupi kamwe chete kana kaviri naPauro.

Onawo kuti vaBheriya “vakagamuchira shoko nepfungwa dzinoda kwazvo.” Izvi zvinotiratidza maonero avaiita nyaya yokudzidza Magwaro. Havana kungobvuma zvose zvaitaurwa naPauro, asi havanawo kuramba zvose zvaaivaudza. Vakanga vasingashoori zvavaiudzwa naPauro uyo aiva mumwe wevamiriri vaMwari.

Chimbofunga zvakare kuti aka kakanga kari kokutanga kuvaBheriya kunzwa nezvechiKristu. Izvi zvakanga zvakanaka kwazvo zvichida zvakaoma kudavira. Pane kuzviramba, vakanyatsoongorora magwaro vachiona ‘kana zvinhu zvaitaurwa naPauro zvakanga zviri izvo.’ Ona zvakare kuti avo vaiva muBheriya nomuTesaronika vakatsvaka chokwadi nomwoyo wose vakava vatendi. (Mabasa 17:4, 12) Havana kukanda mapfumo pasi vachiti chokwadi hachigoni kuwanikwa. Vakaziva chitendero chechokwadi.

Chokwadi Chinochinja Sei Vanhu?

Kana munhu akawana chokwadi sezvakaita vaBheriya, anova nechido chokuzviudzawo vamwe. Vamwe vangaramba vachiti munhu anenge azvininipisa chaizvo akabvuma kuti zvimwe zvitendero zvinogonawo kunge zvakarurama. Zvisinei, kana munhu angowana chokwadi chomuBhaibheri, zvinoita kuti ave nechivimbo. Munhu haazonetseki kana chokwadi chichiwanika kana kuti zvitendero zvose zvingaita kuti vanhu vapone. Zvisinei, kuwana chokwadi kunotanga nokunyatsoongorora, uye izvi zvinoda kuzvininipisa.

Zvapupu ZvaJehovha zvakaongorora nenzira yakadaro. Ndokusaka zvichidavira kuti ndizvo zvine chitendero chechokwadi. Uye zvinokukumbira kuti uongorore Magwaro kuti uzive kuti ndivanaani vari muchitendero chechokwadi. Sezvo paine zvakawanda zvinobatanidzwa kupfuura pfungwa shoma dzakanyorwa, mashoko anotaura nezvevaKristu vomuzana remakore rokutanga ari mubhokisi riri papeji ino angakubatsira kutanga kuongorora.

Nokubvuma kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha usingabhadhari, unogona kunyatsoongorora zvinodzidziswa neBhaibheri chaizvo. Kuziva izvi kuchaita kuti uzive chitendero chechokwadi.

[Bhokisi riri papeji 31]

Zvinhu Zvinoratidza Chitendero Chechokwadi

Funga zvaiitwa uye zvaidzidziswa nevaKristu vomuzana remakore rokutanga:

◼ Vaitarira muShoko raMwari kuti rivatungamirire.—2 Timoti 3:16; 2 Petro 1:21.

◼ Vaidzidzisa kuti Jesu aiva Mwanakomana waMwari, akasiyana naMwari uye anozviisa pasi pake.—1 VaKorinde 11:3; 1 Petro 1:3.

◼ Vaidzidzisa kuti vakafa vachava vapenyu pachamutswa vanhu munguva yemberi.—Mabasa 24:15.

◼ Vainyanya kuzivikanwa norudo rwavairatidzirana.—Johani 13:34, 35.

◼ Vaisangonamata somunhu mumwe nomumwe asi vainamata vari muungano dzakarongwa uye vakanga vakabatana pasi pevatariri uye pedare revakuru raitarira kuna Jesu somutungamiriri waro.—Mabasa 14:21-23; 15:1-31; VaEfeso 1:22; 1 Timoti 3:1-13.

◼ Vaiparidza nokushingaira kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete tariro yevanhu.—Mateu 24:14; 28:19, 20; Mabasa 1:8.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Vanhu vaigona sei kuziva kuti Jeremiya aiva muprofita wechokwadi, kunyange zvavo vamwe vaitaura zvaipesana nezvaaitaura?

[Mufananidzo uri papeji 30]

VaBheriya vomuzana remakore rokutanga vakateerera Pauro asi vakazoongorora Magwaro kuti vave nechokwadi chokuti zvaakanga ataura zvaiva zvechokwadi

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kunyatsodzidza Bhaibheri kunogona kukubatsira kuziva chitendero chechokwadi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe