RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 April p. 32
  • Airida Kupfuura Matoyi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Airida Kupfuura Matoyi
  • Mukai!—2008
Mukai!—2008
g08 April p. 32

Airida Kupfuura Matoyi

Vana vaduku vangada mabhuku kupfuura matoyi here? Zvechokwadi vangaada kana vabereki vakatanga kuvaverengera mabhuku kubvira paucheche. Mebrahtu naAngela, mumwe murume nomudzimai wake vokuCalifornia, U.S.A., vakatanga kuverengera mwanasikana wavo bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru kubvira panguva yaakasvika pamba achibva kuchipatara.

Vabereki vacho vakanyora kuti, “Pamusana peizvi, akasvika pakuda bhuku rinonzi Mudzidzisi. Angova nemwedzi 12 chete, akatanga kukumbira kuti timuverengere bhuku raaiti bhuku raJesu. Iye zvino Julianna ava nemakore matatu uye anotarisira zvikuru nguva inofadza yaanova nayo naAmai naBaba vake zuva nezuva. Hakusi kuwedzeredza kutaura kuti mwanasikana wedu anoda bhuku iri kupfuura chero matoyi api zvawo. Mifananidzo nemienzaniso zvirimo zvinobatsira pakudzidzisa. Isu sevabereki vake tinodzidzawo zvakawanda.”

Unogona kuodha bhuku iri rine mifananidzo yakanaka kwazvo rine mapeji 256, akaenzana nemagazini ino. Kana uchirida zadza kopani rinotevera wotumira kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

□ Ndapota nditumireiwo bhuku riri pano.

□ Ndapota ndionei kuti mundidzidzise Bhaibheri ndisingabhadhari ndiri pamba.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe