RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 January pp. 4-8
  • Modzivirira Sei Vana Venyu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Modzivirira Sei Vana Venyu?
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiwe Wokutanga Kudzivirira Mwana Wako Here?
  • Dzidzisa Mwana Wako Nezvokushungurudzwa
  • Dzidzisa Mwana Wako Kuti Azvidzivirire
  • Tinogona Sei Kudzivirira Vana Vedu?
    Mukai!—1993
  • Vabereki Vangadzidzisa Sei Vana Vavo Nezvebonde?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Munyika Ine Uipi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Dziviriro Mumusha
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 January pp. 4-8

Modzivirira Sei Vana Venyu?

VAKAWANDA vedu havadi kukurukura nyaya yokushungurudzwa kwevana pabonde. Kungozvifunga chete kunoita kuti vabereki vafufutirwe nehasha! Zvisinei, kushungurudza kwakadaro kuri kuitika munyika yanhasi, kunyange zvazvo kuchityisa uye kusingafadzi uye kuchigona kuparadza upenyu hwevana. Inyaya yokuti tifunge nezvayo here? Asi chimbozvibvunza kuti kuchengeteka kwemwana wako kunokosha zvakadii kwauri? Harisi basa rakaoma kudzidza zviri kuitika zvisingafadzi zvokushungurudzwa kwevana. Zvechokwadi kuziva izvozvo kunobatsira chaizvo kuti vasave mungozi.

Usapedzwa simba nokupararira kuri kuita dambudziko iri. Kunyange uchifunga kuti haungazvikwanisi, une zvinhu zvisina mwana wako, zvichamutorera nguva kuti ave nazvo. Kufamba kwenguva kwakaita kuti uve noruzivo, uone zvakawanda uye uve nouchenjeri. Kuti ubudirire, zvinokosha kuti uwedzere zvinhu izvi uye wozvishandisa pakudzivira mwana wako. Tichakurukura matanho matatu anokosha anofanira kutorwa nomubereki wose. Akamira seizvi: (1) Iva munhu wokutanga kudzivirira mwana wako pakushungurudzwa, (2) dzidzisa mwana wako kuti kushungurudzwa kuitwa sei, uye (3) dzidzisa mwana wako kuti angazvidzivirira sei.

Ndiwe Wokutanga Kudzivirira Mwana Wako Here?

Basa guru rokuita kuti vana vasashungurudzwa nderevabereki kwete vana. Saka zvinokosha kuti vabereki vatange ivo kudzidza vana vachizotevera. Kana uri mubereki pane zvaunofanira kuziva nezvokushungurudzwa kwevana. Unofanira kuziva kuti vanhu vorudzii vanoshungurudza vana uye kuti vanozviita sei. Vabereki vanowanzofunga kuti vanoshungurudza vana vanhu vasingazivikanwe vanonyahwaira murima vachitsvaga vana vokushungurudza nokubata chibharo. Vanhu vakadaro variko zvechokwadi. Izvi tinogara tichizvinzwa munhau. Zvisinei, zvinoitika nenguva iri kure. Munyaya dzinenge 90 muzana dzokushungurudzwa kwevana pabonde, muparanzvongo wacho munhu wokuti mwana anenge achitomuziva uye achitovimba naye.

Chaizvoizvo haungadavire kuti vanhu vakadai somuvakidzani ane ushamwari, mudzidzisi, mushandi wezvoutano, mudzidzisi womutambo, kana kuti hama vangachiva mwana wako. Muupenyu vanhu vakawanda havadaro. Hapana chikonzero chokunyumwira munhu wose watinozivana naye. Kunyange zvakadaro, unogona kudzivirira mwana wako nokudzidza kuti nhubu idzi dzinozviita sei.—Ona bhokisi riri papeji 6.

Somubereki kana ukaziva zvavanoita zvichaita kuti uve wakagadzirira kuva munhu wokutanga kudzivirira mwana wako. Somuenzaniso, kana mumwe munhu anoratidza kufarira vana kupfuura vanhu vakuru akafarira mwana wako achimupa zvipo kana kuzvipira kumurera asingabhadharwi kana kuenda naye kunofara vari voga, uchaita sei? Wogumisa kuti munhu wacho anobhinya vana here? Kwete. Usakurumidza kugumisa kudaro. Izvozvo zvinogona kuitwa nevavariro yakanaka. Zvisinei, zvinogona kukuchenjedza. Bhaibheri rinoti: “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.”—Zvirevo 14:15.

Yeuka kuti, munhu anozvipira kukuitira zvinopfuura zvaungatarisira angangodaro ari kukunyengera. Nyatsoongorora chero ani zvake anozvipira kupedza nguva ari oga nemwana wako. Muudze kuti ungangozouya uchitarisa mwana wako chero paunodira. Tariro naKumbirai, vabereki vechiduku vane vanakomana vatatu, vanongwaririra pakusiya mwana wavo ari oga nomunhu mukuru. Mumwe mwana paaidzidziswa kuridza piyano ari pamba, Tariro akaudza mudzidzisi wacho kuti: “Ndichange ndichipinda nokubuda pamunenge muchidzidza.” Kuisa ziso kwakadaro kungaita sekwakanyanyisa, asi vabereki ava vanofanira kuona kuti vana havasi mungozi pane kuzoti dai ndakaziva.

Iva nezvaunoitawo pane zvinoitwa nemwana wako zvinosanganisira basa rokuchikoro uye ziva shamwari dzake. Ziva zvose zvine chokuita nenzendo dzakarongwa neshamwari kana nechikoro. Imwe nyanzvi yezvoutano hwepfungwa yakapedza makore 33 ichishanda nenyaya dzokushungurudzwa kwevana pabonde inotaura kuti yakasangana nenyaya dzisingaverengeki dzingadai dzisina kuitika kudai vabereki vaitarisa zvaiitika. Anoti imwe nhubu yakabatwa nemhosva yakati: “Vabereki ndivo vanotipa vana vavo. . . . Kwandiri vakaita kuti dziwire mutswanda.” Yeuka kuti nhubu dzakawanda dzinoda vana vari nyore kushungurudza. Kana vabereki vachinyatsoziva zviri kuitika muupenyu hwevana vavo, vanoita kuti zvisava nyore kuti vana vavo vashungurudzwe.

Imwe nzira yokuita kuti uve munhu wokutanga kudzivirira mwana wako ndeyokuva muteereri akanaka. Kashoma kuti vana vadure kushungurudzwa kwavo; vanonyara zvikuru uye vanonetseka nezvingazoitwa nevanhu. Saka vhura nzeve dzako, kunyange patunhu tudiki tunoratidza kuti pane zviri kunetsa.a Kana mwana wako akakuudza zvimwe zvinhu zvinokutorera mufaro, mubvunze wakapfavirira kuti adurure zvose.b Kana akataura kuti pane mumwe anomurera waasingadi kuti adzoke, mubvunze kuti nei ari kudaro. Kana akataura kuti munhu mukuru anotamba naye zvisinganzwisisiki, mubvunze kuti: “Mutambo worudzii? Anenge achiitei?” Kana akatsutsumwa kuti pane akamutekenyedza, mubvunze kuti, “Akakutekenyedza pai?” Usakurumidza kuramba zvinenge zvataurwa nemwana sezvisina basa. Vanoshungurudza vana vanomuudza kuti hapana achabvuma zvaanotaura; zvinosuruvarisa kuti nguva zhinji hapanawo anozvibvuma. Uye kana mwana ashungurudzwa, idanho rinokosha kuti vabereki vabvume uye vamutsigire kana achizogadzikana.

Dzidzisa Mwana Wako Nezvokushungurudzwa

Rimwe bhuku rinotaura nezvokushungurudzwa kwevana rinotaura zvakataurwa nomumwe aishungurudza vana kuti, “Mukandipa mwana asina zvaanoziva nezvepabonde, mandipa munhu wandichashungurudza.” Mashoko aya anotyisa anobatsira kuyeuchidza vabereki. Vana vasingazivi zvepabonde vanonyengedzwa nyore nyore nevanoshungurudza vana. Bhaibheri rinoti zivo nouchenjeri zvinogona kutinunura “pamunhu anotaura zvinhu zvakatsauka.” (Zvirevo 2:10-12) Handizvo here zvaunoda kuti zviitike kumwana wako? Uyezve, sedanho rechipiri rinokosha pakumudzivira, usarega kumudzidzisa nyaya iyi inokosha.

Saka unozviita sei? Vabereki vakawanda vanonyara kukurukura nyaya dzepabonde nevana vavo. Mwana wako anganyarawo kutokupfuura uye iye haangambotangi kutaura nezvazvo. Saka tanga iwe. Tariro anoti, “Takatanga vachiri vadiki kuvaudza mazita enhengo dzomuviri. Taitaura mazita chaiwoiwo, kwete mazita okutsiva, kuti tivaratidze kuti hapana chinoshamisa kana chinonyadzisa pamiviri yavo.” Kana mukadaro zvinozova nyore kuvadzidzisa nezvokushungurudzwa. Vabereki vakawanda vanongoudza vana vavo kuti nhengo dzomuviri dzakavanzika hadzifaniri kuonekwa uye dzakakosha.

Revai ambotaurwa munyaya yapfuura anoti, “Ini naTongai takaudza mwana wedu kuti sikarudzi yake haifaniri kuonekwa, ndeyake oga uye haisi yokutambisa. Hapana mumwe munhu anofanira kuitambisa—vangave Amai kana Baba, kunyange chiremba. Patinoenda naye kwachiremba tinomutsanangurira kuti chiremba ari kungoda kuona kuti zvinhu zvose zvakanaka here, saka ndicho chikonzero nei angangozoibata.” Vabereki vose vanofanira kutaura pavanenge vachikurukura nyaya dzakadaro nguva nenguva, uye vanovimbisa mwana kuti anogona kuuya kwavari ovaudza kana mumwe munhu akamubata zvinoita kuti anzwe asina kusununguka. Nyanzvi dzinoona nezvokutarisirwa kwevana uye kudzivisa kushungurudzwa dzinorumbidza kuti vabereki vakurukure nevana vavo sezvataurwa pamusoro apa.

Vamwe vakaona kuti bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuruc rinobatsira zvikuru pakudzidzisa nyaya iyi. Chitsauko 32 chinoti “Nzira Iyo Jesu Akadzivirirwa Nayo,” chine mashoko akananga asi achinyaradza vana anoratidza ngozi yokushungurudzwa uye kukosha kwokuzvidzivira. Tariro anoti, “Bhuku iri rakatipa nzira yakanakisisa inosimbisa zvatakanga taudza vana vedu.”

Munyika yanhasi vana vanofanira kuziva kuti pane vanhu vanoda kuvabata kana vanoda kuti vana vavabate nenzira isina kururama. Nyevero dzakadai hadzifaniri kuvhundutsa vana kana kuvaita kuti vasavimbe vanhu vose vechikuru. Revai anoti, “Aya mashoko okungoti vazvidzivirire. Iyi inyevero pane dzimwe dzakawanda dzisinei nokushungurudzwa. Hazvina kana kumbovhundutsa mwanakomana wedu.”

Zvaunodzidzisa mwana wako zvinofanira kusanganisira maonero akanaka okuteerera. Kudzidzisa mwana kuteerera kunokosha asi hakusi nyore. (VaKorose 3:20) Asi kudzidzisa izvozvo kunogona kupfuura mwero. Kana mwana akaudzwa kuti anofanira kuteerera munhu mukuru wose wose, pane zvose zvose, ari pangozi yokushungurudzwa. Vanoshungurudza vana vanokurumidza kuona kana vana vachakurumidza kuita zvavanoda. Vabereki vakachenjera vanodzidzisa vana vavo kuti havafaniri kungoteerera munhu wose wose. KuvaKristu hazvina kuoma sezvinofunga vamwe. Zvinongoreva kuvaudza kuti: “Kana mumwe munhu akakuudza kuti uite chinhu chinonzi naJehovha Mwari chakaipa, haufaniri kuchiita. Kunyange Amai kana Baba havatombofaniri kukuudza kuti uite zvinhu zvinonzi naJehovha zvakaipa. Kana munhu akada kukufurira kuita zvakaipa, mumhan’arire kuna Baba kana Amai.

Pakupedzisira, udza mwana wako kuti hapana anofanira kumuudza kuti akuvanzire chimwe chinhu. Muudze kuti kana mumwe munhu akamukumbira kuti akuvanzire chero chimwe chinhu, mwana wako anofanira kukuudza. Chero zvaanenge audzwa, kunyange kutyisidzirwa kana kuti iye aita chimwe chinhu chakaipa, zvakanaka nguva dzose kuuya kuna Baba kana Amai uye ndokuvaudza nezvazvo. Mwana wako haafaniri kutya zvaunomudzidzisa. Muvimbise kuti havasi vanhu vose vangadaro, vangamubata pavasingafaniri, vangamukumbira kusateerera Mwari, kana kumukumbira kuvanza zvimwe zvinhu. Kudzidzisa izvi kunopa mashoko okuti vagare vakagadzirira kunyange zvazvo pasina chingaitika.

Dzidzisa Mwana Wako Kuti Azvidzivirire

Danho rechitatu ratichakurukura nderokudzidzisa mwana wako zvinhu zviri nyore zvaangaita kana mumwe munhu achida kushinha naye paunenge usipo. Imwe nzira inogara ichikurudzirwa yakaita sekamutambo. Vabereki vanobvunza kuti, “Waizoita sei kana . . . ?” uye mwana anopindura. Ungati, “Waizoita sei kudai taizorasana mutaundi? Waizondiwana sei?” Mwana angapindura zvawanga usingatarisiri, asi unogona kumubatsira nokumubvunza mimwe mibvunzo yakadai seiyi, “Ungafunga here nezvezvimwe zvaungaita zvisina ngozi?”

Unogona kushandisa mibvunzo yakaita seiyi kubvunza mwana zvaangaita kuti azvidzivirire kana mumwe munhu akaedza kubata muviri wake zvisina kunaka. Kana mwana achivhundutswa nemibvunzo yakadaro, unogona kuedza kumuudza nyaya yokuenzanisira yomumwe mwana. Somuenzaniso ungati: “Kamwe kasikana kana babamunini vako vakanofarira uye voedza kukabata pavasingafaniri kubata. Unofunga kuti kangaitei kuti kasava mungozi?”

Unofanira kudzidzisa mwana wako kuti aite sei mumamiro akafanana neataurwa pamusoro apa? Mumwe munyori anoti: “Kutaura zvakasimba kuti ‘Kwete!’ kana kuti ‘Usaite izvozvo!’ kana okuti ‘Usandibata mhani!’ zvinoshanda zvikuru nokuti zvinovhundutsa anenge achida kushinha nemwana zvokuti anobva angosiya mwana wacho.” Imboita kuti mwana wako amboedzesera zvaangaita kuitira kuti ave nechivimbo chokuridza mhere, kutiza nokukurumidza, uye kukuudza zvose zvinenge zvaitika. Mwana angaita seanonzwisisa zvaanenge adzidziswa angakanganwa nyore nyore muvhiki shomanana kana kuti mumwedzi mishomanana. Saka rambai muchidzokorora zvamunenge mamudzidzisa.

Vose vanochengeta vana, kusanganisira varume, vangave vanababa, vanababa vokurera, kana dzimwe hama dzechirume, vanofanira kuvapowo pamunenge muchikurukura izvi. Nei? Nokuti kana vose varipo, zvinenge zvichiita kuti mwana ave nechivimbo chokuti havazomboshinhi naye. Zvinosuruvarisa kuti kazhinji vana vanoshinhwa nehama dzavo dzepedyo. Nyaya inotevera ichakurukura zvamungaita kuti mhuri yenyu ive yakabatana munyika izere nevanhu vanoshinha nevana.

[Mashoko Omuzasi]

a Nyanzvi dzinoti vana vakawanda vanoshungurudzwa vanooneka nezvavanoita kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Somuenzaniso kana mwana akatanga kuita zvaaimboita achiri mudiki, zvakadai sokuita weti akarara, kuti namanama nevabereki, kana kutya kuva oga, angave ari kuratidza kuti pane chimwe chinhu chisina kumira zvakanaka paari. Zviratidzo zvakadaro haazvifaniri hazvo kutorwa souchapupu hwokuti mwana ari kushungurudzwa. Ita kuti mwana wako adurure zviri kutsi kwemwoyo wake kuti uzive chiri kumusuruvarisa kuti umunyaradze, ave nechivimbo uye umudzivirire.

b Vanoshungurudza vana vanogona kunge vari vanhurume kana vanhukadzi uye vanoshungurudzwa vanogona kunge vari vakomana kana vasikana. Mazano ari muno anoshanda pasinei nokuti mushungurudzi munhurume kana kuti munhukadzi.

c Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Iva munhu wokutanga kudzivirira mwana wako

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

Dzidzisa mwana wako kuti kushungurudzwa kuitwa sei

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

Dzidzisa mwana wako kuti angazvidzivirira sei

[Bhokisi riri papeji 4]

KUSHUNGURUDZWA PABONDE—DAMBUDZIKO RENYIKA YOSE

Muna 2006 pamusangano mukuru weSangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, munyori mukuru wesangano iri akatura gwaro raitaura nezvechisimba chinoitirwa vana rakanga ranyorerwa sangano iri nenyanzvi yakazvimiririra. Maererano negwaro iri, mugore rakanga richangopfuura vasikana vangasvika mamiriyoni 150 nevakomana mamiriyoni 73 vose vari pasi pemakore 18 vakanga “vabhinywa kana kuti kushungurudzwa pabonde nedzimwe nzira.” Nhamba idzi dzinotyisa, asi gwaro racho rinoti: “Chokwadi nhamba idzi dziri pasi pezviri kuitika chaizvo.” Kuongorora kwakaitwa munyika 21 kwakaratidza kuti kune dzimwe nzvimbo vakadzi 36 muzana nevarume 29 muzana vakamboshungurudzwa pabonde vachiri vaduku. Vazhinji vaishungurudza vaiva voukama!

[Bhokisi riri papeji 6]

ZVINOITA MUNYENGERI

Munhu anoshinha nevana anogona kuva akangwara zvokuti haaiti zvechisimba. Pane kudaro, anganyengera vana zvishoma nezvishoma. Kazhinji anotanga aona mwana waanoti uyu zinyekenyeke, asinganetsi kana akaudzwa zvokuita. Adaro, anobva ati nanga nanga nemwana iyeye. Angaedzawo kuti vabereki vemwana wacho vavimbe naye. Kazhinji vanoshinha nevana ishasha pakunyepedzera kuti vanonyatsofarira mwana uyu nemhuri yake.

Nokufamba kwenguva, munhu uyu anotanga kutora matanho anozoita kuti apedzisire ashinha nemwana wacho. Zvishoma nezvishoma anotanga kugunzva muviri wemwana pasina chaanofungirwa, vachitamba chikudo uye achimutekenyedza. Angamupa zvipo uye anotanga kumubvisa pane shamwari dzake, vatevedzani vake uye vabereki vake kuitira kuti apedze nguva nemwana wacho. Pane imwe nguva angatoudza mwana wacho kuti asaudze vabereki vake tumwe tunhu twavanoita zvichida zvipo zvaanomupa kana urongwa hwokumboenda kunofara vari voga. Maitiro akadaro anovhura mukana wokuti mwana azoshinhwa naye. Kana mwana nevabereki vake vava kuvimba nomunhu wacho zvinenge zvava kuita kuti achishinha nemwana.

Uyewo, angaita hweshato pane kuita zvechisimba kana kumanikidza. Angashandisa chido chemwana chokuda kuziva zvepabonde, achiita “somudzidzisi,” kana kuti angataura kuti vatambe “kamutambo kanonakidza” kavasingafaniri kuudza vanhu. Angatoedza kuratidza mwana mifananidzo inonyadzisira kuitira kuti mwana azvione sezvakanaka.

Kana azoshinha nemwana, anoedza kuita kuti mwana iyeye asaudza chero ani zvake. Angashandisa mazano akasiyana-siyana, anosanganisira kutyisidzira, kumupa mhosva kana kuzviita zvose pamwe chete. Somuenzaniso angati: “Imhosva yako. Hauna kundiudza kuti ndirege.” Angawedzera kuti: “Ukaudza vabereki vako, vachaudza mapurisa ndonofira mujeri.” Kana kuti angati: “Ndezvedu toga. Kana ukangozvitaura hapana anombozviteerera. Kana vabereki vako vakangoti pwe-e, ndinovakuvadza.” Kutyisidzira ikoko kunoedza kuitwa nevanhu vanoshinha nevana hakuperi.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Iva nezvaunoitawo pane zvinoitwa nemwana wako

[Mufananidzo uri papeji 7]

Usarega kudzidzisa mwana wako zvepabonde

[Mufananidzo uri papeji 8]

Dzidzisa mwana wako kuti arambisise kana avingwa nomunhu anoda kumushungurudza pabonde

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe