RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 January p. 3
  • Ngozi Inotyiwa Nomubereki Wose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngozi Inotyiwa Nomubereki Wose
  • Mukai!—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Dziviriro Mumusha
    Mukai!—1993
  • Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Munyika Ine Uipi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Modzivirira Sei Vana Venyu?
    Mukai!—2008
  • Kuvadziko Dzakavanzika Dzendangariro Dzokubatwa Zvisina Kufanira Kwavana
    Mukai!—1991
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 January p. 3

Ngozi Inotyiwa Nomubereki Wose

REVAI naTongai vabereki vakachangamuka, vanofara vane mwanakomana akagwinya, ane makore matatu.a Vanotarisira mwanakomana wavo zvakanaka. Nezvaita nyika nhasi, iroro harisi basa riri nyore. Rine zvakawanda zvokutyira uye zvokuita. Pane zvakawanda zvinofanira kudzidziswa vana! Pane nyaya imwe chete iyo Revai naTongai vanoti haisi yokutamba nayo: Vanoda kudzivirira mwana wavo pangozi dzokushungurudzwa pabonde. Nemhaka yei?

Revai anoti, “Baba vangu vaiva chidhakwa chisingamboroti kuti kunouyei, chaiva nehasha. Vaindipura zvakaipa, uye vaitishurungurudza pabonde ini nevanun’una vangu.”b Vanhu vakawanda vanobvuma kuti kushungurudzwa kwakadaro kunosiya mavanga asingaperi. Saka hazvishamisi kuti Revai akatsunga kudzivirira mwanakomana wake! Ndizvo zvinoitawo Tongai.

Vabereki vakawanda vanonetseka nezvokushungurudzwa kwevana. Zvichida ndizvo zvaunoitawo. Pamwe iwe pachako hauna kushungurudzwa kana kuti kutambura nemarwadzo acho sezvakaita Tongai naRevai, asi hapana mubvunzo kuti wakanzwa mashoko anovhundutsa ezvokupararira kwetsika iyi inosembura. Munyika yose vabereki vane rudo vanokatyamadzwa pavanonzwa zviri kuitwa vana munzvimbo dzavanogara.

Hazvishamisi kuti mumwe muongorori wenyaya dzokushungurudzwa kwevana akataura kuti kuwanda kwenyaya dzacho “ndechimwe chezvinhu zvinoodza mwoyo zviri kuonekwa mazuva ano.” Zvechokwadi aya mashoko asingafadzi, asi zviri kuitika izvi zvinoshamisa here? Kwete kuvadzidzi veBhaibheri. Shoko raMwari rinotsanangura kuti tiri kurarama munguva inonetsa inonzi “mazuva okupedzisira,” nguva yakazara nevanhu vane unhu ‘hunotyisa,’ vanenge ‘vachizvida’ uye “vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.”—2 Timoti 3:1-5.

Kushungurudzwa pabonde idambudziko rinotyisa. Kutaura zvazviri vamwe vabereki vanonzwa vapererwa pavanofunga kuipa kwakaita mwoyo yevanhu vanotsvaga vana kuti vavashungurudze pabonde. Zvisinei, dambudziko iri rakakura zvokuti vabereki vangatadza kurikurira here? Kana kuti pane matanho angatorwa nevabereki kuti vachengetedze vana vavo here? Nyaya dzinotevera dzichapindura mibvunzo iyi.

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita ari munyaya dzino akachinjwa.

b Kushungurudza mwana pabonde kunoitika kana munhu abva zera akashandisa mwana kugutsa zvishuwo zvake zvepabonde. Zvinowanzosanganisira zvinonzi neBhaibheri ufeve kana kuti por·neiʹa, zvinogona kusanganisira kupuruzira nhengo dzokubereka nadzo kuti unakidzwe, kuenda pabonde, uye kunanzva kana kuyamwa nhengo dzokubereka nadzo kana kuita zvepabonde nokunobuda netsvina. Kumwe kushungurudza kwakadai sokupuruzira mazamu, kutaura zviri pachena mashoko ounzenza, kuratidza mwana mifananidzo inonyadzisira, kunakidzwa nokudongorera munhu achibvisa hembe kana nokuona vanhu vachiita zvepabonde, kuratidza nemaune nhengo dzomuviri dzisingafaniri kuonekwa, kwose kunoshorwa neBhaibheri kuchinzi “kusazvibata,” kuita “zvinhu zvisina kuchena . . . nokukara.”—VaGaratiya 5:19-21; VaEfeso 4:19.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe