RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g07 April pp. 17-18
  • ChiKristu Chakundikana Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ChiKristu Chakundikana Here?
  • Mukai!—2007
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ChiKristu Chisiri Chechokwadi
  • Jesu Akadzidzisei Chaizvo?
  • ChiKristu Chechokwadi Nhasi
  • Nei Kuine Machechi Akawanda?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • VaKristu Vechokwadi Ndivanaani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Unogona Sei Kuwana Rudzidziso Rwechokwadi?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Mukai!—2007
g07 April pp. 17-18

Zvinotaurwa Nebhaibheri

ChiKristu Chakundikana Here?

CHINENGE chikamu chimwe chete muzvitatu chevanhu vari munyika yose vanozviti vaKristu. Asi nyika inoratidza kuti haina kubatana mune zvematongerwo enyika uye chisimba chakanyanya kupfuura kare kose. Zvinoreva here kuti chiKristu sezvakadzidziswa naJesu chine zvachinokanganisa? Kana kuti, kukanganisa kwacho kuri munzira iyo vakawanda vanoshandisa dzidziso dzaKristu here?

Nyaya ino ichaongorora zvakanyatsodzidziswa naKristu uye muenzaniso waakasiyira vateveri vake. Ichakurukurawo pfungwa ine vazhinji pane vaya vanozviti vaKristu, inotopesana nezvinorehwa chaizvo nechiKristu.

ChiKristu Chisiri Chechokwadi

Mazana emakore Jesu afa, chiKristu chisiri chechokwadi chakava chitendero chaifarirwa muUmambo hweRoma. Dzisingachagamuchirwi, nhengo dzeboka iri rainzi vaKristu nokukurumidza dzakanga dzava kupindira mune zvematongerwo enyika uye dzava kuitawo zvaiitwa nevanhu vomuRoma. Vatungamiriri veChechi, vakadai saAugustine, vakatanga kudzidzisa kuti Umambo hwaMwari hwaiva hwakamirirwa hwakanga hwatosvika. Vatungamiriri ivavo vakadzidzisa kuti simba idzva ravakanga vawana rezvematongerwo enyika nerechitendero raiva nzira yokuti kuda kwaMwari kuitwe panyika. Saka vakati vanhu vanofanira kushanda nesimba kuti vatungamirire zviri kuitika munyika.

Somugumisiro, vakawanda vava kufunga kuti muKristu ane zvaanofanira kuita mune zvematongerwo enyika. Vakawanda vanofunga kuti, kuti muKristu aite izvi, pane dzimwe nguva anofanira kumbosiya zvimwe zvezvinhu zvaanotenda kuti aite zvinodiwa munzvimbo yaanogara. Somuenzaniso, vanhu vakawanda vanongotaura nomuromo chete nezvedzidziso dzaKristu dzorudo norugare, asi vanotsigira hondo dzinotyisa. Nechikonzero chimwe chete, machechi angakurudzira vateveri vawo kunyengeterera Umambo hwaMwari asi panguva imwe chete achitsigira vatongi vanodzvinyirira.

Ichi chiKristu chokunyepedzera hachisi icho chitendero chakatangwa naJesu. Asi ichi ndechevaya vanozviti vaKristu nhasi. Zvechokwadi ichi chiKristu chakundikana, sezvinoratidzwa nokupararira kwaita kusateerera mitemo yeBhaibheri muchiKristudhomu chose zvacho nhasi.

Jesu Akadzidzisei Chaizvo?

Vamwe vangatoshamisika kuziva kuti Jesu akati vateveri vake “havasi venyika, [saiye akanga asiri] wenyika.” (Johani 17:15, 16) Nei Kristu aizokurudzira vateveri vake kuti vave vakadaro? Mudzidzi aidiwa naJesu chaizvo muapostora Johani akapa mhinduro. Akanyora kuti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.”—1 Johani 5:19.

Saka dzidziso dzaKristu dzinoita kuti vanhu vazive kuti Umambo hwaMwari hwokudenga ndihwo huchaunza nyika inoruramisira uye yakarurama pasi pano, kwete vanhu. (Mateu 6:10) Jesu pachake haana kumboda kupindira mune zvematongerwo enyika zvaiitwa muzuva rake. Akaramba zvachose chinzvimbo chezvematongerwo enyika. (Johani 6:15) Akarambawo chisimba senzira yokugadzirisa kukakavadzana. (Mateu 26:50-53; Johani 18:36) Jesu haana kusiya bumbiro remitemo yenyika kana kuti yekodzero dzevanhu. Haana divi raaitsigira munhau dzezvematongerwo enyika muzuva rake. Somuenzaniso, haana kuva mumiririri wekodzero dzevaranda, uyewo haana kupindira pakurwisana kwevaJudha nevaRoma.

Zvisinei, izvi hazvirevi kuti Jesu aisava nehanya nevanhu uye nezvinetso zvavo. Jesu akadzidzisa zvakawanda zvikuru nezvezvinofanira kuitwa nomunhu kuhama yake. Akakurudzira kutendeseka pakubhadhara mutero uye akarayira kuti tizviise pasi pevaya vari munzvimbo yesimba. (Mateu 22:17-21) Akadzidzisa kuva nechido nevaya vanoda kubatsirwa. Akadzidzisawo kuratidza ruremekedzo kune vamwe uye kuva netsitsi, kukanganwira, uye ngoni. (Mateu, zvitsauko 5-7) Ichokwadi chinozivikanwa kuti Kristu ainyanya kudzidzisa nezvokuda Mwari uye kuda muvakidzani.—Mako 12:30, 31.

ChiKristu Chechokwadi Nhasi

Saka muteveri wechokwadi waKristu aizorarama sei? Aizoita sezvakaitwa naJesu. Achiteerera mitemo yenyika nokutendeseka, aizoramba asina divi raanotsigira panyaya yezvematongerwo enyika. (Johani 12:47, 48) Haaizotyora mitemo yechiKristu, kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma. (1 Petro 2:21-23) Asi aisazongomira otarisa zvake. MuKristu wechokwadi aizofarira kugara zvakanaka kwevaya vaanogara navo, sezvakaitwa naJesu. (Mako 6:34) Aizoshandawo nesimba kubatsira vamwe kuva noupenyu hunofadza nokuvabatsira kunzwisisa uye kurarama maererano nedzidziso dzaKristu.—Johani 13:17.

Saka Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinoedza kutevedzera Kristu muukama hwazvo nevanhu vazvinogara navo. Kunyange zvazvo vari vanhu vane rugare, havasi venyika. Sezvakaitwa naJesu, vanoramba kupindira mumhirizhonga uye kupesana kwezvematongerwo enyika kunoitika kwose kwose nhasi. Tariro yavo paUmambo hwaMwari yakasimba, kuti ndihwo huchapedza zvinetso zviri kutarisana nenyika. ChiKristu chechokwadi chinoguma noupenyu hunofadza uye kuwirirana pakati penhengo dzacho. (Johani 13:34, 35) Zvechokwadi hachina kukundikana.

[Mufananidzo uri papeji 18]

WAKAMBOSHAMISIKA HERE?

[Mufananidzo uri papeji 18]

◼ VaKristu vanofanira kupindira mune zvematongerwe enyika here?—Johani 6:15.

◼ Jesu akakurudzira chisimba senzira yokugadzirisa kukakavadzana here?—Mateu 26:50-53.

◼ Chii chinoratidza kuti ava ndivo vaKristu vechokwadi?—Johani 13:34, 35.

[Mufananidzo uri papeji 17]

◀ EL COMERCIO, Quito, Ecuador

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe