RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g07 April p. 3
  • Vanhu vose vanoda utano hwakanaka!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu vose vanoda utano hwakanaka!
  • Mukai!—2007
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Migumisiro Yaunowana
  • Pakuchange kusisina zvirwere!
    Mukai!—2007
  • Chengeta Kutenda Kwako Noutano Hwomudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Utano Hwakanaka Kuvanhu Vose—Munguva Pfupi iri Kutevera!
    Mukai!—2001
  • Utano
    Mukai!—2013
Ona Zvimwe
Mukai!—2007
g07 April p. 3

Vanhu vose vanoda utano hwakanaka!

MAKORE anodarika 2 700 apfuura, mumwe muprofita akataura nezvenguva ichange isisina zvirwere. Uprofita uhwu hwakachengetwa kusvikira kuzuva redu uye hunowanika mubhuku rakanyorwa kare raIsaya. Akanyora nezvenguva ichange isisina “mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara,’” uye akatizve: “Panguva iyoyo maziso emapofu achasvinudzwa, uye nzeve dzematsi dzichavhurwa. Panguva iyoyo munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono, rurimi rwembeveve ruchashevedzera ruchifara.” (Isaya 33:24; 35:5, 6) Humwe uprofita hweBhaibheri hunotaura nezvenguva yemberi yakadai. Somuenzaniso, bhuku rokupedzisira reBhaibheri raZvakazarurwa, rinorondedzera nezvenguva Mwari yaachabvisa marwadzo.—Zvakazarurwa 21:4.

Zvipikirwa izvi zvichazadzika here? Pachazombova nenguva vanhu pavachava noutano hwakanaka uye ichange isisina zvirwere here? Ichokwadi kuti vanhu vakati wandei vane utano huri nani nhasi kudarika zvizvarwa zvekare. Asi kana munhu akava noutano huri nani hazvirevi kuti atova noutano hwakanaka chaizvo. Vanhu vose vachiri kungotambura nokurwara. Iko kutya kurwara pachako kunoita kuti vanhu vazvidye mwoyo kwazvo. Uye chokwadi chisingafadzi ndechokuti kunyange mazuva ano, munhu wose anotorwara chete kungava kurwara nepfungwa kana kuti muviri.

Migumisiro Yaunowana

Utano husina kunaka hune migumisiro isina kunaka yakawanda. Mumwe mugumisiro uri kuita kuti vanhu vanyanye kuzvidya mwoyo ndewokudhura kwava kungoramba kuchiita zvokurapa. Somuenzaniso, mugore richangopfuura, vanhu havana kushanda kwemazuva anosvika mamiriyoni 500 muEurope pamusana pezvinetso zvoutano. Izviwo zviri kungoitika kune dzimwe nzvimbo. Kuderera kwezvinoitwa kumabasa, nokudhura kuri kuramba kuchiwedzera kwokutarisira zvoutano kuri kuremedza vanhu vose mune zvemari. Mabhizimisi nehurumende zviri kurasikirwa nemari. Kuti mabhizimisi arege kunyanya kudhurirwa, anobva akwidza mitengo yemishonga uye hurumende dzinowedzerawo mitero. Ndiani anobhadhara? Ndiwe!

Zvinosuruvarisa kuti varombo vanowanzoomerwa nokurapwa zvakanaka, ndokunge vachitoenda kunorapwa. Munyika dziri kusimukira ndiro dambudziko riri kurwadza mamiriyoni evanhu vanogara kusina zvipatara zvakakwana kana kuti vasingakwanisi kuwana mari yokurapwa nenyanzvi. Kunyange munyika dzakapfuma, vamwe vanotamburira kuti vabatsirwe nourongwa hunenge huripo hwokurapwa nenyanzvi. Izvi ndizvo zvazviri pavanhu vazhinji vanosvika mamiriyoni 46 vokuUnited States vasina mainishuwarenzi okurapwa.

Nyaya yemari haisiyo yoga inonetsa padambudziko routano. Mimwe migumisiro inorwadza yatinowana ndeyokurwara chirwere chinozongotiuraya, kurwadziwa nechirwere chisingaperi, kusuruvara nokuona vamwe vanenge vachirwara zvakakomba, uye kuora mwoyo kunokonzerwa nokufirwa nomunhu watinoda.

Tariro yokuti rimwe zuva tichararama munyika inenge isisina zvirwere inofadza kwazvo. Vanhu vose vanoda utano hwakanaka! Vakawanda vanodavira kuti kunyange zvazvo tariro yokuva noutano hwakanaka yakanyanya kunaka zvokusadavirika, ndeyechokwadi. Kune vamwe vanovimba kuti kana pakashandiswa zvinhu zviri kugadzirwa nevanhu mazuva ano, nokufamba kwenguva, zvirwere zvose zvichabviswa. Ukuwo, vaya vanotenda zvinotaura Bhaibheri vanodavira kuti Mwari achaita kuti uprofita hwaro hwekare hwokuti nyika ichange isisina zvirwere huzadzike. Vanhu ndivo vachabvisa zvirwere here? Mwari ndiye achazviita here? Nguva yemberi inei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe