RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g07 January pp. 26-27
  • Taizoita Sei Kudai Pakanga Pasina Madhongi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Taizoita Sei Kudai Pakanga Pasina Madhongi?
  • Mukai!—2007
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Madhongi Muguta
  • Akakodzera Kuremekedzwa
  • Mbongoro Inotaura
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jesu Anouya saMambo
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Dhongi raBharami Rinotaura
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mambo Anopinda muJerusarema Akatasva Mwana Wembongoro
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Mukai!—2007
g07 January pp. 26-27

Taizoita Sei Kudai Pakanga Pasina Madhongi?

NOMUNYORI WEMUKAI! MUETHIOPIA

MUMIGWAGWA yomuAddis Ababa—guta guru reEthiopia, nyika iri panhamba 16 pakukurumbira munyika yose—dhongi rave richishandiswa sechifambiso chinokosha kubvira kare. Vatyairi vakawanda vemotokari vakadzidza kutyaira vachifunga nezvawo, vachiziva kuti madhongi anowanzoziva kwaanenge achienda uye ane chivimbo. Kunyange zvazvo madhongi asingatyi motokari dzakawanda, mitoro yawo inorema inogona kuvhiringidza, uye haatariri shure. Saka kana usingadi kurovera pamutoro wawo wemarasha, wendove yemombe, kana chero mutoro upi zvawo waanenge akatakura, zvingava nani kuti ubude munzira!

Zvinofungidzirwa kuti muEthiopia mune madhongi anokwana mamiriyoni mashanu, kunenge kuti dhongi rimwe chete pavanhu 12 voga voga. Vanhu vanosvika mamiriyoni vokuEthiopia vanogara panhongonya dzemakomo dziri kure nokure, dzakakamurwa nemakoronga akadzika chaizvo. Mamwe matunhu enyika yacho akakura anoganhurwa nenzizi duku dzakawanda. Kuvaka mabhiriji kana migwagwa isina tara chaiyo inosvika kunzvimbo idzi kungadya mari yakawanda chero nokuda kwenyika ipi zvayo. Saka pamusana pokuti dhongi rinoshivirira uye kuti hariwanzowiri pasi ndiro rinoshandiswa sechifambiso chakakodzera.

Dhongi rinogona kurarama mumamiriro okunze ose akawanda omuEthiopia—kubvira mumatunhu asinganayi, anopisa, asina makomo kusvika kune ane makomo. Uye rakanakira kuti rinogona kufamba mumikwidza, mumigwagwa yetsoka, munzizi dzine matombo, mumigwagwa ine matope, uye munzvimbo dzisina kuenzana. Rinogona kufamba musingakwanisi kufambwa nebhiza kana ngamera. Mamiriyoni akawanda evanhu anonyanya kushandisa dhongi pakutakura zvinhu, zvikurukuru mumaguta mune misha yakawanda isingagoni kusvikwa nemotokari.

Madhongi anogona kufamba mumigwagwa ine makona akamanikana uye mumikoto yefenzi dzakapoteredza dzimba. Haadi matayi anodhura uye kashoma kuti atsvedze panotsvedza. Anotakura mitoro yakakura zvakasiyana-siyana, izvi zvinoita kuti zvinhu zvikwanise kusvitswa mumisha inenge yose zvayo. Kunyange zvazvo vatyairi vemotokari vanenge vagumbuka vachiridza huta, madhongi anongowana pokupfuura napo chete pasinei nokuti pane mota dzakawanda sei. Hakuna mupurisa angafunga nezvokuripisa dhongi kana rikafamba mumugwagwa usiri iwo. Uye haana dambudziko rokupaka. Dhongi ringatengwa nemadhora 50 okuUnited States, asi hazvienzani zvachose nokudhura kunoita motokari!

Madhongi Muguta

Mumangwanani, madhongi anosvika zviuru anoenda kuAddis Ababa—kune vanhu vanopfuura 3 000 000—kazhinji kacho achibva kure nemakiromita 25. Misi yeChitatu neMigovera ndiyo ine zvakawanda zvokuita, sezvo iri misi yokutengesa muvhiki. Rwendo rwacho rungatora maawa matatu, zvichireva kuti zvinoda kusimuka achiri mashambanzou. Dzimwe nguva varidzi vawo vanofamba nawo, asi kakawanda, vanomhanya vari shure, vachikurumidza kuti vafambirane nawo.

Anowanzotakura masaga echibage, miriwo, huni, simendi, marasha, uyewo madhiramu anenge aine mafuta okubikisa nemakesi emabhodhoro ezvinwiwa. Mamwe madhongi anotakura mitoro inorema makirogiramu 90 kana kudarika. Mitoro yakareba, yakadai semashenjere kana kuti mapango emiti inonzi eucalyptus, inosungirirwa kumativi awo obva adhonza mitoro iyi mumigwagwa. Zvisote zvouswa kana kuti mabhero ezvokudya zvezvipfuwo ndizvo zvinowanzoonekwa zvakatakurwa madhongi acho paanoita seachavharwa zvachose.

Paanenge achienda kumusika mangwanani akatakura mitoro inorema, madhongi angamhanya zvikuru. Kana kutengesa kwapera uye asisina mitoro, anodzoka kumba achifamba zvishoma nezvishoma, achitombomira kuti afure uswa munzira. Paanenge asingaendi kumusika, anoshandiswazve mumabasa ezuva nezuva akadai sokutakura mvura nehuni. Angakwereteswa kana kuhayiswa. Mamwe anotopfuyiwa akawanda kuitira kuti ashandiswe mubhizimisi rezvokufambisa! Mune dzimwe nzvimbo madhongi anodhonza zvikochikari, kana kuti dzimwe nguva, anodhonza ngoro huru chaiyo.

Akakodzera Kuremekedzwa

Madhongi haana basa rakanyanya rokutarisirwa. Anozvitsvakira zvokudya uye anodya zvinenge zvinhu zvose. Kana madhongi akabatwa zvakanaka, anova noukama hwepedyo nevaridzi vawo. Kana zviri zvoungwaru, ave achinzi anodarika mabhiza. Anogona kuyeuka chaizvo kwaanenge afamba nakwo. Asingaperekedzwi nomunhu, anogona kutumwa kunotora mvura kunzvimbo dzinenge dziri kure nemakiromita masere, pachingoda munhu anoatakudza mutoro wacho neanozouburutsa. Angatosungirirwa mabhero kuitira kuti vanhu vanogara pedyo nemigwagwa yaanofambira vagone kunzwa kuti kuri kuuya dhongi vozotora zvarinenge rakatakura.

Kunyange zvazvo madhongi achishanda zvakaoma, anoita kuti tenzi wawo azive kana mutoro wacho uchirema zvikuru uye kana ava kuda kuzorora. Kana mutoro wacho uchirema zvikuru kana kuti waiswa nenzira yokuti anorwadziwa, angangorara zvawo pasi. Apa angasanzwisiswa uye angatukwa kana kurohwa zvisina kufanira. Ungayeuka nhoroondo iri muBhaibheri yakaitika izvi.—Numeri 22:20-31.

Zvakakodzera kuti madhongi aitirwe mutsa uye atarisirwe zvakanaka. Zvinosiririsa kana mutoro ukaiswa zvisina kunaka, uchiita kuti dhongi riwire mugoronga robva ratyoka makumbo. Zvironda, zvikwekwe zvakasiyana-siyana, kuora zvitsitsinho, mabayo, nezvimwewo zvinetso zvinogona kuderedza simba remhuka idzi dzinotakura nokushingaira zvinhu zvinorema. Pamusana peizvi, chipatara chemazuva ano chemadhongi chakavakwa muDebre Zeyit, nzvimbo isiri kure kubva kuAddis Ababa. Ine makombiyuta, makamuri okurapira, motokari dzinoshanda semaamburenzi, kunyange imba yakanaka yokuvhiyira madhongi. Saka muna 2002, madhongi anenge 40 000 akarapwa zvinhu zvakasiyana-siyana.

Tateguru Abrahamu akafamba nenyika yaiva nemakomo nedhongi rake paaienda kuGomo reMoriya. (Genesisi 22:3) Munhoroondo refu yorudzi rwaIsraeri, dhongi raishandiswa zuva nezuva muupenyu hwavo. Kunyange Jesu Kristu paakapinda muJerusarema achiratidza kukunda akashandisa dhongi.—Mateu 21:1-9.

MuEthiopia dhongi rakatanga kushandiswawo kare kare. Kunyange zvakadaro vanhu vachiri kurikoshesa muupenyu hwavo. Kunyange zvazvo marori nemotokari zvakachinja nokufamba kwakaita makore, dhongi harina kuchinja. Uye chokwadi rakakodzera kuremekedzwa!

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]

‘The Donkey Sanctuary’, Sidmouth, Devon, UK

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe