RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g07 January pp. 24-25
  • “Unogadzirwa Nezvinhu Zvisina Tsvina”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Unogadzirwa Nezvinhu Zvisina Tsvina”
  • Mukai!—2007
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushanyira Imwe Indasitiri Inogadzira Munyu
  • Unoshandiswa Zvakasiyana-siyana, Unokosha
  • Chigodo Chomunyu
    Mukai!—2005
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Mukai!—2007
g07 January pp. 24-25

“Unogadzirwa Nezvinhu Zvisina Tsvina”

NOMUNYORI WEMUKAI! MUBRAZIL

MUNYU wave uchirondedzerwa so“unogadzirwa nezvinhu zvisina tsvina, zuva negungwa.” Izvi ndezvechokwadi nezvemunyu unogadzirwa nokupwa kwemvura yomugungwa.

MuBrazil, Rio Grande do Norte, iri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwomuganhu weBrazil, inozivikanwa neindasitiri yayo inogadzira munyu. Mamiriro ayo okunze okupisa, kunaya kwemvura shoma, uye mhepo inopisa inogara ichivhuvhuta inoita kuti nzvimbo yacho ikodzere chaizvo kugadzira munyu nezuva. Munzvimbo iyi ndimo munobva 95 muzana yomunyu womuBrazil unenge usati wapera kugadzirwa uye unenge wanatswa. Imwe yemaindasitiri aya anogadzira munyu iri muguta reAreia Branca, guta duku riri mumhenderekedzo.

Kushanyira Imwe Indasitiri Inogadzira Munyu

Maindasitiri anogadzira munyu achishandisa zuva kazhinji kacho akakura, uye indasitiri yeAreia Branca yakakurawo chaizvo. Vashanyi zvavanosvika muAreia Branca, vachiri mumugwagwa mukuru, vanowanzoshamiswa nokukura kwakaita indasitiri yacho. Zuva remangwanani rinotaima mumvura inenge iri mumadziva inenge ichipwa, inenge ichingoita zienda nakuenda. Inenge 90 muzana yenzvimbo iyi inongoiswa mvura yegungwa chete inozopwa nokupisa kwezuva; uye imwe nzvimbo yacho inoshandisirwa kuisa munyu kuti uite magodo magodo.

Zvose zvinenge zviri munzvimbo iyi zvinenge zvakafukidzwa negoko jena romunyu, rinenge richipenya. Vanoshanyira nzvimbo iyi vanofanira kupfeka magirazi ezuva. Munyu unotanga kuvapo nokuita kuti mvura yomugungwa iyerere nomumadziva asina kudzika anenge akakamurwa nemidhuri uye aine magedhi emapuranga. Madziva aya ose zvawo i67. Zuva rinopisa uye mhepo zvinoita kuti magaroni 170 emvura apwe sekondi yoga yoga! Asi zvinotora mazuva anenge 90 kusvika ku100 kuti mvura yose ipwe.

Kunyange zvazvo kupwa kwemvura kuchisiya sodium chloride, mvura yomugungwa inengewo iine zvikamu zvishoma zvecalcium carbonate, calcium sulfate, magnesium sulfate, nezvimwewo zvinhu zvakaita somunyu. Zvinhu izvi zvinosinina, kana kuti kuparadzana panguva yakasiyana zvichibva mumvura yomugungwa, zvichisara pasi mumadziva anenge aine mvura inenge yapwa.

Yabva mumadziva aya, mvura ine munyu chete inoerera ichipinda mumadziva 20, imomo munyu unoumbana kuita zvigodo wozotorwa. Mune mamwe acho, munenge musisina zvachose mvura yomugungwa, mangosara munyu unenge wava magodo. Mumwe muchina mukuru unozoshandiswa kudimura munyu wacho nokuuisa mumarori. Marori anoendesa munyu wacho kune mumwe muchina wakaita souya unoshandiswa pakutakura masaga echibage, kwaunozocheneswa. Kana mvura yabviswa, munyu wacho unodzumburudzwa nemvura isina munyu.

Zvadaro, munyu wacho unozotakurwa nezvikepe uchiendeswa kuchitsuwa chakagadzirwa nevanhu chiri paAreia Branca, chakavakwa mugungwa anenge makiromita 12 kubva panyika yakaoma. Chitsuwa chacho chine makona mana—chakafara mamita 92 uye chakareba mamita 166—uye chinogona kutakura matani 100 000 omunyu. Zibhandi guru rinotenderedzwa nemagetsi rinofambisa munyu wacho richiuendesa kune imwe nzvimbo iri mugungwa kwaunozoiswa mungarava wobva waendeswa kune dzimwe nzvimbo dzomuBrazil.

Unoshandiswa Zvakasiyana-siyana, Unokosha

Kunyange zvazvo miviri yedu ichida munyu mushomanana chaizvo, munyu unokosha muupenyu uye muutano hwevanhu nemhuka. Tinofunga nezvawo zvichida sechimwe chinhu chichena chinongoshandiswa kurunga zvokudya. Asi unoshandiswa muzvinhu zvakawanda zvinokosha, zvakadai somumakemikari, machira, uye mumaindasitiri anogadzira simbi. Munyu unoshandiswawo mukugadzirwa kwemakemikari anoverengeka uye unoshandiswa mukugadzirwa kwesipo, kwemapurasitiki anogadziriswa mafirimu, uye muzvinhu zvinodzivirira ngura. Nhasi munyu unonzi unoshandiswa muzvinhu 14 000 zvinozivikanwa!

Munyu hauperi. Mumakirogiramu 100 emvura yomugungwa, mune makirogiramu matatu emunyu! Zvisinei, kare wakanga usingangowaniki pose pose. Somuenzaniso, kuChina kare, ndarama ndiyo chete yaikosha kupfuura munyu. Bhaibheri rinotaura nezvemunyu kakawanda, uye rinoratidza kuti unoshandiswa zvakawanda.

Dzimwe nguva vana vaikwizwa nomunyu pavaizvarwa, zvichida nokuti waifungidzirwa kuti unoshanda somushonga kana kuti unouraya utachiona. (Ezekieri 16:4) Bhaibheri rinoshandisawo munyu mupfungwa yokufananidzira. Somuenzaniso, Jesu akati vadzidzi vake vaiva “munyu wenyika,” achireva nezvokukwanisa kwavo kuchengetedza vamwe pamusana pemashoko anopa upenyu avaipupura. (Mateu 5:13) Munyu wakavawo chiratidzo chokugadzikana uye chechigarire. Saka “sungano yomunyu” yaionekwa sechibvumirano chaisafanira kuputswa.—Numeri 18:19.

Kushanyira kwatakaita maindasitiri omunyu okuAreia Branca kwakatibatsira kunyatsonzwisisa kukosha uye kushandiswa kunoitwa munyu uye kuti nei wakakurumbira kudaro munhoroondo yezvakaitika. Chokwadi, tinogona kuonga chigadzirwa ichi—chi“nogadzirwa nezvinhu zvisina tsvina, zuva negungwa”—chiripo muuwandu hukuru.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Muchina unoshandiswa kudimura munyu uri mudziva romunyu

[Mufananidzo uri papeji 24]

Munyu usati wacheneswa

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Nzvimbo inogezwa munyu, kudzumburudzwa uye yaunochengeterwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe