RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g07 January p. 11
  • Munhu Mukuru Kwazvo Pane Vakamborarama

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munhu Mukuru Kwazvo Pane Vakamborarama
  • Mukai!—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Munhu Mukurusa Ati Amborarama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • 3 Dzidza Chokwadi nezvaJesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Jesu—Zvinotaurwa Nevanhu Nezvake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Kristu—Mibvunzo Yedu Nezvake Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2007
g07 January p. 11

Munhu Mukuru Kwazvo Pane Vakamborarama

NDIANI waungati ndiye munhu mukuru kwazvo pane vakamborarama? Ungati ndiNoa, akapona Mafashamo akava tateguru womunhu wose ari kurarama zvino here? (Genesisi 7:1, 21, 22; 9:18, 19) NdiNebhukadhinezari, mutongi wenyika yekare uye muvaki weguta rakanakisisa raakatumidza zita rokuti Bhabhironi Guru here? (Dhanieri 4:28-30) Zvichida Alexander Mukuru, anototaurwa nezvake muuprofita hweBhaibheri nezvokubudirira kwake here? (Dhanieri 8:5-8, 21-22) Kana kuti zvakadini nezvaJulius Caesar, mutongi akakurumbira weRoma?

Makore asingasviki 45 Caesar ataurwa afa, mwana anonzi Jesu akaberekwa muBhetrehema. Akava munhu mukuru kwazvo pane vakamborarama here? Makore anenge zana apfuura, bhuku rinonzi The Historians’ History of the World rakati: “Maererano nenhau dzakaitika zvakaitwa naJesu zvaikosha zvikuru kupfuura zvakaitwa chero naani zvake, kunyange tisingatauri nezvechitendero. Nguva itsva inobvumwa nenyika huru dzomunyika yose, yakatangira paakaberekwa.”

Nanhasi kufarira Jesu Kristu kwakakura chaizvo. Makore mashomanana apfuura, magazini akakurumbira okuU.S. anoti Time, Newsweek, neU.S.News and World Report ose aiva nenyaya yaitaura nezvake kutangira papeji yokutanga chaiyo. Uye, chaizvoizvo kunenge kuti kufarira Jesu kwakadaro kwatowedzera. “Vanhu vanoyemura unhu hwake sezvatinoona mumafirimu, sezvatinonzwa mumimhanzi uye mufashoni,” rakadaro pepanhau reToronto Star muna 2004. “Aripowo pakati pevatinoti magamba edu.”

Zvisinei, zvinoshamisa kuti munguva shomanana yapfuura, vamwe vakati Jesu haana kumbobvira ararama. Bruno Bauer (1809-82) aiva mudzidzisi akakurumbira akataura kudaro. Mumwe wevadzidzi vake akanga ari Karl Marx. Munguva pfupi ichangopfuura, Robert E. Van Voorst, mubhuku rake rinonzi Jesus Outside the New Testament, akanyora kuti: “Marx aizobatanidza pfungwa dzaBauer dzisiri dzechokwadi pamusoro pemavambo aJesu muzvaaitenda, uye mumabhuku eSoviet uye mamwe echiKomonisiti akazodziparadzira.”

Zvisinei, nhasi vashoma chaizvo vanoramba kuti Jesu akararama zvechokwadi. Kutaura zvazviri, vanhu vakawanda vanobvuma kuti aiva munhu chaiyeiye uye anokosha chaizvo. Muna December 2002 pepanhau reWall Street Journal raiva nomusoro waiti: “Science Can’t Ignore Jesus [Sayenzi Haigoni Kufuratira Jesu].” Munyori wacho akapedzisa achiti: “Nyanzvi dzakawanda, kusiya vasingatendi kuvapo kwaMwari, vakatobvuma Jesu weNazareta somunhu anotaurwa munhau dzevakamborarama.”

Asi Jesu aipfuura munhuwo zvake anongotaurwa munhau dzevakamborarama. Time inoti, “Kuramba kuti munhu ane simba guru kwazvo rokuchinja zvinhu—kwete chete muzviuru zviviri zvemakore zvapfuura asi munhau yose yevanhu—ave ari Jesu weNazareta, kungatoda imwe tsananguro yakapenga.” Yakawedzera kuti: “Zvingataurwa kuti hakuna upenyu hwomunhu mumwe hwave huine simba rokuchinja vanhu kwenguva yakareba chaizvo sohwaJesu.”

Kunyange zvakadaro, mibvunzo inoramba iripo ndeiyi: Aimbova ani chaizvo? Akabva kupi? Chinangwa chake chaiva chei pasi pano? Uye nei zvichikosha kuti tizive zvose zvatingagona kuziva nezvake?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe