RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g07 January p. 10
  • “Nguva Yokudya Inoita Kuti Tive Pedyo Nepedyo”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Nguva Yokudya Inoita Kuti Tive Pedyo Nepedyo”
  • Mukai!—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Kudya Pamwe Kungasimbisa Mhuri Yenyu Here?
    Mukai!—2010
  • Shanda Kuchengeta Mhuri Yako Kuti Ipinde Munyika Itsva yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Ivai Nemaitiro Akarongwa Okuita Nawo Zvinhu
    Mukai!—2007
  • Purogiramu Yemhuri—Rugwaro Rwezuva
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—2007
g07 January p. 10

“Nguva Yokudya Inoita Kuti Tive Pedyo Nepedyo”

MHURI yako inombodya zvokudya kana kamwe chete zvako pazuva pamwe chete here? Zvinosuruvarisa kuti munyika ino inoita zvinhu ichimhanya-mhanya, mudzimba dzakawanda hapasisina nguva chaiyo yokudya, anongova mazvake mazvake. Asi pane kugutsa dumbu, kudya pamwe chete muri mhuri kunogona kubatsira pazvinhu zvinotokosha zvikuru—kukurukurirana kwoushamwari uye kusimbisa ukama hwemhuri.

Algirdas anogara nomudzimai wake, Rima, uye nevanasikana vavo vatatu kuchamhembe kweimwe nyika iri kuEurope inonzi Lithuania. “Kunyange zvazvo ndichishanda uye vasikana vachienda kuchikoro,” anodaro Algirdas, “tinoronga purogiramu yedu kuti tidye zvokudya zvemanheru pamwe chete. Patinenge tichidya tose zvedu tinonzwa takasununguka kutaura zvinhu zvinenge zvaitika zuva racho uye kutaura zvinetso zvedu, zvatinofunga, zvirongwa zvedu, zvatinoda nezvatisingadi. Tinoshandisawo nguva iyi kukurukura zvinhu zvine chokuita nokunamata. Hapana mubvunzo kuti nguva yokudya inoita kuti tive pedyo nepedyo.”

Rima anotiwo: “Kubika zvokudya nevasikana vedu kunotipa mikana yokukurukurirana noushamwari. Vasikana vedu vanonakidzwa nokuita zvinhu pamwe chete mukicheni, uyewo vanenge vachitodzidza unyanzvi hunokosha. Saka, tinogona kubatanidza zvose basa nokufara.”

Algirdas, Rima, nevana vavo vari kuwana zvikomborero zvakawanda nokuti vanowana nguva yokudya pamwe chete. Kana musati mava kuita izvi, madii maronga kuti muwane nguva yamunodya muri mose semhuri kamwe chete pazuva, kunyange uri mubereki mumwe chete. Mibayiro yacho inodarika nokure zvimwe zvinhu zvipi nezvipi zvamunenge marega.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe