Mwari Ane Hanya!
NZIRA iyo Mwari akatarisira nayo kupanduka kwomuEdheni inoratidza kutida kwaanotiita tose uye kuva nehanya nenguva yedu yemberi. Tapota ongorora uchapupu hunotevera hwokuti zvechokwadi Mwari ane hanya nesu, uye verenga magwaro akanyorwa muBhaibheri rako.
● Akatipa pasi, rakazara nezvinhu zvakanaka, kurarama kwemhuka kunoshamisa, uyewo pasi rinobereka.—Mabasa 14:17; VaRoma 1:20.
● Akatipa muviri unoshamisa unogona kutiita kuti tinakidzwe zuva nezuva, sokuravidza zvokudya zvinonaka, kuona zuva richinyura, kunzwa mwana achiseka, uye kubatwa zvinyoronyoro nomumwe munhu watinoda.—Pisarema 139:14.
● Anotitungamirira nouchenjeri zvinotibatsira kukunda matambudziko nezvinetso.—Pisarema 19:7, 8; 119:105; Isaya 48:17, 18.
● Anotipa tariro inoshamisa, inosanganisira tariro yokurarama muparadhiso pasi pano uye kuona vanhu vakafa vataida vachimuka.—Ruka 23:43; Johani 5:28, 29.
● Akatuma Mwanakomana wake anodiwa akaberekwa ari mumwe bedzi kuti atifire kuitira kuti tive netariro yokurarama nokusingaperi.—Johani 3:16.
● Akagadza Umambo hwaMesiya kumatenga uye akatipa uchapupu hwakakwana hwokuti Umambo ihwohwo nokukurumidza huchatonga pasi pose.—Isaya 9:6, 7; Mateu 24:3, 4, 7; Zvakazarurwa 11:15; 12:10.
● Anotikumbira kuti tinyengetere kwaari, tichidurura mwoyo wedu wose kwaari, uye patinoita izvi anoteerera zvikuru.—Pisarema 62:8; 1 Johani 5:14, 15.
● Anoramba achivimbisa vanhu nezvorudo rwake rukuru uye kuti ane hanya.—1 Johani 4:9, 10, 19.