RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 July pp. 10-13
  • Kugadzirira Mwanasikana Wako Kutanga Kutevera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kugadzirira Mwanasikana Wako Kutanga Kutevera
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vabereki Vane Basa Rinokosha
  • Nguva Yokutanga Kuzvikurukura
  • Matangiro Amungaita Kutaura Nyaya Yacho
  • Zvinofanira Kuramba Zvichikurukurwa
  • Tanga Iwe Kuzvikurukura
  • Kuteerera Nyevero Dzomuviri
    Mukai!—1991
  • Vabereki Vanofanira Kudzidzisa Vana Vavo Nezvebonde Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kubata Vakadzi Norusaruro
    Mukai!—1998
  • Nei Vasikana Vasingandidi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 July pp. 10-13

Kugadzirira Mwanasikana Wako Kutanga Kutevera

Zvinhu zvakawanda zvinochinja pakuyaruka. Kuvasikana vaduku, zvinoratidza kuti vava kuyaruka muitiro wokutevera unorondedzerwa “sokutanga kuenda kumwedzi.”

KUTANGA kutevera inguva ingaita kuti vasikana vaduku vazvidye mwoyo, uye pavanoita izvi vanowanzofunga zvakasiyana-siyana. Kungofanana nezvimwe zvinhu zvinochinja pakuyaruka, vangavhiringidzika. Vasikana vakawanda vanotya uye vanozvidya mwoyo pavanoenda kumwedzi kokutanga, zvichinyanya kukonzerwa nemashoko asiri iwo kana kuti zvikurukuru nokuti vanenge vasina kuwana mashoko akakwana.

Vasikana vaya vanenge vakagadzirira kutevera havawanzozvidyi mwoyo pavanotanga kuenda kumwedzi. Zvisinei, ongororo dzinoratidza kuti vasikana vakawanda vanenge vasina kugadzirira. Mune imwe ongororo yakaitwa munyika 23, vasikana vanenge chikamu chimwe chete muzvitatu pane vakaongororwa vakati vakanga vasina kumboudzwa nezvokutevera vasati vatanga muitiro uyu. Zvavakangoerekana vatanga kuenda kumwedzi vasina kugadzirira, vasikana vacho vakanga vasingazivi zvokuita panguva yazvakaitika.

Pane vakanyanya kutaura zvisina kunaka nezvazvo paiva nevakadzi vaya vakanga vasina kumbodzidziswa nezvokuenda kumwedzi kana kuti kutevera. Mune imwe ongororo, pavairondedzera nguva yavo yokutevera, vakadzi vaishandisa mashoko akadai sokuti “kusava nechokwadi,” “kuvhunduka,” “kunyara,” uye “kutya” vachitaura zvakaitika kwavari.

Vanhu vanowanzotya pavanoona ropa, sezvo ropa richiwanzobuda kana uchirwadziwa kana kuti wakuvara. Saka hazvina kuoma kuona kuti kana pasina kunyatsotsanangura kana kuti kugadzirira, zvinowanzodavirwa nevanhu, ngano, kana kuti kusaziva chaiko zvinogona kuita kuti munhu aone kuenda kumwedzi sechirwere kana kuti sokukuvara kana kukuona sechimwe chinhu chaanofanira kunyara nacho.

Mwanasikana wako anofanira kuziva kuti vasikana vose vane utano hwakanaka vanobuda ropa panguva yokuenda kumwedzi. Somubereki, unogona kubatsira mwanasikana wako kuti asazvidye mwoyo kana kuti arege kutya. Sei?

Vabereki Vane Basa Rinokosha

Kune mashoko akawanda anotaura nezvokuenda kumwedzi, anobva kuvadzidzisi vomuzvikoro, vezvoutano, mumabhuku, uye kunyange mumafirimu edzidzo. Vabereki vakawanda vanowana kuti zvinhu izvi zvinowanzotaura mashoko anokosha anotsanangura zvinoitika panguva yokuenda kumwedzi nezvinofanira kuitwa kuchengetedza utsanana. Kunyange zvakadaro, vasikana vakawanda vanenge vaine mibvunzo uye zvimwe zvinhu zvavanodawo zvisingatsanangurwi muzvinhu izvi. Kunyange vachiziva zvavanofanira kuita panosvika nguva yavo yokuenda kumwedzi, kazhinji kacho vasikana vanenge vasingazivi zvokuita nepfungwa uye manzwiro akasiyana-siyana avanova nawo.

Vanambuya, madzikoma, uye kunyanya vanaamai vanogona kubatsira nemamwe mashoko uye kutsigira mupfungwa vasikana vaduku ava pazvinenge zvichidiwa. Kakawanda kacho, vanasikana vanoona amai vavo somunhu anokosha anogona kuvatsanangurira nezvokuenda kumwedzi.

Zvakadini navanababa? Vasikana vakawanda vanonyara kutaura navo nezvokuenda kumwedzi. Vamwe vanoda kuti baba vavo vabatsire zvisina kunanga nokuvatsigira uye kuratidza kunzwisisa, vamwewo vachida kuti vasabatanidzwe.

Munyika dzakawanda nhamba yavanababa vasina vakadzi yakawedzera mumakumi emakore mashomanana apfuura.a Saka vanababa vakawanda vanofanira kudzidza zvavangaita kuti vagone kudzidzisa vanasikana vavo nezvokuenda kumwedzi. Vanababa ava vanofanira kuziva mashoko anokosha ezvokuenda kumwedzi uyewo kumwe kuchinja kunoitika mumuviri nomupfungwa kunenge kuchiita vanasikana vavo. Vanababa vangasarudza kubvunza vanaamai vavo kana hanzvadzi dzavo kuti vapiwe mazano uye vabatsirwe munyaya iyi.

Nguva Yokutanga Kuzvikurukura

Munyika dzakabudirira, dzakadai seUnited States, South Korea, uye dzimwe dzokuWestern Europe, vasikana vanowanzotanga kutevera vaine makore 12 ne13, kunyange zvazvo vachikwanisa kutevera pazera duku zvikuru remakore 8 uye vachinonoka zvokutozotevera vava nemakore 16 kana kuti 17. Mune dzimwe nyika dzeAfrica neAsia, avhareji yemakore okutanga kutevera evasikana inoita seyakati kwirirei. Somuenzaniso, muNigeria avhareji yacho makore 15. Zvinhu zvakawanda, zvakadai semasero okutodza, mari, zvokudya zvinovaka muviri, kurovedza muviri, uye kukwirira kwenzvimbo, zvine zvazvinoita pakuti musikana atange kutevera.

Zvakanaka kuti utange kuudza mwanasikana wako asati aenda kumwedzi kokutanga. Saka, kukurukura nyaya dzine chokuita nokuchinja kwomuviri uye zvokuenda kumwedzi kunofanira kutanga achiri muduku, zvichida mwanasikana wako paanenge aine makore anenge masere. Ungafunga kuti uku kunyanya kukurumidza, asi kana mwanasikana wako aine makore ari pakati pemasere negumi, zvingangoita kuti muviri wake unenge watotanga kukura nechomukati zvichikonzerwa nokuwedzera kwemakemikari omuviri. Uchaona kuchinja kunokonzerwa nokuyaruka kwomuviri wake, kwakadai sokukura kwemazamu uye kuwedzera kwebvudzi pamuviri wake. Vasikana vakawanda vanokurumidza kukura (vanokurumidza kureba uye kuwedzera uremu) pavanenge vava kuda kutanga kutevera.

Matangiro Amungaita Kutaura Nyaya Yacho

Vasikana vanenge vava kuda kutanga kutevera vanowanzoda kuziva zvavanofanira kutarisira. Pamwe vangave vakanzwa vamwe vasikana vachikurukura nyaya yacho kuchikoro. Vanenge vaine mibvunzo, asi vakawanda vacho havazivi kuti vanobvunza sei nyaya yacho. Vangave vachinyara nezvenyaya yacho.

Vabereki vangave vachinyarawo kutaura nyaya yacho. Kunyange zvazvo vanaamai vari ivo vanowanzotaura mashoko enguva yokuenda kumwedzi, vanowanzonzwa vasina kugadzirira uye vachinyara pavanenge vachitaura nyaya iyi. Pamwe ndiwo manzwiro aunoita. Saka ungatanga sei kukurukura zvokutevera uye kuenda kumwedzi nomwanasikana wako?

Vasikana vanenge vachiri pasi pemakore 12 vanenge vava kuda kutanga kutevera vangangonzwisisa mashoko ari nyore, akananga. Mashoko acho angasanganisira okuti kuenda kumwedzi kunoitika kakawanda sei, kunogara nguva yakareba sei, kana kuti iropa rakawanda zvakadini rinobuda. Saka, paunenge uchangotanga kudzidzisa mwanasikana zvokuenda kumwedzi, zvingava zvakanyanya kunaka kumudzidzisa nezvezvinhu zvaangaita uye zvinoshandisika kana ava kumwedzi. Uyezve, ungada kupindura mibvunzo yakadai sokuti: Ndinenge ndichinzwa sei? kana kuti, Chii chandinofanira kutarisira?

Nokufamba kwenguva, ungada kukurukura mashoko ose ane chokuita nokuenda kumwedzi. Kazhinji, unogona kuwana mabhuku anodzidzisa kunyanzvi dzezvoutano kana kuti kubva kumaraibhurari kana kuzvitoro zvinotengesa mabhuku. Mabhuku akadaro angabatsira kutsanangura zvose zvinoitika. Vamwe vasikana vangada kuzviverengera mabhuku aya. Vamwe vanganzwa vakarerukirwa kana ukaverenga mashoko acho navo.

Sarudzai nzvimbo yakanyarara yokuti mutange kukurukurirana izvi. Tangai nekurukurirano iri nyore ine chokuita nokukura. Zvichida ungataura kuti: “Rimwe zuva pane zvichaitika kwauri zvinongoitika kuvasikana vose. Unozviziva here?” Kana kuti amai vangatanga nokutaura mashoko ezvakaitika kwavari ivo, sookuti: “Pandaiva pazera rako, ndakambonetseka kuti kuenda kumwedzi kwakamboita sei. Taizvitaura neshamwari dzangu kuchikoro. Shamwari dzako dzati dzatanga kutaura nezvazvo here?” Bvunza zvaanotoziva nezvokuenda kumwedzi uye ruramisa mashoko api neapi asina kururama nezvazvo. Unofanira kunge wakagadzirira kuti pakukurukurirana kokutanga, uve iwe unonyanya kutaura.

Hapana mubvunzo kuti somukadzi akambozvidyawo mwoyo uye akambonetseka pawakatanga kutevera, unogona kushandisa ruzivo rwako paunenge uchikurukura nyaya iyi. Zvii zvawaida kuziva? Mashoko api akakubatsira? Edza kuratidza zvose zvakanaka nezvisina kunaka panyaya yokuenda kumwedzi. Farira kupindura mibvunzo.

Zvinofanira Kuramba Zvichikurukurwa

Kudzidzisa zvokuenda kumwedzi kunofanira kuonekwa kwete senyaya inongokurukurwa kamwe chete bedzi. Hamufaniri kutaura zvose panguva imwe chete. Kutaura mashoko akawandisa panguva imwe chete kungavhiringidza musikana muduku wacho. Vana vanodzidza zvinhu zvishoma nezvishoma. Uyewo ungafanira kudzokorora mashoko acho panguva dzakasiyana. Vasikana vaduku zvavanokura, vangakwanisa kunyatsonzwisisa zvimwe zvinobatanidzwa.

Chimwewo ndechokuti maonero anoita vasikana nyaya yokuenda kumwedzi anochinja pavanenge vachiyaruka. Mwanasikana wako paanenge ava kuziva zvokuita paanoenda kumwedzi, angangovawo nemimwe mibvunzo uye zvaangave asina chokwadi nazvo. Saka, unofanira kuramba uchimudzidzisa uye uchipindura mibvunzo yake. Simbisa zvinonyanya kuenderana uye zvakakodzera zera romwanasikana wako nemano ake okunzwisisa.

Tanga Iwe Kuzvikurukura

Asi ungaitei kana mwanasikana wako akaita seasiri kufarira nyaya yacho? Zvichida angasada kutaura zvinoitika kwaari zvomunhu oga. Kana kuti zvichida anoda nguva kuti anzwe akasununguka kutsvaka mashoko akakodzera kuti abvunze mibvunzo panyaya yacho. Angatotaura kuti anotoziva zvinhu zvose zvaanofanira kuziva.

Mune imwe ongororo yakaitwa pavasikana vari mugiredhi rechitanhatu muUnited States, vasikana vakawanda vaiona sokunge vakanga vagadzirira kutevera. Zvisinei, pavaizobvunzwa zvimwe, zvaiva zvakajeka kuti vaiziva zvishoma uye zvakaratidza kuti vakanga vatogamuchira sechokwadi mashoko asiri iwo akasiyana-siyana ave achitaurwa kubvira kare. Saka, kunyange mwanasikana wako akati anotoziva nezvokutevera, unongofanira kumuudza nezvazvo.

Pamwe zvingasarira kwauri kuti utange kutaura mashoko mashoma nezvokuenda kumwedzi woramba uchitaura nezvazvo. Chaizvoizvo ibasa rako somubereki. Zvisinei nokuti abvuma here panguva yacho kana kuti kwete, mwanasikana wako anoda kubatsirwa newe. Unganzwa waora mwoyo uye kunzwa sousingakwanisi, asi usakanda mapfumo pasi. Shivirira. Nokufamba kwenguva, mwanasikana wako achasvika pakuona kuti zvose zvaungave wakaita zvaikosha zvechokwadi.

[Mashoko Omuzasi]

a MuJapan mhuri dzinongova nababa chete dzakawedzera zvikuru muna 2003. MuUnited States, mhuri dzinongova nababa chete dzinenge imwe chete panhanhatu pamhuri dzose dzine mubereki mumwe chete.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]

Zvakanyanya kunaka kutaura nomwanasikana wako asati atanga kuenda kumwedzi

[Bhokisi riri papeji 13]

MATAURIRO AUNGAITA NOMWANASIKANA WAKO ZVOKUENDA KUMWEDZI

❖ Bvunza zvaanotoziva nechekare. Gadzirisa mashoko api neapi asiri iwo aanenge akaudzwa. Iva nechokwadi chokuti mose mune mashoko akarurama.

❖ Taura naye zvakaitika kwauri. Nokutaura uye kumuudza zvakaitika kwauri pawakatanga kutevera, unogona kutsigira mwanasikana wako mupfungwa.

❖ Taura mashoko anoshandisika. Mibvunzo inowanzobvunzwa nevasikana vaduku inosanganisira iyi: “Ndinoita sei kana ndikatanga kuenda kumwedzi ndiri kuchikoro?” “Zvii zvandinofanira kushandisa kana ndava kumwedzi?” “Ndinozvishandisa sei?”

❖ Taura mashoko acho nenzira iri nyore. Taura mashoko acho zvichienderana nezera romwanasikana wako uye kukwanisa kwake kuzvinzwisisa.

❖ Ita kuti arambe achidzidza nezvazvo. Tanga kutaura nomwanasikana wako asati atombotanga kutevera, uye ramba uchitaura naye pazvinenge zvichidiwa, kunyange paanenge atanga kuenda kumwedzi.

[Mufananidzo uri papeji 12, 13]

Nzwisisa. Mwanasikana wako angasada kutaura zvinoitika kwaari zvomunhu oga

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe