RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 July pp. 8-9
  • Kufara Patariro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufara Patariro
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tariro Kunyange Kune Vakafa
  • Tariro Kune Vasina Pekugara Uye Varombo
    Mukai!—2015
  • Mutsa weMerita Unounza Zvikomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Chinganyatsoita Kuti Uwane Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 July pp. 8-9

Kufara Patariro

JOE akanga achirwara zvikuru nekenza inouraya. Mudzimai wake, Kirsten, neshamwari dzake shomanana vaiva pamubhedha wake vachikurukura. Kirsten akatarisa murume wake ndokuona misodzi ichiyerera pamatama ake. Pakutanga, akafunga kuti Joe airwadziwa. Zvichida airwadziwa hake, asi panguva ino, akaudza mudzimai wake kuti misodzi iyi yakanga isiri yokurwadziwa.

“Panguva iyi yakaoma,” anodaro Kirsten, “Joe akanga akaunganirwa neshamwari dzake dzepedyo dzakanga dzauya kuzomuona. Uyewo, akanga ava netariro inokosha uye ava nechivimbo zvikuru chokuziva kuti muupenyu hwake kupfuura nguva ipi neipi, hapana aigona kumutorera tariro iyi. Akati kutaura chokwadi, misodzi yake yaiva misodzi yomufaro. Usiku ihwohwo, Joe akafa.”

Itariro ipi yakaita kuti Joe amboramba ari mupenyu chirwere chake pachaiwedzera kuipa? Yaiva yechipikirwa chaJehovha Mwari choupenyu husingaperi noutano hwakakwana mupasi rinenge riri paradhiso. (Pisarema 37:10, 11, 29) Zvakazarurwa 21:3, 4 inoti: “Tende raMwari riri pakati pevanhu . . . Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga [kusanganisira zvinhu zviri kunetsa mazuva ano] zvapfuura.”

Tariro Kunyange Kune Vakafa

Kuna Joe kuzadzika kwetariro iyi kuchareva kumutswa. Chokwadi, akanyaradzwa nechipikirwa chaJesu chokuti “vose vari mumakuva”—vakafa vachayeukwa naMwari—vachamutswa kubva murufu. (Johani 5:28, 29) Wakasuruvara here nokuti wakafirwa nomumwe munhu womumhuri kana kuti shamwari yako? Kana zvakadaro, tariro yorumuko inogonawo kukusimbisa. Ichokwadi kuti tariro iyi haititadzisi kuchema sezviya zvatinoita kana pafa munhu watinoda. Jesu pachake “akasvimha misodzi” pakafa shamwari yake Razaro. Asi tariro yedu inoderedza marwadzo acho.—Johani 11:14, 34, 35; 1 VaTesaronika 4:13.

“Joe paakafa nekenza,” anodaro Kirsten, “ndakafunga kuti handichazombofari zvakare. Kunyange iye zvino, zvapadarika makore mashoma afa, ndinoziva kuti upenyu hwangu munyika ino hauchazombofanani nohwandaiva nahwo. Joe akasiya buri risingavhariki. Asi, nomwoyo wose ndinoti ndava norugare rwepfungwa nokugutsikana zvakare.”

Mashoko aKirsten anoita kuti tiyeuke kuti munyika ino, hatigoni kutarisira kugara tichingofara nguva dzose. Muupenyu zvinhu zvinombooma uye zvinombonaka. Uye pane nguva yatinombofanira kusuwa, panenge pasina kukodzera zvachose kufara. (Muparidzi 3:1, 4; 7:2-4) Uyewo, vamwe vedu tingatambura nokuora mwoyo kunokonzerwa nezvinhu zvakasiyana-siyana. Kunyange zvakadaro, zvipikirwa zveBhaibheri zvinonyaradza kwazvo, uye uchenjeri husingaenzaniswi hwatinowana muBhaibheri hunogona kutibatsira kunzvenga zvinhu zvakawanda zvinoita kuti tisafare. “Munhu anonditeerera,” Mwari anodaro, “achagara akachengeteka, asinganetseki nokutya dambudziko.”—Zvirevo 1:33.

Chokwadi, Jehovha anoda nomwoyo wake wose kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka. Anoda kuti tifare—kwete zvechipameso chete, asi kuti tifare nechomukati, kwete bedzi kwemakore mashoma, asi nokusingaperi! Ndokusaka Mwanakomana wake akataura mashoko aya anoenderana nenguva anoti: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Tinenge takachenjera kana tikashandisa mashoko ake.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]

Zvinhu Zvipfumbamwe Zvinoita Kuti Pave Nomufaro

1. Kukoshesa zvinhu zvokunamata muupenyu.—Mateu 5:3.

2. Kugutsikana uye kudzivisa “kuda mari.”—1 Timoti 6:6-10.

3. Kusanyanya kukoshesa mafaro.—2 Timoti 3:1, 4.

4. Kupa uye kubatsira vamwe kuti vafare.—Mabasa 20:35.

5. Kuonga uye kufunga zvakanaka zvaunowana.—VaKorose 3:15.

6. Kukanganwira vamwe.—Mateu 6:14.

7. Kusarudza shamwari dzako nokuchenjera.—Zvirevo 13:20.

8. Kutarisira utano hwako uye kurega miitiro yakaipa.—2 VaKorinde 7:1.

9. ‘Kufara patariro’ yawakanyorerwa iri muBhaibheri.—VaRoma 12:12.

[Mifananidzo iri papeji 9]

Tariro yeBhaibheri youpenyu munyika itsva inotinyaradza kwazvo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe