RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 July pp. 26-30
  • Ndakadzidza Kuvimba naMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakadzidza Kuvimba naMwari
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuonana Kwandakaita neZvapupu
  • Musangano wechiKristu Wandakatanga Kupinda
  • Zvandakaita Pandakashorwa Nemhuri
  • Miedzo Yepashure Pehondo muEstonia
  • Ndakasunungurwa Ndisingatarisiri
  • Kusungwa Nokuzoendeswa kuSiberia
  • Kutamisirwa Kumisasa yokuMordovia
  • Makore Anoda Kusvika 50 Ndava Kumusha
  • Ndakakurira Miedzo Yokushumira Mwari
    Mukai!—2005
  • “Tinodzidza Pane Zvakaitika Kare”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kuwana Mufaro Uye Zvidzidzo Pakushumira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Makore Anopfuura 40 Tichirambidzwa Kunamata Nechikomonisti
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 July pp. 26-30

Ndakadzidza Kuvimba naMwari

YAKATAURWA NAELLA TOOM

MHURI yedu yaigara pedyo netaundi duku reOtepää, riri kumaodzanyemba kweEstonia, anenge makiromita 60 kubva kumuganhu weRussia. Muna October 1944, mwedzi mishomanana ndapedza chikoro chesekondari, Hondo Yenyika II yakanga yopera. Mauto eRussia zvaakadzingirira mauto eGermany nomuEstonia, isu nevavakidzani vedu—vanenge 20—takahwanda mumasango tiine zvipfuwo zvedu.

Kwemwedzi miviri mabhomba paaidonhedzwa pose pose, taiva pedyo chaipo nepairwirwa hondo iyi. Taigara pamwe chete, uye ndaiverenga dzimwe ndima dzomuBhaibheri, zvikurukuru dzeMariro aJeremiya. Aka kaiva kokutanga kandakaverenga Bhaibheri. Rimwe zuva ndakakwira pane chimwe chikomo chakakwirira, ndichibva ndapfugama ndokunyengetera kuti, “Kana hondo ikapera, ndiri kuvimbisa kuti ndichaenda kuchechi musi weSvondo woga woga.”

Munguva pfupi hondo yacho yakanga yava kurwirwa kumadokero. Nokuzokanda mapfumo pasi kwakaita Germany muna May 1945, Hondo Yenyika II yakaguma muEurope. Panguva iyi ndakaita zvandakanga ndavimbisa kuna Mwari nokuenda kuchechi vhiki yoga yoga. Asi kwaingova nevakadzi vashoma vainge vati kurei vaipinda chechi. Ndainyara kuendako. Mumwe munhu paakapfuura nepamba pedu achitishanyira, ndakaviga Bhaibheri pasi petafura.

Nokukurumidza ndakawana basa somudzidzisi pane chimwe chikoro chomunzvimbo iyoyo. Panguva iyi, sangano revaKomonisiti rakanga rava kutonga uye vakawanda vakanga vasingachadaviri muna Mwari. Kunyange zvakadaro, ndakaramba kupinda muBoka revaKomonisiti. Ndaizviwanzira zvokuita nokuronga mitambo yokushamwaridzana yakawanda, yakadai sematambiro evanhu vokuno.

Kuonana Kwandakaita neZvapupu

Paidiwa zvipfeko zvevana zvokuti vashandise pavanenge vachiita mitambo, saka muna April 1945, ndakaenda kunoona Emilie Sannamees, nyanzvi yokusona. Handina kuziva kuti aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Akabvunza kuti, “Unofungei nezvemamiriro ezvinhu enyika?” Sezvo musangano worunyararo wakanga uchiitwa muSan Francisco, U.S.A., ndakati: “Nokukurumidza hurumende ino ichabviswa, uye ndine chokwadi chokuti musangano worunyararo uri kuitwa kuti pave nechokwadi chokuti yabviswa.”

Emilie akati musangano worunyararo waisazobatsira zvechigarire, uye akati aizoda kundiratidza muBhaibheri kuti nei zvakanga zvisingaiti. Ndakanga ndisingadi kuteerera mukadzi uyu munyoro, aiva ati kurei, saka akandibvunza kuti, “Unoziva here kuti Mwari aida kuti Adhamu naEvha vagare kupi?” Sezvo ndisina kukwanisa kupindura akangoti, “Ubvunze baba vako.”

Ndakavabvunza pandakasvika kumba. Havana kukwanisa kupindura vachibva vati hatifaniri kuzvinetsa nokudzidza Bhaibheri; tinongofanira kuva nokutenda. Pandakadzokera kunotora zvipfeko zviya, ndakamuudza kuti Baba vakanga vasingazivi mhinduro yomubvunzo wake. Iye nomukoma wake vakabudisa maBhaibheri avo ndokundiverengera mirayiridzo yaMwari yaakapa Adhamu naEvha—yokutarisira musha wakanga uri bindu uye kuti vararame imomo vachifara nokusingaperi. Vakandiratidza muBhaibheri kuti chaiva chinangwa chaMwari kuti Adhamu naEvha vave nevana uye vawedzere musha wavo weParadhiso panyika yose. Ndakanakidzwa nouchapupu hwandakawana muMagwaro!—Genesisi 1:28; 2:8, 9, 15; Pisarema 37:29; Isaya 45:18; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Musangano wechiKristu Wandakatanga Kupinda

Sezvo ndaifanira kupinda kosi youdzidzisi yemwedzi mitatu muchirimo muTartu, Emilie akandipa kero yechimwe Chapupu chaiva muguta iroro. Akandipawo bhuku rinonzi Creation, rakandishamisa chaizvo nokutsanangura kwaro zvakajeka chokwadi cheBhaibheri. Saka musi waAugust 4, 1945, ndakaenda pamusha waiva nekero yandakanga ndapiwa.

Pandakaona kuti hapana akapindura, ndakagogodzazve noruzha zvokuti muvakidzani akavhura musiwo wake ndokundipa imwe kero yaiti—56 Salme Street. Ikoko ndakabvunza mumwe mukadzi akanga achimenya mbatatisi muimba yokushandira kuti, “Pane musangano wechitendero here uri kuitwa pano?” Agumbuka akandiudza kuti ndiende, achiti akanga asingadi kundiona. Sezvo ndakaramba ndichibvunza, ndakanzi ndikwire nemasitepisi kumusoro ndinobatanawo neboka raidzidza Bhaibheri. Nenguva isipi, takambozorora kuti tidye zvokudya zvemasikati, uye ndakagadzirira kuenda. Asi vamwe vakandikurudzira kugara.

Sezvo ndaitarisa-tarisa zvangu pakuzorora ikoko kwemasikati, ndakaona majaya maviri, akanga akacheneruka, akaondoroka zvaishamisa, akagara pedyo nehwindo. Ndakazoziva kuti munguva yehondo akanga apedza rinodarika gore achingohwanda munzvimbo dzakasiyana-siyana kuti asabatwa.a Mupurogiramu yemasikati, Friedrich Altpere akashandisa shoko rokuti “Amagedhoni” muhurukuro yake. Sezvo ndakanga ndisingazivi shoko racho, ndakamubvunza nezvaro pashure pacho, uye akandiratidza muBhaibheri. (Zvakazarurwa 16:16) Paakaona ndichishamisika, akatoita seashamisikawo kuti ndakanga ndisingazivi shoko iri.

Ndakazoziva kuti musangano uyu wakanga warongerwa Zvapupu zvaizivikanwa chete, zvaivimbwa. Ndakazozivawo kuti waiva musangano wavo wokutanga pashure pehondo! Kubvira panguva iyoyo, ndakanga ndava kunyatsoziva kuti ndaifanira kuvimba naMwari. (Zvirevo 3:5, 6) Kwapera gore, muna August 1946, ndiine makore 20, ndakabhabhatidzwa ndichiratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Mwari wechokwadi, Jehovha.

Zvandakaita Pandakashorwa Nemhuri

Hurumende yakamanikidza kuti kusadavira Mwari kudzidziswe muzvikoro, saka izvi zvakaedza hana yangu yakanga yadzidziswa Bhaibheri. Ndaida kuchinja basa rangu. Pandakaudza Amai izvi, vakandirova vagumbuka, vachindidhonza bvudzi. Ndakasarudza kubva pamba. Asi Baba vakandikurudzira kuti ndingobvuma vachiti vaizondibatsira.

Hanzvadzi yangu Ants akabatana naAmai pakundishora. Asi rimwe zuva akandikumbira mamwe mabhuku, aakaverenga uye aakafarira chaizvo. Amai vakatowedzera kutsamwa. Ants akatotanga kutaura nezvaMwari kuchikoro, asi paakatanga kutambudzwa, akarega kuwadzana neZvapupu. Nguva pfupi pashure pacho, akakuvara musoro mutsaona paaiita mutambo wokusvetuka mvura. Akanga ava kugara akarara pamubhedha, aoma nhengo dzomuviri, asi pfungwa dzake dzakanga dzichiri kushanda chaizvo. Akabvunza kuti, “Jehovha achandikanganwira here?” Ndikati, “Hungu.” Ants akafa mazuva mashomanana gare gare. Aingova nemakore 17.

Muna September 1947, ndakasiya basa rangu pachikoro. Amai vakaramba vachida kungondiitira zvechisimba chaizvo. Pavakakandira panze zvipfeko zvangu, ndakabva pamba uye ndakatorwa nomukoma nomunin’ina vemhuri yokwaSannamees. Zvavaindiyeuchidza zvokuti Jehovha haambosiyi vashumiri vake zvakandikurudzira.

Miedzo Yepashure Pehondo muEstonia

Mukoma nomunin’ina ava vokwaSannamees vakaita kuti ndishande navo kusona zvipfeko zvevanhu vaigara kumapurazi. Taiwanzotaura navo nezvechokwadi cheBhaibheri. Yaiva nguva yaifadza, nokuti handina kungodzidza kusona chete asi ndakava noruzivo kwazvo muushumiri hwechiKristu. Kuwedzera pakusona, ndakawanawo basa rokudzidzisa masvomhu. Zvisinei, muna 1948, zviremera zvakatanga kusunga Zvapupu.

Gore rakatevera, muna October, ndakanga ndichishanda zvangu papurazi pandakaudzwa kuti zviremera zvakanga zvaenda kumusha wokwaSannamees kuti zvindisunge. Pandakati nditizire kupurazi raHama Hugo Susi, ndakaziva kuti vakanga vachangobva kusungwa. Mumwe mukadzi wandakanga ndambosonera zvipfeko akandikoka kuti ndigare naye. Gare gare ndakanga ndava kufamba purazi nepurazi, ndichisona nokuenderera mberi nebasa rokuparidza.

Sezvo chando chakasvika, veSoviet State Security Committee (KGB) vakandiwana muTartu pamusha waLinda Mettig, chimwe Chapupu chechiduku chaishingaira chaiva chakandikurira nemakore mashomanana. Vakandisunga ndokuenda neni kuti vanondibvunzurudza. Ndakanzwa ndanyadziswa zvikuru pandamanikidzwa kupfekenura mbatya dzangu dzose uye ndakatariswa nemapurisa echiduku. Asi, ndanyengetera kuna Jehovha, ndokuva norugare norunyararo mumwoyo.

Pashure pacho, ndakaiswa muchitokisi chidukuduku, mandakanga ndisingakwanisi kunyange kurara pasi. Ndaingobudiswa pakunobvunzurudzwa chete. Mapurisa acho aiti: “Hatisi kuti urambe kuti Mwari aripo. Ingorega kuparidza kwoupenzi kwauri kuita! Unogona kuva neramangwana rakanaka.” Uye vaindityisidzira kuti: “Unoda kurarama here? Kana kuti unoda kufa naMwari wako mumasango okuSiberia?”

Kwemazuva matatu, vaindirambidza kurara pavaiva vasiri kundibvunzurudza. Kufungisisa mashoko eBhaibheri kwakandibatsira kutsungirira. Pakupedzisira, mumwe aindibvunzurudza akandikumbira kuti ndisayine rimwe pepa raiti ndirege kuparidza. Ndakati, “Ndakafungisisa chaizvo izvi, uye zviri nani kuti ndigare zvangu mujeri ndiine ukama hwakanaka naMwari pane kusunungurwa ndorega kufarirwa naye.” Pandakangodaro aindibvunzurudza wacho akabva adanidzira kuti: “Iwe zibenzi! Mose muchasungwa uye muchaendeswa kuSiberia!”

Ndakasunungurwa Ndisingatarisiri

Zvichitondishamisawo, nguva yepakati pousiku isati yasvika, vaindibvunzurudza vaya vakandiudza kuti nditore zvinhu zvangu uye kuti ndiende. Sezvo ndaiziva kuti ndaizoteverwa, handina kuenda kudzimba dzevamwe vangu vechiKristu nokuti dai ndaizodaro kwaiva kuvatengesa. Zvandaifamba mumigwagwa, varume vatatu vakanditevera. Ndichinyengetera kuna Jehovha kuti anditungamirire, ndakaenda nomugwagwa waiva nerima ndokukurumidza kumhanyira mune rimwe bindu. Ndakarara pasi, ndakazvivhara nemashizha. Ndaigona kunzwa mitsindo yevarume vaifamba, uye kuona chiedza chematochi avo.

Maawa akawanda akapfuura, uye mapfupa angu akaoma nechando. Pakupedzisira ndakakwanisa kufamba nomumigwagwa yaiva nematombo ndakatakura shangu dzangu kuti ndisanzwika. Ndabva muguta racho, ndakafamba nomugoronga raitevedza mugwagwa mukuru. Pandaiona motokari, ndairara pasi. Nenguva dza5 mangwanani, ndakasvika pamba paJüri naMeeta Toomel, kusiri kure neTartu.

Meeta akakurumidza kudziisa mumba kuti ndidziirwe. Zuva rakatevera akaenda kuTartu ndokutaura naLinda Mettig. Linda akandikurudzira kuti, “Ngatitangei kuparidza iye zvino uye tiparidze mashoko akanaka muEstonia yose.” Ndachinja chitarisiko changu nokukama bvudzi zvaiva zvakasiyana nezvandaiita, nokupoda-poda, uye ndapfeka magirazi, takatanga kuparidza. Mwedzi yakatevera, takafamba madaro marefu nemabhasikoro. Tiri munzira taikurudzira vatainamata navo vaigara mumapurazi.

Zvapupu zvakaronga kuti gungano reruwa riitwe musi waJuly 24, 1950, mune chimwe chivako chikuru chomumwe mudzidzi weBhaibheri chaichengeterwa uswa hwezvipfuwo pedyo neOtepää. Patakaziva kuti urongwa hwokuungana kwacho hwakanga hwazivikanwa neveKGB, takakwanisa kunyevera Zvapupu zvizhinji zvakanga zvatova munzira. Pakarongwa kuti musangano wacho uitirwe pane imwe nzvimbo zuva raitevera, uye paiva nevanhu 115. Mumwe nomumwe akaenda kumba azara nomufaro uye atsunga kudarika kare kuramba akavimbika pakutarisana nemiedzo.b

Pashure pacho, ini naLinda takaenderera mberi nebasa rokuparidza uye kukurudzira vamwe vedu vechiKristu. Gare gare gore iroro takakohwawo mbatatisi nevamwe ndokuparidza mashoko oUmambo kune vataishanda navo. Mumwe muzvinapurazi akatombomira ndokutiteerera kweawa, achibva ati, “Mashoko akadai hauanzwi mazuva ose!”

Ini naLinda takadzokera kuTartu, kuri iko kwatakazoziva kuti Zvapupu zvakawanda zvakanga zvasungwa, kusanganisira amai vaLinda. Shamwari dzedu dzakawanda dzakanga dzasungwa, kusanganisira mukoma nomunin’ina vokwaSannamees. Sezvo taiziva kuti veKGB vaititsvaka, takawana mabhasikoro maviri ndokuramba tichiparidza kunze kweguta reTartu. Humwe usiku veKGB vakandiwana pamusha waAlma Vardja, chimwe Chapupu chakanga chichangobva kubhabhatidzwa. Vachiongorora pasipoti yangu, mumwe wavo akati: “Ella! Tanga tichikutsvaka kwose kwose!” Waiva musi waDecember 27, 1950.

Kusungwa Nokuzoendeswa kuSiberia

Ini naAlma takarongedza chinyararire zvinhu zvedu zvishoma ndokugara pasi kuti tidye. Vamiririri veKGB vakashamisika ndokuti, “Hamusi kana kumbochema. Makangogara ipapo muchidya.” Takabva tati, “Tiri kuenda kundima yedu itsva, uye hatizivi kuti tichadya rini.” Ndakatakura gumbezi randakazorukisa masokisi nemagirovhosi. Kwapera mwedzi yakawanda tiri muusungwa, muna August 1951, ndakadzingwa senhapwa pamwe chete nezvimwe Zvapupu zvaiva muEstonia.c

Tabva muEstonia takaendeswa nechitima kuLeningrad (iye zvino yava St. Petersburg), Russia, uye kubva ikoko takaendeswa kumisasa yevasungwa yaizivikanwa noutsinye hwaiitwa imomo muVorkuta, Komi, pamusoro peArctic Circle. Muboka redu maiva neZvapupu zvitatu. Kuchikoro ndakanga ndadzidza mutauro wokuRussia uye ndaiedza kutaura mutauro wacho kubvira pandakasungwa. Saka panguva yandakasvika kumisasa yacho ndaikwanisa kunyatsotaura mutauro wokuRussia.

MuVorkuta takasangana nomumwe mukadzi wechiduku wokuUkraine akanga ava Chapupu paaiva mumusasa wevasungwa weNazi muPoland. Muna 1945 iye nezvimwe Zvapupu 14 vakaiswa mungarava iyo varwi veGermany vaida kuti inyure muBaltic Sea. Zvisinei, ngarava yacho haina kunyura asi yakasvika zvakanaka kuDenmark. Gare gare, adzokera kuRussia, akasungwa pamusana pokuparidza uye akaendeswa kuVorkuta, kwaakatikurudzira.

Takasanganawo nevamwe vakadzi vaviri vakatibvunza nomutauro wokuUkraine kuti, “Ndiani pano ari Chapupu chaJehovha?” Takabva taona kuti vaiva hanzvadzi dzedu dzechiKristu! Vakatikurudzira uye vakatitarisira. Vamwe vasungwa vakati patakasvika zvakanga zvakaita sokuti takanga tiine vomumhuri vakanga vakatimirira.

Kutamisirwa Kumisasa yokuMordovia

Kumwe kuongorora kwandakaitwa utano muna December 1951 pakwakaratidza kuti ndaiva nechirwere chepahuro chinonzi thyroid, ndakatamiswa ndikaendeswa makiromita anoda kusvika 1 500 kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kujeri guru rokuMordovia rinenge makiromita 400 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweMoscow. Mumakore akatevera, ndakaonana nezvimwe Zvapupu zvokuGermany, Hungary, Poland, uye zvokuUkraine mumisasa yevakadzi mandaichengeterwa. Ndakasanganawo naMaimu, mumwe musungwa wokuEstonia akanga asungirwa zvematongerwo enyika.

Paaiva mujeri muEstonia, Maimu akanga abereka mwana, uye murindi wepajeri aiva nomutsa akanga apa amai vaMaimu mwana wacho. Mujeri rokuMordovia, takadzidza Bhaibheri naMaimu, uye akabvuma zvaaidzidza. Akakwanisa kunyorera amai vake tsamba, avowo vakagamuchira chokwadi cheBhaibheri ndokudzidzisa kasikana kaMaimu, Karin. Makore matanhatu gare gare Maimu akabudiswa mujeri uye akava pamwe chete nomwana wake zvakare. Karin paakakura akaroorwa neChapupu. Vave vachishanda vose pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muTallinn, Estonia kwemakore 11 apfuura.

Musasa wejeri waiva muzvivako zvakawanda muMordovia waiva nenzvimbo yainzi keji. Yaiva nzvimbo duku, yaiva nezvivako zvaichengetedzwa chaizvo mumusasa iwoyo waiva nomudhuri. Ini nezvimwe Zvapupu zvitanhatu takaendeswa ikoko pamusana pebasa redu rechiKristu. Asi kunyange pataivamo, taigadzira magazini madukuduku enyaya dzomuNharireyomurindi toaendesa kaverevere kune vamwe vaiva mumisasa yaiva pedyo. Zvimwe zvataiita kwaiva kuboora buri pasipo, toisa nyaya yacho mukati, tonama sipo yacho zvakare.

Mumakore andakava mumisasa yokuMordovia, ndakakwanisa kubatsira vanhu vanopfuura gumi kuti vave vanamati vaMwari. Pakupedzisira musi waMay 4, 1956, ndakaudzwa kuti, “Wasununguka kuenda uye kutenda muna Mwari wako, Jehovha.” Mukati momwedzi mumwe chete, ndakanga ndava kuenda kumusha kuEstonia.

Makore Anoda Kusvika 50 Ndava Kumusha

Ndakanga ndisina basa, mari, uye musha. Asi mazuva mashomanana ndasvika, ndakasangana nomumwe mukadzi akafarira dzidziso dzeBhaibheri. Akati ndimbogara naye pamwe chete nomurume wake kwekanguva mufurati yavo yaiva nekamuri rimwe chete. Ndakatenga shinda nemari yokukwereta ndokuruka majuzi andaitengesa kumusika. Ndakazowanirwa basa muchipatara cheTartu Cancer Hospital, kwandaiita mabasa akasiyana-siyana kwemakore manomwe akatevera. Panguva iyi, Lembit Toom akanga adzokawo kubva kwaakanga atapwa kuSiberia, uye muna November 1957 takaroorana.

VeKGB vaigara vachitiongorora, uye nguva nenguva vaitibata noutsinye sezvo basa redu rakanga richiri kurambidzwa. Asi pasinei neizvozvo takaita zvose zvataikwanisa kuti tiudze vamwe zvataitenda. Lembit anotsanangura upenyu hwedu hwepanguva iyi muMukai! yeChirungu yaFebruary 22, 1999. Gore ra1950 rava kunopera uye kuma1960 kwose nokuma1970, Zvapupu zvakanga zvatapwa zvakaramba zvichidzoka kumusha. Ma1980 ava kunopera, muEstonia makanga mava neZvapupu zvaidarika 700. Muna 1991 mabasa edu echiKristu akabvumirwa nomutemo, uye kubvira ipapo tawedzera kusvika paZvapupu zvinopfuura 4 100 muEstonia!

Iye zvino ava makore anodarika 60 kubvira pandakapinda musangano wokutanga wepachivande weZvapupu wakaitwa muEstonia pashure peHondo Yenyika II. Kubvira ipapo, ndave ndakatsunga kuteerera zano reBhaibheri rinoti: “Vimba naJehovha uite zvakanaka.” Ndakadzidza kuti kuvimba naye kunoguma nokuwana “zvinokumbirwa nomwoyo wako.”—Pisarema 37:3, 4.

[Mashoko Omuzasi]

a Mumwe wevarume ava aiva Lembit Toom, ane nyaya yakabuda muMukai! yeChirungu yaFebruary 22, 1999.

b Ona Mukai! yeChirungu yaFebruary 22, 1999, mapeji 12-13, kana uchida mashoko akawanda anorondedzera gungano reruwa iri.

c Zvisinei, Zvapupu zvakawanda muEstonia, zvakanga zvadzingwa senhapwa mukutanga-tanga kwaApril 1951. Ona Mukai! yaMay 8, 2001 mapeji 13-15, uye vhidhiyo inonzi Faithful Under Trials—Jehovah’s Witnesses in the Soviet Union.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]

“Ngatitangei kuparidza iye zvino uye tiparidze mashoko akanaka muEstonia yose.”—Linda Mettig

[Mufananidzo uri papeji 30]

Ndiine zvimwe Zvapupu zvipfumbamwe mujeri rokuMordovia

[Mufananidzo uri papeji 30]

Iye zvino ndiine murume wangu, Lembit

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe