Panofa Mwana
◼ Rufu rwemwana runorwadza vanosara, zvikurukuru vabereki vacho. Vamwe amai vemwanakomana ane makore 16 akatsvira mutsaona vakachema vachiti: “Mwari haabvumire kuti tife isu panzvimbo yevana vedu, kana kubvumira kuti tife pamwe navo.”
Asi, vakanga vaine tariro, sezvavakatsanangura kuti: “Mwari akatiudza chokwadi nezvorufu, uye izvi zvinoita kuti ini nomurume wangu tisaora mwoyo kana kuti tisavhiringidzika mupfungwa.” Vakabvuma kuti “Mwari wedu haana kuita izvozvi kumwanakomana wedu, uye Akaita chinangwa chokumutsa vakafa muparadhiso pasi pano. Mupfungwa dzedu, tinogona kuona mwanakomana wedu ari mupenyu, akasimba uye achifara, ari pakati peshamwari dzake nemhuri yake.”
Zvisinei, kunyange vaya vanovimba netariro yechipikirwa chaMwari chorumuko vanoda kunyaradzwa, sezvakaitwa amai ava vanoonga vakanyaradzwa neshamwari dzavo dzakawanda. Vakati: “Pfungwa dzakawanda dzomuMagwaro nomutsa zvatakaratidzwa zvaibva mubhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. Tinokurudzira vose vari pano kuriverenga kuitira kuti vatinzwisise zviri nani uye kurwadziwa kwaticharamba tichiita.”
Zvichida iwe kana kuti mumwe munhu waunoziva anganyaradzwa nokuverenga bhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. Unogona kukumbira kopi nokuzadza kopani riri pano woritumira kukero yakaratidzwa kana kuti yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Ndisina zvandinovimbisa, ndinokumbirawo bhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa.
□ Ndapota ndionei nezvokudzidza Bhaibheri pachena ndiri pamusha.