RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 January pp. 16-18
  • Hendei tinotsvaka Howa!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hendei tinotsvaka Howa!
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chinonzi Howa?
  • Howa Hunoshamisa
  • Ndiani Anoenda Kunotsvaka Howa?
  • Kubika Howa
  • Chikonzero Chokungwarira
  • Ndakadzidza Chokwadi cheBhaibheri Muromania
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kushandisa Indaneti Nokuchenjera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Mukai!—2006
g06 January pp. 16-18

Hendei tinotsvaka Howa!

Nomunyori weMukai! muCzech Republic

UNGAVE wakahudya kakawanda—zvichida huri papitsa, musaradhi, kana kuti mumuto. Kana kuti pamwe wakafarira kusiyana kwahwakaita nezvimwe zvinomera, izvo zvinofadza vakawanda vanodhirowa mifananidzo vanonyanya kunyora nyaya dzevana. Asi wakambobvunza here kuti howa chinombova chii? Chii chinoita kuti hukure? Ndiani anofanira kutsvaka howa, uye angahutsvaka sei? Ngationei.

Kazhinji kacho, zviri nyore kuziva howa. Hauna mashizha, maruva, uye hauna zvinoita kuti huite girini. Saka kazhinji kacho hunenge hwakasiyana chaizvo nezvimwe zvinomera zvegirini zvinenge zviri pedyo nahwo. Howa hwakawanda hune musoro mukuru unenge wakabatwa nedzinde. Asi hunomera huchitaridzika zvakasiyana-siyana uye huine mavara akasiyana-siyana. Kunotova nehowa hunopenya murima. Kune howa hwakasiyana-siyana. Somuenzaniso, kune howa hunenge makorari omugungwa. Humwe howa hunomera pamiti uye hunoita semasherufu maduku anoisirwa mabhuku.

Chii Chinonzi Howa?

Kwenguva refu masayendisiti aiti howa chimwe chezvinhu zvinomera chinokosha uye chinoshamisa. Mazuva ano, nyanzvi dzakawanda dzezvinhu zvipenyu dzinoisa howa pamusoro muboka rezvinhu zviya zvinovhuvha. Vanoti howa iboka rezvinhu zvipenyu zvakazvimirira, vachidonongodza nezvokutaridzika kwahwo kwakasiyana nezvimwe zvinhu zvinomera, kukura kwahwo, uye mawaniro ahunoita zvokudya. Howa huzhinji hunodyiwa, uye humwe hwacho hunotova nezvinhu zvinorapa. Zvisinei, humwe hwacho hunodhaka zvokuita kuti pfungwa dzione zvisipo kana kuti hunotouraya. Howa hune zita resayenzi rokuti Mycota kana kuti Mycetes.

Howa Hunoshamisa

Howa hunopararira sei? Kubvira kare izvi zvakagara zvisinganzwisiswi nevesayenzi. Nhasi tinoziva kuti howa hunenge hwakura hunoparadzira tunhu twatingati mbeu (spores) tusingaoneki nemaziso, tunofambiswa nemhepo. Muivhu tumbeu (spores) utwu tunochinja kuva tutambo twakawanda tunonzi mycelium. Patutambo utwu ndipo panomera howa. Ndihwo huya hwatagara tichiona uye hwatinoenda kunotsvaka.

Kuti hurarame, howa hunoda chero chii zvacho chakaorera. Saka, hunowanzomera mumasango, mumapindu, uye munzvimbo dzine uswa hwakawanda. Zvokudya zvehowa zvinobva mumiti ine zvirwere kana kuti yakaora, nokudaro howa hunoita basa rinokosha pakuchenesa masango. Pahunotora zvinenge zvasara pamiti, mashizha, uye patumiti, howa hunobatsira kugadzira mupfudze, huchiita kuti ivhu riorere. Humwe howa hunodyidzana nemimwe miti ine utano hwakanaka; tutambo twehowa tunokweva mvura nezvimwe zvinhu kubva muvhu twoendesa izvi kumuti wacho. Muti wacho unozobatsirawo nokupa zvokudya kuhowa.

Howa hunodawo unyoro nokudziya. Ndokusaka huchimera panonaya mvura yezhizha. Kana mamiriro ezvinhu akanaka humwe hunotokura muusiku humwe chete. Humwe howa hunoda mazuva 10 kusvika ku14 kuti husvike upamhi hwemasendimita 50. Humwe hwacho hunotorarama kudarika nguva yahunofanira kurarama. Tutambo twuya panobva howa tunogona kurarama kwemazana emakore. Maererano nemamwe mashoko, howa hunoumba chikamu chotunhu tunomera pamatombo, pamiti, hunogona kurarama kusvika kumakore 600.

Chimwe chinhu chinokosha pane humwe howa kana kuti zvinhu zvakada kufanana nahwo—somuenzaniso howa hunonzi truffles,—munhuwi wahwo wakasimba. Ndokusaka imbwa dzichigona kunzwa munhuwi wehowa uhwu pachine mamita matanhatu, kunyange zvazvo ihwo huchikurira pasi pevhu.a

Ndiani Anoenda Kunotsvaka Howa?

Kwemazana emakore vanhu vave vachitsvaka howa munzvimbo dzakawanda. Nhasi mune dzimwe nzvimbo dzeWestern Europe neNorth America, howa hunonyanya kutsvakwa nenyanzvi dzebasa iri, idzo dzinozohutengesera vaya vanozohutengesawo. Kusiyana neizvi, kudzidzira kutsvaka howa itsika yakajairika uye yagara kwenguva refu muCentral nokuEastern Europe. Vanhu vokumaruwa havasi ivo voga vanongofarira kutsvaka howa. Vakawanda vanogara mumaguta vanoda kupedza mazuva avo okupera kwevhiki vari mumasango vachitsvaka howa. Vanoita izvi nechinangwa chokuzorodza muviri nepfungwa—nokuwedzera zvokudya zvavo zvakare. Vanhu vanotsvaka sei howa?

Vanotsvaka vanowanzotanga mangwanani-ngwanani, howa pahunenge huchiri hunyoro. Vachifamba zvishoma nezvishoma mumasango, vanotarisa muuswa, muzvimwe zvinomera, kana kuti mumiti iya inokura howa. Vanopfeka zvipfeko zvisina hazvo kunaka, kusanganisira shangu dzisingatsvedzi kana kuti majombo, uye vanotakura chikweshe chokuzvidzivirira kuitira kana mvura ikangoerekana yanaya. Munhu anotsvaka howa anoremekedza zvimwe zvisikwa saka anoedza kusakuvadza zvisikwa zvesango, asingaiti ruzha rwakanyanya kuitira kuti asavhiringidze mhuka dzesango.

Ona! Munhu uya achangowana howa. Anokotama pahuri uye asingahubati, anohuongorora kuti aone kana huchidyiwa. Anoongorora howa hwakura nokuti ndihwo hwaanonyatsoziva. Ava nechokwadi chemhando yahwo, anohubata nedzinde rahwo—kwete nomusoro—uye anohudzura muvhu. Pakarepo, anohubvisa ivhu obvisa mativi aya ane makonye kana ashata. Chero zvaanobvisa pahowa hwacho, anozvifukidza nevhu. Anoisa howa hwakachena mubhasikiti rake. Haaisi howa mumapepa epurasitiki kana kuti mimwewo midziyo yepurasitiki nokuti akadaro, howa hunotanga kuora uye hunogona kukanganisika asati atombosvika nahwo kumba.

Kutsvaka howa kunogona kuitwa muchinakidzwa seboka. Mumwe mushumiri wechiKristu anoti: “Tinotanga taenda muushumiri seboka, asi tapedza, tinoda kuva pamwe chete uye kushamwaridzana zvakanaka. Dzimwe nguva tinongoenda kumasango ari pedyo kunotsvaka howa pamwe chete. Patinenge tichitsvaka howa, tinorondedzera zvinhu zvinenge zvaitika muushumiri uye tichinakidzwa zvedu.”

Kubika Howa

Howa hunoshandiswa pakawanda mukubika. Humwe hwacho hunonaka uye hunogona kuva zvokudya zvinokosha pane zvinenge zvabikwa. Somuenzaniso, vanhu vakawanda vanoda kukanga musoro mukuru wehowa hunonzi portobello sezvavanoita nyama kana kucheka-cheka howa vohubika hwakasangana nemiriwo. Howa hwakasiyana-siyana hune maspice hunogona kushandiswa kuwedzera kunaka kwezvokudya zvakasiyana-siyana. Kana hukaomeswa zvakakwana, howa hunogona kushandiswawo sezvokudya zvinoderedza uremu uye zvinovaka. Humwe hunokosheswa nokuda kwemapuroteini ahwo, mavhitamini, nomunyu.

Howa hautani kukanganisika. Saka zvakakodzera kuhushandisa zuva rahunenge hwanhongwa. Maererano nedzimwe nyanzvi, howa hunodyiwa hukasachengetwa zvakanaka hunogona kukuvadza. Kana usingadi kudya howa pakarepo, ungahuomesa kana kuhuchengetedza zvakanaka neimwe nzira. Ukadaro unogona kukaringa zvokudya zvako nahwo gore rose. Unogona kuwana mashoko akawanda mumabhuku anotaura nezvokutsvaka howa.

Chikonzero Chokungwarira

Kana usina kumbobvira watsvaka howa uye uchida kuzviedza, zvinokosha chaizvo kuti utange nokunyatsotsvakurudza. Ona kuti howa hupi hunodyiwa nehusingadyiwi hunomera kwaunogara. Dzidza kuti ungahuziva sei. Ungadawo kubvunza nyanzvi, dzakadai sevaya vanotengesa mishonga, vanoigadzira, kana kuti vakadzidza nezvehowa. Usadzura howa nokungoti hwakanaka kana kuti hunonhuwirira. Kana usina chokwadi zvachose nehowa hwacho, usahudzura! Howa humwe chete hune chepfu hunogona kuita kuti howa hwakawanda hunodyiwa hunenge hwabikwa husadyike, kunyange kutova nengozi. Kana zvikaitika kuti unomira mwoyo kana kutemwa nomusoro wadya howa, ona chiremba nokukurumidza.

Zvisinei nokuti uchaedza kutsvaka howa kana kwete, uchangogara uchiyemura kunaka kwahwo. Kuita kudaro kungakuyeuchidza kuti zvisikwa izvi zvakaoma kunzwisisa, zvinokosha uye zvinoshamisa hazvina kungovapo netsaona. Kungofanana nezvimwe zvinhu zvinoshamisa zvakasikwa zviri munyika, howa hunopa uchapupu hwokuti pane Musiki akachenjera uye ane rudo.—Genesisi 1:11-13; Pisarema 104:24.

[Mashoko Omuzasi]

a Imbwa nenguruve dzakarovedzwa dzinoshandiswa kutsvaga howa hunonzi truffles. Howa hunonzi truffles hunodhura chaizvo kana huchienzaniswa nohumwe howa hunowanika kwakawanda.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Morel

[Mufananidzo uri papeji 18]

Shiitake

[Mufananidzo uri papeji 18]

Portobello

[Mufananidzo uri papeji 18]

Cremini

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe