Nyika Yakapatsanurwa Noupfumi
MUCHIKAMU chechipiri chomuzana remakore rechi20, nyika yakapinda muHondo Yemashoko uye yakapatsanurwa mune zvematongerwo enyika ikava zvikamu zvitatu. Pakava nenyika dzeKomonizimu, dzainyanya kutungamirirwa neUnion of Soviet Socialist Republics, uye nyika dzakanga dzisiri dzeKomonizimu, dzaitungamirirwa neUnited States, idzo dzakanga dzisingadyidzani zvachose. Nyika dzakanga dzisina kwadzakarerekera dzakaumba boka rechitatu.
Nyika dzaiva muboka iri rechitatu kazhinji kacho dzaiva dzakaderera mune zvoupfumi. Zvisinei, mashoko okuti nyika dzakaderera mune zvoupfumi akasvika pakuonekwa seaizvidza, uye akazotsiviwa neokuti “nyika dzisina kusimukira.” Nokufamba kwenguva izviwo zvakaonekwa sokushora saka nokuda kwechikonzero ichi nyanzvi dzezvoupfumi dzakatanga kushandisa mashoko okuti “nyika dzichiri kusimukira.” Saka kushandiswa kwemashoko kwakachinja kubva pakusimbisa kusiyana mune zvematongerwo enyika ndokubva kwanyanya kusimbisa kusiyana mune zvoupfumi.
Pari zvino muzana rino remakore rechi21, nyika yakapatsanurwa kuva zvikamu zvitatu mune zvematongerwo enyika yataurwa pamusoro apa hapachina. Zvisinei, mune zvoupfumi uye zvemaindasitiri, nyika dzakasimukira nedzichiri kusimukira dzichakasiyana chaizvo. Vanovhakachira nzvimbo dzakasiyana-siyana vanobva kunyika dzakapfuma vanosangana nevanhu vasina kupfuma vanenge vachitamburira kuwana chouviri.
Nokudaro, mubvunzo uyu unokosha: Nyika yose ichangofanira kuramba yakapatsanurwa mune zvoupfumi, kana kuti vaya vane zvinhu zvakawanda, vapfumi, uye vaya vasina zvinhu, varombo, vachasvika pakufanana vachirarama zvakaenzana here?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]
© Qilai Shen/Panos Pictures