RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 January pp. 27-29
  • Kutsunga Pasinei Nourema

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsunga Pasinei Nourema
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsvaka Mhinduro
  • Pakupedzisira, Ndakanyaradzwa Mune Zvokunamata
  • Zvipingamupinyi Zvinomuka
  • Zvimwe Zvipingamupinyi
  • Kuedza Kupinda Gungano
  • Kutsunga Kwakaita Kuti Ndikomborerwe
  • Jehovha Akandipa Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Nyaya Dzinofadza Dzakaitika Kwakasiyana-siyana
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Iye Zvino Ndinofunga Kuti Ndava Kukwanisa Kubatsirawo Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 January pp. 27-29

Kutsunga Pasinei Nourema

Yakataurwa naKouamé NʹGuessan

Ini neshamwari yangu takatamburira kusunda bhasikoro tichikwidzazve chimwe chikomo. Maiva muna November 2002, uye hondo yezvizvarwa zvomunyika yeIvory Coast, muAfrica, yaitsviriridza. Saka nzira iyi yakanga isingachafambwi yaiva nengozi dzakawanda. Kumberi kwedu taifanira kudarika neparodhibhuroku. Nei ndakanga ndiri kufamba rwendo rwaiva nengozi kudaro munguva iyi yehondo?

NDAKABEREKWA muna 1978 ndiine chirwere chairamba chichiipa. Zvakatanga nechinetso chokunzwa uye makumbo airwadza zvikuru. Sezvandaikura, vomumhuri yangu vaindiseka, vachiti ndakanga ndiine ‘makumbo asingabatsiri nenzeve dzakazara tsvina.’ Vechikuru vaindizvidza, uye vana vainditsvinyira nokuti ndaiva chirema uye kuti ndaiva netsoka dzakaremara.

Ndakatanga chikoro ndiine makore masere uye nenguva isipi ndakanga ndava kudheererwa nevandaidzidza navo nevadzidzisi vanguwo. Kazhinji ndaishuva kuti pasi rivhurike rindimedze. Vanhu pavaiona kuti ndaitya, vaindiitira misere. Ndaingobva pamba kungoitira kuenda kuchikoro.

‘Nei ndakabatwa nechirwere ichi?’ Ndaizvibvunza. Amai vakati chakanga chakonzerwa nokutsingwa kwandakaitwa nomumwe munhu. Pane dzimwe nguva ndaiona vamwe vairwara seni uye ndaibvunza kuti, ‘Izvi zvaireva here kuti ivowo vakanga varoyiwa?’

Muna 1992, ndakatanga kurwadziwa zvikuru mumagokora. Kurwadziwa kwambodzikira, ndakatadza kutwasanudza maoko angu. Makore maviri gare gare, ziso rangu roruboshwe rakanga risingachaoni. Vabereki vangu vakandiendesa kune vanhu vakawanda vainzi vanorapa asi zvose zvakashaya basa. Utano hwangu hwakanga huchiwedzera kuipa hwakaita kuti ndisiye chikoro.

Kutsvaka Mhinduro

Mumwe wandaidzidza naye aipinda imwe chechi akandiku- mbira kuti ndiende naye kuchechi kwake. Ndakanga ndarerwa ndichidavira kuti mhuka, miti, uye zvimwe zvinhu zvakasikwa zvine upenyu, asi ndakapinda minamato yechechi kwegore. Ikoko ndakadzidza zvishoma nezveBhaibheri, saka ndakatanga kushamisika kana chitendero chakarongwa chaibatsira.

Dzimwe dzidziso dzechechi dzaiita kuti nditye, zvikurukuru iya yokuti kuhero kune moto. Handina kumbofunga kuti ndakanga ndiri munhu akaipa chaizvo zvokukodzera kupiswa nokusingaperi. Asi panguva imwe chete iyi, ndakanga ndisingafungi kuti ndaiva ndakanaka zvokukodzera kuwana mufaro usingaperi kudenga. Sezvo ndisina kuwana mhinduro dzaigutsa mibvunzo yangu, ndakatanga kusafarira zvechitendero.

Gore rakatevera racho ndakakokwa kune mumwe musangano wokuporesa varwere muAbidjan, guta guru reIvory Coast, riri makiromita anenge 150 kubva kuguta redu duku reVavoua. Tisati taenda, ndakaudza vaitungamirira muchechi yacho kuti ndakanga ndisina mari yakakwana yokupinda kana yokudya. Vakataura vachiita sokuti ndaizotarisirwa muAbidjan, asi handizvo zvakaitika. Kunyange zvazvo ndakanga ndiri paboka guru revanhu raiva pakati pe40 000 ne50 000, ndakasurukirwa uye ndakaora mwoyo. Hapana akambondifarirawo.

Ndakadzokera kuVavoua ndichingorwara sezvandaiita, asi iye zvino ndakanga ndaora mwoyo zvakare. Vatungamiriri vechitendero vomunharaunda iyoyo vakandiudza kuti Mwari akanga asina kundiporesa nokuti ndakanga ndisina kutenda. Zvadaro, ndakasiyana nezvinhu zvose zvine chokuita nechitendero.

Pakupedzisira, Ndakanyaradzwa Mune Zvokunamata

Muna 1996 mumwe weZvapupu zvaJehovha akashanyira mhuri yedu. Ndakanga ndisati ndambotaura neChapupu, asi ndakateerera kurukurirano yaive yakachangamuka yaiva pakati pomukoma wangu nomuenzi wacho. Mukoma wangu akanga asingafariri, asi ini ndaifarira. Shoko rose raitaurwa neChapupu chacho raibva rati dyu mumwoyo wangu.

Chapupu chacho chakatsanangura kuti chivi chakabata vanhu nemhaka yokusateerera kwomunhu wokutanga. Kupandukira ikoko kwakaguma nokusakwana norufu kuvanhu vose. Zvisinei, Jesu akapa upenyu hwake sorudzikinuro kuitira kuti zvivi zvedu zvikanganwirwe uye kuti tikwanise kurarama nokusingaperi. (VaRoma 3:23; 5:12, 17-19) Uyezve, Chapupu chacho chakandiratidza muBhaibheri kuti nokukurumidza Jehovha Mwari, achishandisa Umambo hwake, achachinja pasi rino kuriita paradhiso, obvisa chivi nemigumisiro yose yechivi inorwadza.—Isaya 33:24; Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Dzidziso dzomuBhaibheri dzairatidza kuti dzine musoro dzakandichinja zvikuru. Chapupu chacho, chandakazoziva kuti chainzi Robert, chakaronga kudzidza neni Bhaibheri kaviri pavhiki. Mumwedzi mishomanana, ndashongedzwa nezivo yangu itsva yeBhaibheri, ndakanzi ndakanga ndava kukwanisa kuenda neZvapupu muushumiri hwazvo hwepasuo nesuo. Izvi zvaive zvakandiomera sezvo ndaifanira kukurira kutya kuva pane vanhu.

Zvipingamupinyi Zvinomuka

Mhuri yangu haina kufarira kudzidza kwandaiita Bhaibheri. Kuti andivhiringidze, mukoma wangu aisvuta midzanga yefodya usiku mukamuri rangu rokurara. Mangwanani acho ndaitemwa nomusoro uye ndairwara. Chimwe chipingamupinyi chaiva chezvataidya. Baba vaiva hombarume, uye tainyanya kudya nyama yavaiuya nayo. Ndakavatsanangurira kuti Bhaibheri rinorambidza kudya nyama yemhuka dzisina kubudiswa ropa. (Mabasa 15:28, 29) Kunyange zvakadaro, vakaramba kuuraya mhuka dzacho nokudzibudisa ropa. Kazhinji kacho amai vaindipa mupunga usina chinhu, uye ndaiwanzorarama ndisingawani zvokudya zvakakwana.

Kunyange zvazvo Imba yoUmambo muVavoua yakanga iri kune rumwe rutivi rweguta, handina kumbobvumira daro kana kuti mamiriro okunze asina kunaka kunditadzisa kupinda misangano. Ndakabhabhatidzwa muna September 1997 paGungano reRuwa raiti “Kutenda Shoko raMwari” rakaitirwa muIvory Coast. Pakupedzisira ndakawedzera basa rangu roushumiri hwechiKristu zvokuti ndakakwanisa kuva piyona, sokudana kunoita Zvapupu zvaJehovha vashumiri vazvo venguva yakazara.

Zvimwe Zvipingamupinyi

Kusagadzikana mune zvematongerwo enyika kwakaguma nehondo yezvizvarwa zvomunyika yacho muna September 2002. Muvhiki shomanana bedzi, uto renyika iyi rakanga rava kusvika kuVavoua. Vachityira upenyu hwavo, vamwe vanhu vakatiza, kusanganisira vakawanda vaiva Zvapupu zvaJehovha. Mazuva mashanu pashure pokutiza ikoko, varwi vakatora guta racho vachibva vangorambidza zvose zvaiitwa zvine chokuita nokuungana. Pazvakaitika, vakawanda vaigara muVavoua vakaenda kwakasiyana-siyana, kusanganisira Zvapupu zvakanga zvasara.

Sezvo pakanga pasina zvokufambisa zvaishandiswa nevanhu vose, vanhu vaifanira kufamba makiromita akawanda kuti vasvike mumaguta aiva pedyo. Ndakanga ndisingakwanisi kufamba daro rakareba kudaro, saka ndini Chapupu choga chakasara muVavoua. Ndakaramba ndi- chiparidza, uye ndaiita misangano zvokuti vamwe vaigara munzvimbo iyi vaiuya.

Kuedza Kupinda Gungano

Gungano rezuva chairo reZvapupu zvaJehovha rakarongwa kuti riitwe muna November muguta reDaloa. Ndakanyengetera kuna Jehovha, ndichimuudza kuti ndaida kupinda gungano racho. Chimwe Chapupu chakanga chambobva muguta iri chakadzoka ndisingatarisiri. Ndakamukumbira kuti anditakure pabhasikoro rake kuenda kunzvimbo yegungano, yaiva kure nemakiromita 50. Akabva angobvuma, kunyange zvazvo iyewo aitambura nezvirwere zvakakomba.

Vanhu vakanga vasina kugadzikana, saka yakanga isiri nguva yakanaka kufamba rwendo rwakadai. Motokari dzairambidzwa kufamba kubva kuVavoua kuenda kuDaloa. Munhu anenge achifamba zvake akasazivikanwa aigona kunyumwirwa uye kupfurwa nomurwi werimwe uto rinopikisa. Kunyange zvakadaro, Mugovera mangwanani, uri musi waNovember 9, 2002, takabva kuVavoua nebhasikoro takananga kuDaloa, sezvambotaurwa kwokutanga.

Pasina nguva ngani takasvika parodhibhuroku yokutanga pazhinji dzaivapo. Takanyatsoongororwa uye takabvumirwa kupfuurira. Rwendo rwacho rwakanga rwakareba uye ruchinetesa. Taifamba netsoka tokwidza chikomo, uye tasvika pamusoro, tose taikwira bhasikoro totanga kuchovha tichiteremuka.

Nokufamba kwenguva, mumwewo aichovha bhasikoro akatibatsira. Ndakagara pakeriya duku yaiva shure pabhasikoro rake. Munhu uyu ane mutsa zvaaichovha bhasikoro rake, ndakashandisa mukana iwoyo kumuudza nezvoUmambo hwaMwari. Ndakatsanangura kuti hurumende yaMwari ndeyokudenga uye kuti nokukurumidza ichaunza rugare ruchagara narini pasi pano. Akashamiswa nezvandaimuudza uye akandibvunza mibvunzo yakawanda. Patakasvika muDaloa, akatitengera zvokudya ndokuvimbisa kuti aizopinda gungano rezuva chairo mangwanani aitevera.

Takasvika paDaloa atova manheru chaiwo, taneta asi tichifara kuti takanga tasvika. Rwendo rwedu rwemaawa mapfumbamwe rwakanga rusiri nyore. Imwe mhuri yeZvapupu yomunzvimbo iyi yakatigamuchira noushamwari uye yakatikumbira kuti tigare nayo kusvikira zvematongerwo enyika zvati dzikamei. Zvinosuwisa kuti gungano racho rakanga risingachaitwi nemhaka yokusagadzikana mune zvematongerwo enyika. Zvisinei, rwendo rwacho rwakanga rusiri pasina. Rwakaita kuti ndiwane dzimwe ropafadzo dzokushumira vaKristu vandinonamata navo muDaloa.

Kutsunga Kwakaita Kuti Ndikomborerwe

Iye zvino ndinoramba ndichiita zvakawanda somushumiri anoshumira uye piyona wenguva dzose muungano yeDaloa. Ndinobatsirawo kugadziridza Imba yeMagungano yeZvapupu zvaJehovha iri muDaloa. Kuti ndiwane zvandinoda zvokunyama, ndinoveza nokutengesa mashavishavi uye ndinopendawo zvikwangwani.

Kwemakore akawanda ndaibva pamba ndichienda kuchikoro chete, asi iye zvino ndafamba makiromita akawanda ndichitsvaka vaya vane nyota yechokwadi vanoda kuziva kuti nei paine zvirwere nokutambura. Ndakamirira Umambo hwaMwari kuti hubvise hosha dzose, ndinoramba ndichiudza vanhu vari muIvory Coast mashoko anonyaradza ezvinangwa zvaMwari.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Tiri parwendo rwokuenda kuDaloa kunopinda gungano

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ndichibatsira kutarisira Imba yedu yeMagungano muDaloa

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ndinoveza nokutengesa mashavishavi kuti ndirarame

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe