RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb14 pp. 36-38
  • Nyaya Dzinofadza Dzakaitika Kwakasiyana-siyana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyaya Dzinofadza Dzakaitika Kwakasiyana-siyana
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mapurisa Akabatsira Kudzikisa Zvidhinha
  • Akatengesa Bhasikoro Rake
  • Vakanzwa Vachida Kubatsira
  • Vana Vakatengesa Masuwiti
  • Kuvaka Pamwe Chete Pamwero Wenyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kuvaka Dzimba dzoUmambo—Chimwe Chezvinhu Zvinokosha Zvebasa Dzvene
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Chirongwa Chokuvaka Dzimba dzoUmambo Chiri Kufambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Kuwedzera Kunoshamisa Kunoita Kuti Padiwe Dzimba Dzakawanda Nokukurumidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
yb14 pp. 36-38
Mufananidzo uri papeji 36

ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Nyaya Dzinofadza Dzakaitika Kwakasiyana-siyana

Mapurisa Akabatsira Kudzikisa Zvidhinha

MuKutaisi, guta rechipiri pakukura muNyika yeGeorgia, kwemakore 13 magungano aiitirwa mune imwe fekitari yekare yakasakara yaigadzirirwa waini. Mapepa epurasitiki aiturikwa mudenga ari pamusoro pezvigaro kuitira kuti vanhu vasanaiwa nemvura. Iye zvino hama dzava neImba yoUmambo itsva yakakodzera, inogona kushandiswa kupindira magungano edunhu neeruwa. Panguva yaivakwa Imba yoUmambo yacho, vazvipiri 50 vaidzikisa zvidhinha zvesimende mune imwe rori mapurisa paakauya kuti aone zvainge zvichiitika. Abayiwa mwoyo nekufara uye kubishaira kwaiita vashandi vacho, mapurisa acho akavarumbidza achibva avabatsira kudzikisa zvidhinha zvacho. Akaudza hama dzacho kuti dzivafonere kana paine aizodzinetsa. Mapurisa acho akavimbisa kuti aizopinda gungano reruwa rokutanga raizoitirwa paImba Yemagungano iyi itsva.

Akatengesa Bhasikoro Rake

Malachi, mumwe mukuru anogara muBurundi, aiwana chouviri nokurima uye nokutakura zvinhu achishandisa bhasikoro rake. Kuti atsigire basa rokuvaka Imba yavo yoUmambo, Malachi akasarudza kuva panzvimbo yacho zuva rimwe nerimwe. Kuti aite izvozvo, aida mari yokuriritira mhuri yake mumwedzi miviri yavaizenge vachivaka. Saka akatengesa bhasikoro rake ndokupa mudzimai wake imwe mari yacho kuti ashandise pane zvaidiwa nemhuri yake, uye imwe yose yainge yasara akaiisa mubhokisi romupiro kuti ibatsire pakuvaka. Nemhaka yekushanda nesimba kwaaiita, akanyatsodzidziswa basa rokuvaka nevashumiri vanovaka Dzimba dzoUmambo. Pashure pokunge Imba yacho yoUmambo yapera kuvakwa, Malachi akakwanisa kuwana basa rokuvaka nokuti vanhu vaiona kuti aiva muvaki ane unyanzvi. Panguva ino, Malachi akakwanisa kuzvitengera rimwe bhasikoro!

Vakanzwa Vachida Kubatsira

Kuvaka Dzimba dzoUmambo munzvimbo dziri kwadzo dzoga dzekuMalawi kune matambudziko akowo. Mugore rebasa rapera, imba imwe chete yakavakwa munzvimbo ine migwagwa yakaipa zvikuru. Hama dzokubazi dzaiuyisa zvinhu zvokuvakisa kunzvimbo yacho dzichishandisa motokari dzinodhonza nemavhiri ose ari mana. Hama dzomunzvimbo yacho dzakati vanhu vomunharaunda vaifarira zvikuru basa racho. Vanhu vakawanda vomunharaunda vasiri Zvapupu vaiuya kuzobatsira uye vaishanda kusvikira hwava usiku vachidzikisa jecha, matombo ekwari, masaga esimende, uye marata. Kutaura chokwadi, paiva nedzimwe nguva dzokuti vanhu vasiri Zvapupu vaiwanda kupfuura Zvapupu! Vachibayiwa mwoyo nezviri kuitwa neZvapupu zvaJehovha kuti zvivake nzvimbo dzokunamatira dzakanaka munzvimbo dziri kwadzo dzoga seyavo, vagari vomunharaunda yacho vakanzwa vachida kubatsira.

Vana Vakatengesa Masuwiti

Mumwe murume nomudzimai wake vari mapiyona chaiwo muCôte d’Ivoire vanodzidza Bhaibheri muchiBete, mutauro wemunharaunda yacho, neimwe mhuri ine vana gumi. Muna May 2013 gungano redunhu rokutanga muchiBete raizoitirwa mutaundi reDaloa, uye vose vomumhuri yacho vaida kuripinda. Zvisinei, paidiwa 800 CFA ($1,60 U.S.) pamunhu kuenda nokudzoka, uye baba vacho vainge vasingakwanisi kuenda nemhuri yavo yakakura. Zvavainge vatsunga kupinda gungano racho, vakafunga zvokuita. Vakapa mwanasikana wavo mukuru 300 CFA ($0,60 U.S.) ndokumuudza kuti atenge masuwiti ozoatengesa, uye ndozvaakaita. Akawana purofiti yaikwana kuenda rwendo rwacho. Baba vacho vakaitawo izvozvo kune vamwe vana​—vakapa mumwe nomumwe 300 CFA kuti atange kabhizimisi kekutengesa masuwiti kusvikira vose vava nemari yaikwana rwendo rwacho. Pakupedzisira, vakazopinda gungano racho pamwe chete nevamwe. Vakafara chaizvo kuteerera purogiramu yacho mururimi rwaamai!

Mufananidzo uri papeji 38
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe