RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 July pp. 27-30
  • Musha Wakachena—Zvatinofanira Kuita Tose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Musha Wakachena—Zvatinofanira Kuita Tose
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mafungiro Akanaka
  • Purogiramu Yokuchenesa
  • Kushandira Pamwe Kwemhuri
  • Panze Panoratidzika Zvakanaka
  • Ungatyaira Sei Zvisina Ngozi?
    Mukai!—2009
  • Tingabatsira Sei Kuti Imba Yedu yeUmambo Irambe Yakanaka?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mwari Anoda Vanhu Vakachena
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Jehovha Anoda Vanhu Vakachena
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 July pp. 27-30

Musha Wakachena—Zvatinofanira Kuita Tose

Nomunyori weMukai! muMexico

ZVINOFADZA zvakadini kugara munzvimbo yakachena, isina kusvibiswa! Zvisinei, nokuwedzera kwemarara mumaguta makuru, zvakatooma kuchengeta nzvimbo yatinogara yakachena uye yakarongeka.

Minisiparati dzehurumende dzinoedza kuchengetedza migwagwa yakachena nokuronga kuti marara abviswe, asi pasinei neizvi, mune dzimwe nzvimbo marara anoita mirwi. Izvozvo hazvinakidzi kuona uye zvinoisa utano hwevanhu pangozi. Marara anoregwa achiita mirwi anogona kukonzera kuwanda kwemakonzo, mapete, notumwe tupukanana tunokonzera zvirwere. Pane zvaungaita here nemamiriro ezvinhu aya? Hungu, chengetedza musha wako nenzvimbo yakaupoteredza zvakachena uye zvakatsvinda.

Mafungiro Akanaka

Vamwe vanhu vanofunga kuti misha nenzvimbo yakaipoteredza zvine tsvina zvinoratidza urombo. Zvisinei, ichi hachisi chokwadi. Ichokwadi kuti kushayikwa kwezvinhu kunoita kuti kuchengeta nzvimbo yatinogara yakachena kuwedzere kuoma. Asi chirevo chechiSpanish chinoti: “Urombo norucheno hazvipopotedzani.” Asi chokwadi chokuti mumwe munhu ane zvinhu zvokushandisa zvakakwana hachisi vimbiso yokuti achachengeta nzvimbo yaanogara yakachena.

Kuchenesa mukati nokunze kwemba kunoenderana nokufunga kwomunhu obva azviita. Kutaura chokwadi, kuchengeta musha wakachena kunotsamira zvikuru pamafungiro emhuri yacho yose. Saka zvakanaka kuongorora zvatinogona kuita tose kuti tichengete misha yedu yakachena, kusanganisirawo nzvimbo yakapoteredza kwatinogara.

Purogiramu Yokuchenesa

Zvinoita sokuti basa raamai harifi rakapera. Kunze kwokubika zvokudya uye kugadzirira vana kuti vaende kuchikoro, vanofanirawo kuchenesa imba nenzvimbo yakapoteredza. Wakambozvicherechedza here kuti kazhinji ndiamai vanonhonga mbatya dzakasviba kana kuti zvimwe zvinhu zvevana vavo zvavanenge vasiya mumakamuri avo? Purogiramu yakajeka yokuchenesa inobatanidza mhuri yose inogona kubatsira kurerutsa mutoro waamai.

Vamwe vakadzi vanosarudza zvinhu zvavanoti zvinoda kutarisirwa uye kucheneswa zuva nezuva, nepo dzimwe nzvimbo dzemba dzichigona kucheneswa kamwe chete pavhiki, dzimwewo kamwe chete pamwedzi. Chokwadi, pane zvimwe zvinhu zvinogona kurongerwa kucheneswa kamwe chete pagore. Somuenzaniso, muMisha yeBheteri, pazvivako zvemapazi eZvapupu zvaJehovha munyika imwe neimwe, kuchenesa wadhiropu zvakasimba kunoitwa kamwe chete pagore. Inguva yokubvisa zvinhu zvisisashandiswi uye yokunyatsorongedza wadhiropu. Panewo purogiramu yenguva dzose yokugeza madziro.

Pane dzimwe nzvimbo dziri mumba idzo rucheno runokosha kuti tive noutano hwakanaka, dzakadai semokugezera uye muzvimbudzi. Kunyange zvazvo kumwe kuchenesa kuchifanira kuitwa zuva nezuva, kuchenesa nomazvo, zvichida kamwe chete pavhiki, kuchaita kuti utachiona husaberekane. Vamwe vanofunga kuti hapana zvatingamboita kuti muchemba yomuchimbudzi musaite mavara uye kuti haabvi. Zvisinei, unogona kuwana misha ine zvimbudzi zvinenge zvakanyatsochena uye zvichipenya. Inongova nyaya yokugara muchichenesa uye yokushandisa zvishandiso zvakakodzera.

Kicheni inodawo kucheneswa nomazvo. Kunyange zvazvo uchigeza midziyo uye uchichenesa chitofu netafura zuva nezuva, nguva nenguva—zvichida kamwe chete pamwedzi—zvinokoshawo kuchenesa nomazvo nzvimbo dzakadai sokuseri kwechitofu nefiriji uye pasi pesingi. Kuchenesa imba inochengeterwa zvokudya kana kuti makabati nguva nenguva kuchaita kuti mapete notumwe tumbuyu tunokuvadza zvisagare imomo.

Kushandira Pamwe Kwemhuri

Vamwe vabereki vanopa vana vavo mitemo uye vakavarovedza zvokuti pavanobuda mukamuri ravo mangwanani vachienda kuchikoro, vanosiya vagadzira mibhedha yavo, vaisa mbatya dzavo dzakasviba munzvimbo yadzo chaiyo, uye zvimwe zvinhu zvavo zvakarongedzwa. Mutemo unoshanda kumunhu wose ndewokuti, “Chinhu chose ngachive nenzvimbo yacho uye ngachigare munzvimbo iyoyo.”

Uyewo, dzimwe nhengo dzomumhuri dzingava nemamwe mabasa okuita kana kuti chikamu cheimba chokuchenesa. Somuenzaniso, baba vanochenesa nokurongedza mugaraji here kamwe chete hako pagore? Mumwe mwana anogona kuvabatsira here kuzviita? Ndiani anotarisira kubviswa kwemasora pachivanze chepamberi kana kuti kucheka uswa? Izvi zvinofanira kuitwa kangani kuitira kuti kunze kwemba kuratidzike zvakanaka? Pane imba inogara zvinhu zvinoshandiswa nguva dzose here inofanira kuongororwa kuitira kuti ungwanda ngwanda husina basa hubviswe uye kuti nzvimbo yacho igare yakachena? Kana iripo, ndiani achazviita? Vamwe vabereki vanopa vana vavo mabasa aya, voita kuti vaite majana.

Naizvozvo, ita purogiramu yakanaka yokutarisira imba yako. Zvisinei nokuti unochenesa wega kana kuti nemhuri yako kana kuti unoda kuhaya mumwe munhu kuti akubatsire, zvinokosha kuti uve nepurogiramu yakajeka. Vamwe amai vanochengeta imba yavo yakachena chaizvo vanotiudza kushandira pamwe kunoita mhuri yose kuti imba irambe yakachena vachiti: “Ini nevanasikana vangu vatatu tinogovana mabasa epamba. Norma Adriana anochenesa imba yokutandarira, dzimba mbiri dzokurara, berere, uye chivanze. Ana Joaquina anotarisira kicheni. Ini ndinowacha mbatya uye ndinotarisira zvimwe zvinhu ukuwo María del Carmen achisuka ndiro.”

Panze Panoratidzika Zvakanaka

Zvakadini nepanze pemba? Ungava uchigara muimba yemaoresa kana kuti imbawo zvayo, purogiramu yokuchenesa uye yokugadzirisa kunze inodiwa. Somuenzaniso, gedhi rewaya yepamba rinogona kutyoka pamwe peparinotenderera napo. Unoziva kuti gedhi rinozoratidzika zvakaipa sei kana rikaregwa risina kugadzirwa kusvikira razodonha. Zvakafanana zvinogona kutaurwa nezvemarara anoregwa achiungana pamukova kana kuti munzira inouya kumba. Uyezve, dzimwe nguva magaba nezvokushandisa, zvikaregwa zvichiungana zvisina kurongeka kunze kwemba, kuchivanze chemberi kana kuti chokuseri, izvi zvinogona kuzova pokuvanda petupukanana.

Dzimwe mhuri dzakasarudza kutsvaira nokuchenesa nzvimbo dziri nechokunze kwemba, kusanganisira nzira inouya kumba kunyange nzira iri nechemberi kwemba, kamwe chete pazuva kana kuti pavhiki, kana zvichidiwa. Ichokwadi kuti mune dzimwe nzvimbo hurumende ine urongwa hwakanaka hwokuchengetedza nzvimbo dzakapoteredza dzakachena, asi kune dzimwe nzvimbo hakuna menisiparati. Hapana mubvunzo kuti nzvimbo yakapoteredza kwatinogara icharatidzika zvakanaka uye ichava yakanaka kana tose tikaita basa redu kuti igare yakachena.

Dzimwe mhuri hadzingoiti chete purogiramu ine mabasa ambotaurwa pamusoro apa asiwo dzinoinyora papepa dzoinamira painogona kuonekwa uye kutevedzerwa nemhuri. Izvi zvinogona kuva nemigumisiro yakanaka chaizvo. Ichokwadi kuti hatina kutaura zvinhu zvose zvaunofanira kuziva nezvokuchenesa. Somuenzaniso, unoda kusarudza kuti mishonga yokuchenesa ipi inonyatsoshanda munzvimbo yaunogara uye kuti ndezvipi zvokushandisa zvaungagona kuwana zvichienderana nehomwe yako.

Zvisinei, mazano mashoma aya achaita kuti mhuri yose izive kudiwa kwokuchengeta imba yenyu nenzvimbo dzakapoteredza zvakachena. Yeuka kuti kuchengeta imba nenzvimbo dzakapoteredza zvakachena zvinoenderana, kwete nehomwe yako, asi nemafungiro ako.

[Bhokisi riri papeji 28, 29]

Purogiramu Yokuchenesa Musha Inobudirira

Shandisa nzvimbo isina chinhu kuwedzera zvaunoda pane zvokuongorora

Ziva kuti: Kusanganisa mishonga yokuchenesa kunogona kuva nengozi zvikuru, kunyanya kana ukasanganisa mishonga inobvisa ruvara neammonia

✔ Zuva Nezuva

❏ Imba yokurara: Waridza mibhedha uye rongedza zvinhu

❏ Kicheni: Geza ndiro uye singi. Ita kuti patafura pagare pasina ungwanda ngwanda hwezvinhu. Tsvaira kana kukorobha pasi kana zvichidiwa

❏ Imba yokugezera: Geza singi nechimbudzi. Rongedza zvinhu

❏ Imba yokutandarira uye dzimwe dzimba: Rongedza zvinhu. Pukuta fanicha. Tsvaira, korobha, kana kushandisa muchina unobvisa marara pasi kana zvichidiwa

❏ Imba yose: Rasai marara sezvinotarisirwa

✔ Vhiki Nevhiki

❏ Imba yokurara: Chinja mashitsi. Tsvaira, korobha, kana kushandisa muchina unobvisa marara pasi kana zvichidiwa. Pukuta guruva pafanicha

❏ Kicheni: Geza chitofu, midziyo yemagetsi inogara patafura, uye zvinobata singi. Korobha pasi

❏ Imba yokugezera: Geza madziro eshawa, singi uye bhavhu rokugezera. Geza chimbudzi, kabati, nenzvimbo dzose uchishandisa mishonga inouraya utachiona. Chinja matauro. Tsvaira kana kukorobha pasi

✔ Mwedzi Nomwedzi

❏ Imba yokugezera: Geza madziro ose zvakasimba

❏ Imba yose: Geza madhofuremu. Shandisa muchina unobvisa marara kana kuti nyatsogeza zvigaro

❏ Gadheni, chivanze, garaji: Tsvaira kana kuti chenesa kana zvichidiwa. Ita kuti marara kana zvinhu zvisina basa zvisaungane

✔ Mwedzi 6 Yoga Yoga

❏ Imba yokurara: Wacha zvokuwarira pamubhedha maererano nemirayiridzo yakanyorwa pazviri

❏ Kicheni: Bvisa zvinhu zvose zviri mufiriji wonyatsoigeza

❏ Imba yokugezera: Bvisa zvinhu mumasherufu nomumadhirowa womuchenesa. Rasa zvinhu zvisina basa kana kuti zvisisashandi

❏ Imba yose: Geza marambi, mafeni, uye magirobho. Geza madhoo. Geza zvinodzivirira mahwindo, mahwindo, uye mahwindo furemu

✔ Gore Negore

❏ Imba yokurara: Bvisa zvinhu zvose muwadhiropu wochenesa chaizvo. Rasa zvinhu zvisina basa. Wacha magumbeze. Bvisa guruva pametiresi nomuchina unobvisa marara kana kuti igumhe guruva chaizvo. Wacha piro maererano nemirayiridzo yakanyorwa padziri

❏ Kicheni: Bvisa zvinhu mumasherufu, mumakabati, uye mumadhirowa woachenesa chaizvo. Rasa zvinhu zvisina basa. Sudurutsa midziyo yemagetsi kuitira kuti ugone kuchenesa pazvanga zvakagara

❏ Imba yose: Geza madziro ose. Geza zvigaro uye maketeni maererano nemirayiridzo yakanyorwa pazviri

❏ Garaji kana munochengeterwa zvinhu: Nyatsotsvaira. Rongedza kana kurasa zvinhu zvisina basa

[Mifananidzo iri papeji 30]

“Chinhu chose ngachive nenzvimbo yacho uye ngachigare munzvimbo iyoyo”

[Mifananidzo iri papeji 30]

Kupa vamwe zvinhu zvausisashandisi kunogona kubatsira

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe