RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 January p. 19
  • Kuoneswa Ndondo Nokushushikana Mupfungwa!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuoneswa Ndondo Nokushushikana Mupfungwa!
  • Mukai!—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Funganyo Yakanaka, Funganyo Yakaipa
    Mukai!—1998
  • Zvinokonzera Kushushikana Mupfungwa uye Zvinozovapo
    Mukai!—2005
  • Ndoitei Kana Ndichitemeswa Musoro Kuchikoro?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Zvii Zvinoitika Paunoshushikana?
    Mukai!—2020
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 January p. 19

Kuoneswa Ndondo Nokushushikana Mupfungwa!

“NDICHO Chinetso Chokutanga Choutano muAmerica.” Ndiwo waiva musoro weimwe nyaya yakabudiswa neAmerican Institute of Stress inotaura kuti chinhu chikuru kwazvo chinokanganisa utano nhasi haisi kenza kana kuti AIDS. Mushumo wacho unoti: “Zvave zvichifungidzirwa kuti 75 kusvika ku90 muzana yevanhu vose vanoshanyira vanachiremba vanenge vaine zvinetso zvine chokuita nokushushikana mupfungwa.”

Hakusi kuwedzeredza kutaura kuti vanhu nhasi vari kuoneswa ndondo nokushushikana mupfungwa. Maererano neNational Consumers League, “basa ndiro chinhu chikuru chinokonzera kushushikana mupfungwa kuvanhu vakuru vane zvinetso uye vanoshushikana mupfungwa muupenyu hwavo (39%), kwozotevera mhuri (30%). Zvimwe zvinetso zvacho zvinosanganisira zvoutano (10%), kunetseka nezvoupfumi (9%) uye kunetseka pamusana pokusawirirana kwenyika dzepasi pose nougandanga (4%).”

Zvisinei, kushushikana mupfungwa hakusi muUnited States chete. Imwe ongororo yakaitwa kuBritain muna 2002 yakafungidzira kuti “vanhu vanodarika hafu yemiriyoni muBritain vaifunga kuti muna 2001/2 vaishushikana mupfungwa zvichikonzerwa nebasa ravo zvokuti zvaitoita kuti varware.” Nemhaka “yokushushikana mupfungwa kunokonzerwa nebasa, kuora mwoyo kana kuti kuzvidya mwoyo, zvinofungidzirwa kuti mazuva anosvika mamiriyoni 13 nehafu anofanira kushandwa anorasika pagore muBritain.”

Izvi ndizvo zviri kungoitikawo mune dzimwe nyika muEurope. Maererano neEuropean Agency for Safety and Health at Work, “zvakaoneka kuti kushushikana mupfungwa kunokonzerwa nebasa kwave kuchitambudza mamiriyoni evashandi vomuEurope vanoita mabasa akasiyana-siyana.” Kumwe kuongorora kwakaratidza kuti kune “vashandi [veEuropean Union] vanenge mamiriyoni 41 vanoshushikana mupfungwa gore rimwe nerimwe zvakonzerwa nebasa.”

Zvakadini nomuAsia? Mumwe mushumo wakabudiswa pane mumwe musangano wakaitirwa muTokyo wakati: “Kushushikana kunokonzerwa nebasa ndicho chinetso chiri kwose kwose munyika dzakawanda mupasi rose, dziri kubudirira nedzakabudirira.” Mushumo wacho wakataura kuti “nyika dzakawanda dziri kuEast Asia, kusanganisira China, Korea neTaiwan, dzakakurumidza kusimukira uye kupfuma zvikuru. Iye zvino nyika idzi dzava nezvinetso zvokushushikana mupfungwa kunokonzerwa nebasa uye vashandi vanenge vasina utano hwakanaka.”

Zvisinei, haudi hako kuongorora uchitsvakurudza kuti uzive kuti vanhu vari kushushikana mupfungwa. Pamwe iwewo uri kutoshushikana mupfungwa! Kushushikana mupfungwa kunogona kukuvadza iwe nevadiwa vako sei? Mhuri dzingadzidza sei kurarama nokushushikana mupfungwa? Nyaya dzinotevera dzichakurukura izvi.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Vakawanda vanoshushikana mupfungwa zvichinyanya kukonzerwa nebasa ravo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe