RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g04 11/8 p. 32
  • Anogona Kunyaradza Vanochema

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Anogona Kunyaradza Vanochema
  • Mukai!—2004
Mukai!—2004
g04 11/8 p. 32

Anogona Kunyaradza Vanochema

Mumwe mukadzi wokuJalisco, Mexico, akanyora tsamba kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha iri muMexico. Akakumbira kuti: “Ndapota nditumirei mabhurocha anoverengeka anonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. Handisi mumwe weZvapupu zvaJehovha, asi ndinodavira zvizhinji zvamunodzidzisa.”

Munyori wacho akatsanangura chikonzero chechikumbiro chake achiti: “Ndinoda mabhurocha aya nokuti ndinofunga kuti angave akanaka kuapa vamwe vanhu vanouya kuzotenga mushopu yedu yemaruva. Ndiri kureva vaya vanouya kuzotenga maruva anoiswa paguva uye avo pane dzimwe nguva vanenge vari mudzimai, vana, kana murume womushakabvu. Ndinofunga kuti mabhurocha aya anogona kuvabatsira zvikuru.”

Zvichida iwe kana kuti mumwe munhu waunoziva munganyaradzwawo nokuverenga bhurocha iri rine mapeji 32. Rinopindura mibvunzo yakadai seyokuti: Ndinogona sei kugara nenhamo yangu? Vamwe vangabatsira sei? Itariroi iripo kune vaya vakafa?

Unogona kukumbira bhurocha iri nokuzadza kopani rinotevera wobva waritumira kukero yaratidzwa pakopani rino kana kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

□ Ndiri kukumbirawo bhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa.

□ Ndapota ndionei nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe